Munamato wokugadzirira
Jesu muponesi wedu vadiwa, zvino tavakupinda muuvepo hwokutambudzika kwenyu kunoera. Tibatsirei kunzwisisa kuti kutambudzika kwatinoita muupenyu, kuendesa mberi kutambudzika kwenyu. Tinokumbira simba kuti mweya yedu igone kupinda mukutambudzika uku, tiine mweya mumwechete sowenyu.
ChimisoChokutanga
Jesu anotongerwa kufa
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Jesu akabuda mumba maKefasi maakanga atukwa uye mumba maHerodhi maakanga asekwa. Zvino anozvuzvurudzwa pamberi paPirato, musana wake uri maronda okurohwa uye musoro wake wakagadzwa ndaza yeminzwa. Iye achazotonga vapenyu navafi pazuva remhedziso, ndiye anotongerwa rufu runonyadzisa.
Munamato:
Jesu wadiwa makatambudzikira isu. Zvitadzo zvedu ndizvo zvakakupondai. Itai kuti tiseme rutadzo kubva pasi pomwoyo yedu, nenzira iyi tipinduke nokuwana tsitsi nokuregererwa nemi.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi
D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechipiri
Jesu anotakudzwa Muchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Muchinjikwa unorema wakagadzikwa pamapendekete akakuvara aJesu. Anougamuchira norupfave uye kutsunga nokuti ndiwo uchava nzira yokununura pasi nokuzadzisa basa raakatumwa naBaba vake vokudenga.
Munamato:
Jesu, nokuda kweMuchinjikwa wenyu chitigonesai kugamuchira norupfave uye tisingatsutsumwi matambudziko atinosangana nawo muupenyu. Tigare takagadzirira kutakura michinjikwa yedu tichikuteverai.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsiD: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechitatu
Jesu anowa kekutanga nokuremerwa noMuchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Jesu akadembedzwa nomutoro woMuchinjikwa, anotangisa rwendo rwokuenda kuKarivhari ari mukati mokutukwa nokutsvinyirwa navanhu. Shungu dzomumunda dzarukutisa muviri wake; muviri wose wavaronda rimwe nokurohwa kwaaitwa; haasisina simba; anowira pasi nomutoro weMuchinjikwa unomutsitsirira.
Munamato:
Jesu, napamusana pematadzo edu makatakura mutoro unorema wakakupunzirai pasi. Pfungwa yokutambudzika kwenyu ngaitigonese kugara takarinda kuti tizviponese mukuwira murutadzo rwenjodzi.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechina
Jesu anosangana namai vake
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Jesu anoenderera mberi nerwendo akatakura mutoro weMuchinjikwa, kupunzika kwaaita kwamuwedzera kukuvara. Anosangana namai vake. Uku kusangana kwavaviri kunobata mwoyo! Ibakatwa ramarwadzo makuru rinobaya mwoyo wamai! Mwana akatambudzika zvikuru kuona amai vake vatsvene vachirwadziwa zvakadai.
Munamato:
Jesu, pamusana petsitsi dzamakanzwira amai venyu, tinzwireiwo tsitsi mutipewo reverero yamai venyu. Maria amai makanyanyo rwadziwa, tirevererei kuti nomukutambudzika kweMwanakomana wenyu, tidzikinurwewo kurufu nokusingaperi.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechishanu
Jesu anobatsirwa naSimiyoni kutakura Muchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Jesu apera simba, agomberwa haachakwanisa kuenderera mberi saka masoja anomanikidza Simiyoni weSarini kutakura Muchinjikwa wake. Mutsa weMuchinjikwa, unosandura mwoyo waSimiyoni kuti basa raamanikidzwa rive gomborero nomufaro.
Munamato:
Tenzi Jesu, daiwaro ravewo gomborero redu kutakurawo Muchinjikwa wenyu. Tisatsvage mbiri kune chimwezve chinhu, noMuchinjikwa wenyu nyika ngairovererwe kwatiri nesuwo kwairi. Dai tikasazeza kutambudzika asi kufara mukutambira matambudziko savanhu vanokodzera kutamburira zita renyu.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechitanhatu
Vheronika anopukuta Uso hwaJesu
M: Tinokupfugamirai Kristu, tinokurumbidzai.
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene.
Jesu paanoenderera mberi nerwendo, umwe mukadzi anetsiyo nyoro anoveveredza nomukati mavanhu kunopukuta uso hwake nedhuku yake. Somubairo werunamato hwake, Jesu anomutusa nokuita kuti mufananidzo weuso hwake usare wakadhindika padhuku yake.
Munamato:
Jesu, dai kupindawo kwedu muuvepo hwokutambudzika kwenyu kwatipa mutsa wakadzama unotigonesa kuvenga rutadzo nokuvesa moto worudo kwamuri mumwoyo yedu. Mufananidzo weuso hwenyu ngaudhindwe muhana dzedu kusvikira tasandurwa tichifanana nemi.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso chechinomwe
Jesu anowa nokutsitsirwa noMuchinjikwa kechipiri
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Marwadzo amaronda uye kurasa ropa nenhanho yose yaarikuita munzira, zvinoita kuti Jesu ashaye simba. Anowira pasi kechipiri.
Munamato:
Jesu makaputsika kechipiri nokuda kwemutoro wamatadzo edu uye kuda kwenyu kutitambudzikira. Kanganiko katinoramba tichiwira murutadzo! Ngatisarudzei hedu kufa pane kukutadzirai zvakare!
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechisere
Jesu anonyaradza madzimai eJerusaremu
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Mamwe madzimai erunamato pavakaona kutambudzika kwaJesu, vakabatwa mwoyo vakaungura kuchema vanhu vachiona. Jesu, nokuziva zvaizowira Jerusaremu pamusana pokumuramba, anotendeukira kwavari achiti: “Madzimai eJerusaremu, musandicheme asi zvichemei imi navana venyu.”
Munamato:
Tenzi Jesu, tinochema uye tichachemera imi nokuzvichemera pachedu; kutambudzika kwenyu kwakasakiswa namatadzo edu. Tidzidzisei kuchema kuti tipinduke nokuponeswa kubva kumugumo weavo vanokurambai, imi Mwari wavo newevanhu vose.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chechipfumbamwe
Jesu anowa nokutsitsirwa noMuchinjikwa kechitatu
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Jesu zvino asvika pamusoro peKarivhari. Asi haasati asvika panzvimbo yavanoda kumuroverera. Simba rose rapera, anowira pasi kechitatu.
Munamato:
Tenzi Jesu tinokutetererai napamusana pokuwa kwenyu kechitatu kunorwadza, kuti mutiregererewo kugarowira kwedu murutadzo nokusindimara marwuri. Kufunga nezvekutambudzika kwenyu, ngakuite kuti tirambe tichivenga matadzo edu zvakanyanya.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chegumi
Jesu anokatanurwa hanzu dzake
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Zvino Jesu azosvika paGorogota; Vanogadzirira kumurovera paMuchinjikwa. Vanomukatanura hanzu dzake dzose vachimunyomba.
Munamato:
Tenzi Jesu, tinokumbira kuti mutikatanure unyengedzi hose houkuru, manyepo nokuzvitutumadza. Tigonesei muupenyu huno, kuzvidukupisa sezvamakaita, kuti tigozogoverana nemi mumbiri yenyu muupenyu huchauya.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi
D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chegumi
Nechekutanga Jesu anoroverwa paMuchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Muchinjikwa unogadzikwa pasi; Jesu anoyanikwa pauri seuriri hwepaachazofira. Nokudzikama koUmwari, anovaregerera nokubvuma kuti vamuroverere paMuchinjikwa. Sando dzezvipikiri dzinoroverwa zvine mutsindo! Ropa rinopfachuka!
Munamato:
Jesu makakarovererwa paMuchinjikwa, sungirirai Muchinjikwa wenyu pamwoyo yedu, kuti tigone kubatana nemi kusvika tazvipa zvizere kwamuri.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chegumi Nechechipiri
Jesu anofira paMuchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Jesu akarembera namaoko akabaiwa kwemaawa matatu; Ropa rake rakaerera pamuviri wake senzizi richipinda muvhu; Mukati mokutambura kukuru, anoregerera mhondi dzake achipazve denga kugororo rakanaka nokupa amai vake kune mudzidzi wake. Basa rake rerudo razadzikiswa. Anokotama musoro, opa mweya wake kuna Mwari.
Munamato:
Jesu, tinogamuchira nokugumbatira nokutenda, Muchinjikwa woruponeso wamakatifira kuti tiwane upenyu. Tinokudza Muchinjikwa wenyu tichigamuchirawo norudo michinjikwa yedu. Tibatsirei kuita izvi.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi
D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chegumi Nechechitatu
Muviri waJesu unoturunurwa paMuchinjikwa
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Gurumwandira riya ravanhu zvino rabva pachikomo cheKarivhari. Panosara pasina munhu kunze kwemudzidzi wapamwoyo, madzimai orunamato namai vaJesu. Josefa weArimatia naNikodhimasi vanoturunura muviri waJesu paMuchinjikwa, vachiuradzika mumaoko amai vake.
Munamato:
Maria amai vaJesu, makapinda mumarwadzo makuru okushaya chokuita muchiona nzira youmhondi yakauraiwa Mwanakomana wenyu nayo. Kufa nokumuka kwake kwakatiita vana vaMwari nomunaJesu. Tibatsirei nokutireverera kuti tifanane naJesu Mwanakomana wenyu. (Kwaziwai Maria…)
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Chimiso Chegumi Nechechina
Jesu anoradzikwa muguva rinoera
M: Tinokupfugamirai Kristu tinokurumbidzai
D: Zvamakanunura vanhu vose noMuchinjikwa wenyu Mutsvene
Muviri weMwanakomana wavo wadiwa unotorwa kubva mumaoko amai vake navadzidzidzi, vachinouradzika muguva. Guva rinopfigwa, muviri usina upenyu wosara kusvikira nguva yokumuka nembiri.
Munamato:
Tenzi, kutambudzika kwenyu kwapera; makunda, kunyangwe zvazvo mumaziso avanhu zvichiita semakundikana. Chitadzo, rufu negehena zvakurirwa. Nyika ndeyenyu; ini ndiri wenyu. Ivai mambo wemwoyo wangu. Ndinozviturira kwamuri kuti muite sokuda kwenyu. Umambo hwenyu ngausvike.
M: Tenzi tinzwireiwo tsitsi D: Tinzwireiwo tsitsi
Munamato wokupedzisa
Baba vokudenga, tapinda muuvepo hweMwanakomana wenyu Jesu ari munzira yoMuchinjikwa, tiine Mweya waakatipa sechipo.
Tinogamuchirawo nzira yedu yoMuchinjikwa. Tinoziva kuti ichatisvitsawo kwayakamusvitsa; kumuka kwedu pamwe naye. Tinokutendai nomufaro womuono uyu wechitendero.
Zvinangwa zvaPapa …
Baba vedu … (kamwechete) Kwaziwai Maria … (kagumi)
Vakudziwe … (kamwechete)
Chiito chokupfidza
Mwari wangu, ndinokumbira kuregererwa zvose zvandakakutadzirai. Ndinopfidza matadzo angu ose, ndinoasema kupinda zvose, nokuti anokodzera chirango chenyu chinobvundisa, nokuti akasakisa kuti muponesi wangu Jesu Kristu, anondida, arovererwe paMuchinjikwa. Asi zvikuru, nokuti ndakakutadzirai imi, makanaka zvisina mugumo.
Ndinotsunga zvakasimba ndichibatsirwa nenyasha dzenyu, kurega kukutadzirai pakare, nokunzvenga zvose zvinondifurira kukutadzirai. Amen.