Utungamiri hwokushandira hunofanira kuonekwa muunhu hwomunhu:
- Vimba nezvauri – Vatungamiri vanoshandira vanovimba nezvavari uye vanoziva zvakakosha zvaMwari. Tinogona chete kuita zvinodikanwa navamwe nokuvapa simba rokuita zvavanokwanisa kana isu pachedu tichizvigamuchira uye tichiziva kuti takakosha pamberi paMwari. Muna Johani 13:3-5 tinoverenga kuti ‘Jesu akaziva kuti Baba vakaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari zvakare akanga achizodzokera kuna Mwari; saka akadurura mvura mubheseni ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi vake.’ Jesu akanga akasununguka kutora ndiro netauro achishambidza tsoka dzavadzidzi vake nokuti aiziva kuti aiva ani pamberi paBaba. Kana kusimbisa vamwe kuchideredza maonero aunoita kukosha kwako, uchaona hutungamiri hwokushandira senjodzi uye ticharega kuita hutungamiri hwakadai.
- Kukurudzira matarenda – Vatungamiri vanoshandira vanowana mufaro mukukurudzira uye kutsigira vashandi vavo kana nhengo dzeboka. Shoko ramwari rinoti, ‘Mwoyo yenyu ngairege kunetseka’ Vatungamiri vanoshandira vanoita kuti vamwe varege kunetseka. Vanokudza zvipo zvavamwe zvemweya mukushumira kwavo uye rumbidza pachena kukura kwavamwe norubatsiro runopihwa navamwe. Somugumisiro, gungano rinoshanda semuviri mumwechete apo munhu wose anokosheswa kwete somuteereri anongotevedzera zvido zvomutungamiri chete.
- Vanoti mbiri kuna Mwari – Vatungamiri vanoshandira havadi mbiri nokuda kwezvavanofunga uye zvavanoronga. ‘Zvakawanda zvakadini zvaigona kuitirwa umambo hwaMwari dai zvisina basa kuti ndiani anawana mbiri!’ Vatungamiri vanoshandira vanowana mbiri nokukura kweumambo hwaMwari wete kwamazita avo.
- Vanonzvenga mambure esimba – Vatungamiri vanoshandira havafariri mambure esimba nezvinzvimbo. Nokuti vanoziva kuti munhu wose akaenzana pamberi paMwari, vanonzvenga mazita makuru nembiri nhando vachisarudza kunangana nebasa ravashanda. Vakachenjerera kusakoshesa kukura kwehofisi nezvimwe.
- Anokoshesa unhu hwakanaka – Vatungamiri vanoshandira vanoumbira simba ravo paunhu kwete pachinzvimbo. Simba rinobva paunhu rinovakwa neururami uye kugadzikana pamberi paMwari. Saka mutungamiri wechokwadi kunze kwokuti amanikidze vanhu kuita zvaanoda anopa vateveri vake muenzaniso wakanaka wavanotevera. Kuteerera, kunzwira tsitsi, kuporesa, kunyengetedza uye utariri ndihwo unhu hwemutungamiri akanaka.