Munamato wenguva dzetatu (3 O’Clock)
Ropa nemvura zvakapfachuka kubva pamwoyo waJesu, sechitubu chetsitsi kwatiri, ndinovimba nemi.
Baba vedu vari kudenga, ndinokupirai muviri, ropa, mweya nohumwari hweMwanakomana wenyu wepamwoyo, Tenzi wedu Jesu Kristu, achiripira matadzo edu neevanhu vose pasi rose.
Tinzwireiwo tsitsi isu navanhu vose pasi rose.
Mwari munoera, munoera samasimba ose, tinzwireiwo tsitsi isu navanhu vose pasi rose. Amen.
Archives
All posts for the month January, 2016
Munamato wokukumbira rugare waPapa Riyo vegumi nenhatu
Tenzi, imi munoona kusimuka kwematutu emhepo ine simba kwose kwose, uye kusadzikama kwenyanza nokuda kwamasaisai nomutsindo mukuru unotyisa.
Tenzi, ndimi moga munogona; Tinokutetererai kuti munyaradze dutu remhepo uye nyanza, mudzorere munhu rugare rwechokwadi rwezita renyu.
Rugare rwusingagoni kupiwa nenyika, uye runyararo mukugarisana nokunzwanana. Nomwoyochena uye rubatsiro rwenyu, dzorai munhu kuurongwa hwenyu. Kundai utongi hwamakaro, mudzorerezve sezvazvakafanira, rudo rwaMwari, ruenzaniso, kudanana sehama nehama nokuzvibata muzvishuvo zvose. Umambo hwenyu ngausvike.
Itai kuti zvinhu zvose zvizive kuti zvinotongwa nemi uye zvinofanira kukuitirai imi chokwadi noruponeso; pasina imi, tinoshandira pasina.
Mumutemo wenyu mune runzwisiso nemutsa wababa. Munogara muri pedyo kuti musimbaradze nokubatsira munhu nesimba renyu guru, kuchengeta mitemo yenyu.
Upenyu pano pasi ihondo, asi imi munotarisa kurwa uku muine chinangwa chokuti munhu akunde. Munosimudzira ndonda, muchipawo mubairo kune vakundi. Amen.
Munamato wechitendero waPapa Pauro vechitanhatu
Tenzi ndinotenda
Ndinoda kutenda mamuri.
Tenzi itai kuti ndikudei zvizere uye zvakaperera,
Kutenda kwangu ngakusvike kupfungwa dzangu,
nzira dzandinogamuchira zvinhu zvinoera uye zvinhu zvavanhu.
Tenzi itai kuti kukudai kwangu kuve nomufaro, mugopazve mweya wangu rugare norudekaro, ungoda bedzi kunamata Mwari nokutendeutsa vanhu,
Kuti rudekaro rwomukatikati, upfumi hwemweya wangu huonekwe mune zvinoera nomukutaura kwose.
Tenzi itai kuti ndizvidukupise mukutenda uye ndisakurumidze kutongera vamwe nokuziva kwangu bedzi, maonero kana mafungiro;
Asi ndizviturire kuchapupu chaMweya Mutsvene, uye ndisave nechimwe chinotsigira chingapinda kugamuchira ndisingakononi, tsika nedzidziso zvinopiwa neSangano Dzvene. Amen.
Munamato wokukumbira rugare waPapa Johani XXIII Mutsvene
Tenzi Jesu Kristu, munodaidzwa kunzi Mambo WoRugare,
Imizve ndimi rugare noruwadzanisi pachenyu, munogaroti:
“Rugare ngaruve nemi”, tipeiwo rugare.
Itai vanhurume navanhukadzi vose zvapupu zvechokwadi, ruenzaniso norudo sehama nehama.
Vhenekerai vatungamiri vedu kuti vachengetedze nokudzivirira chipo chikuru chorugare.
Itai kuti vanhu pasi rose vagarisane sehama nehama.
Chishuvo chorugare ngachitumbuke chitekeshere nokutonga pamusoro pedu nguva dzose. Amen.
Munamto waPauro Mutsvene wokutsvaga ungwaru norunzwisiso
Handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti; Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Krist, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka inomukurumbira inowanikwa navatsvene. Uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga.
Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rine mukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga. Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake, akamuita musoro wezvinhu zvose musangano riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose. Amen.
Munamato waSitefani Mufiri wechitendero Mutsvene
Mwari muzere norudo,
Sitefani Mutsvene aive umwe
wevashandiri venyu vokutanga muSangano.
Vapositori vakamunamatira vakaisa maoko avo paari
pamwe navamwe vatanhatu
kuti vaite basa
rokuzogovera zvokudya kuvarombo nechirikadzi.
Utsvene hwake hwaionekwa zvokuti paaiparidza
Uso hwake hwaipenya souso hwavatumwa.
Ndinokumbirira nokwaari, ava vose
vakadaidzwa kuupenyu hwokushanda samadhikoni.
Tenzi, vabatsirei kuti vave chiratidzo chorudo rwenyu
mumasangano avanogara nokushanda,
uye pasi rose.
Vakomborerei nomuono webasa ravo,
vawane chido nokusaneta mukushandira vamwe.
Sitefani Mutsvene, tireverereiwo.
Munamato waFranzisi Zevhiya Mutsvene
Mwari musina mugumo, musiki wazvose, yeukai kuti imi moga ndimi makasika mweya yavasingatenderi, muchivaita mumufananidzo wenyu kuti vatodzane nemi. Zvino Tenzi onai kusaremekedzwa kwamunoitwa nokuwira kwavazhinji vavo mugehena. Tenzi yeukai kuti Mwanakomana wenyu Jesu Kristu akateura ropa rake achivatambudzikira. Tenzi musabvumira kuti Mwanakomana wenyu arambe asingazivikanwi navasingatendi, asi norubatsiro rwaVatsvene venyu uye rweSangano renyu rinova ndiro mwenga woMwanakomana wenyu, rangarirai tsitsi dzenyu, muvakanganwire kunamata kwavo zvifananidzo nokusatenda mamuri. Tenzi vaitei kuti vazive iye wamakatuma, Mwanakomana wenyu Jesu Kristu muponesi wedu, upenyu nokumuka kwedu. Nomaari takaponeswa nokudzikinurwa, mbiri yose ndeyake zvino nokusingaperi. Amen.
Tenzi Jesu, ndihwandiseiwo murondo roMwoyo Mutsvene wenyu. Ndisunungurei mukushuvira kuda kudiwa nokukwidziridzwa.
Ndidzivirirei mukuita kwakaipa kwokuedza kuzvitsvagira pachangu mbiri norukudzo. Ndigonesei kuzvidukupisa kusvikira ndava kamberevere murimi romoto worudo rwoMwoyo Mutsvene wenyu. Ndipeiwo nyasha ndigone kuzviramba uye kuramba zvinhu zvose zvapasi.
Jesu, makanakisa kupfuura mazwi edu, sandurai nyaradzo yose yenyika kuti isandinakire.
Jesu wangu, zuva roruenzaniso, vhenekerai njere nehana yangu nemiranzi yenyu inoera. Chenesai mwoyo wangu, mundimedze mumoto worudo rwenyu rwunondiita ndive mumwechete nemi. Amen.
Munamato kuna Andoni wokuPadhuwa Mutsvene
Vadiwa Antoni Mutsvene, zvichakangoita sekutura kwakaita Pita Mutsvene kuti: Satani anobvongodza kwose kwose seshumba inodzvova ichitsvaga waingadye. Ndinoreurura kuti handi pose pandinokwanisa kumuramba; dzimwe nguva ndinovhevhetedzwa nemiedzo.
Antoni Mutsvene, mudzingi womweya yakaipa, ndiyeuchidzei basa rangu rokuramba zvose zvingandipinza mukutadza nguva dzose. Daiwaro ndagona kunamata nguva dzose dzandinopinda mukuedzwa kuti ndigoramba ndakatendeka kuna Tenzi wangu Jesu. Ndireverereiwo mune zvimwe zvandinokumbira izvi … (zvitaure). Amen.
Kunamatira vatadzi kuUso Hunoera
(naTeresa Mutsvene wekuRizu)
Baba musina mugumo, sezvo makandipa Uso Hunoera hweMwanakomana wenyu, ndinopa Uso uhu kwamuri ndichikutetererai kuti muugamuchire somutengo wakakosha wokukanganwira kusatenda kwevakapirirwa imi uye kuregerera vose vatadzi varombo. Amen.
