Uyai Mweya Mutsvene pindai muzare mandiri. (Unogona kunamata nechemumwoyo muchokwadi uchikutenda kuti Tenzi ari kutokupa.)
- mirira tenzi kuti vataure (runyararo kwemaminetsi maviri)
Uyai Mweya Mutsvene pindai muzare mandiri. (Unogona kunamata nechemumwoyo muchokwadi uchikutenda kuti Tenzi ari kutokupa.)
Baba vazere norudo,
ndinobvuma nokupfidza
kukutadzirai kwandakaita kwose,
mukuziva kana kusaziva.
Ndiregerereiwo ndakatadza nokungozvifunga.
Hongu Tenzi, kungozvifunga kwangu
ndiko kwandipinza mukupara rutadzo.
Ndisunungurei Tenzi kubva mukungozvifunga pachangu
uye undingoveni.
Ndibatsireiwo kukunda uipi
nesimba raMweya Mutsvene wenyu.
Baba muzere rudo, panguva ino ndinoda kuregerera munhu wose. Ndinokutendai Tenzi nokuti imi makandiregerera.
Tenzi Jesu, iye zvino ndinoda kuregerera baba namai vangu nokundishaira hanya kuti ndive munhu zvizere uye ane utano. Tenzi vetsitsi, pfaviraiwo vabereki vangu kukundikana kwavo, muvazadze noMweya Mutsvene wenyu.
(Namata zuva roga-roga kwemaminetsi mashanu)
Tenzi ndinoda kuregerera murume wangu/mukadzi wangu, kundirwadzisa kwose kwaakandiita panyama napamweya, uye mavanga ose aakasakisa, zvikurusei…
(Namata kwemaminetsi mashanu pamwe nomumwe wako kana zvichikwanisika, kuti muzadzwe naMweya Mutsvene).
Tenzi ndinoda kuregerera vana vangu mukusava neshungu kwavo uye undingoveni hwavo, zvikurusei…
(Nenzira imwecheteyo, regerera munhu wose uye uchimunamatira. Usarambe wakachengeta marwadzo. Kuyananiswa kunotanga nokuregerera. Ukagona kutenda kuti Jesu akakutambudzikira nokuripira zvitadzo zvako zvose, Iye Tenzi akarovererwa uyu, anobva ava mupenyu kwauri achikupa simba rokuti ukwanise kuregerera vose).
Mudzimai anoregerera murume wake chidhakwa kuburikidza nomunamato uye reururo:
Gamuchira murume wawakapiwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza murume wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Mhuri isina rugare, iri kuparara.
Gamuchira mhuri yawakapiwa naTenzi.
Iturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mhuri yako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti izadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Mumwe wako kana nhengo yemhuri isingatendi muna Tenzi.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mumwe wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Munhu aparadza upenyu hwako kana kuti munhu waunovenga.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza munhu iyeye muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Uyai Mweya Mutsvene, ndibatsirei kunamata. Nditungamirei panguva ino yokunamata. Dai ndaita sokugona kwangu zvose zvandiri kunzi ndiite naBaba vangu. Ivai neni uye ndisimbaradzei. Amen.
Areruya… Areruya… Areruya…
Maria amai vangu vadiwa, ndireverereiwo. Mutumwa muchengeti wangu, ndichengetedzeiwo.
Rwiyo:
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
Ndimi muumbi, ini ndiri dhaka.
Ndinokumbira kuti mundiumbe
nokundiita zvamunoda.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
Tenzi Mwari Samasimba, ndinotenda mamuri. Ndinotarisira mamuri, ndinokudai, ndinokupfugamirai ini pachangu uye ndichiitirawo avo vose vasingatendi mamuri, vasingatarisiri mamuri, vasingakudei uye vasingakupfugamirei.
Jesu, imi ndimi nzira, chokwadi noupenyu, ndikomborerei namaoko enyu akakuvadzwa. Ndapedza basa rangu ranhasi, zvino ndauya kuzokutendai imi Tenzi wangu. Pasina rubatsiro rwenyu zuva ranhasi, basa rangu ringadai rakundikana kana kuramba kupera. Jesu Tenzi wangu, ndipfavirei sezvinokodzera maronda enyu, mundiregererewo zvitadzo zvangu zvose. Ndikomborerei Tenzi, ndidzivirirei kunjodzi dzapanyama napamweya.
Mweya Mutsvene, ndinopfidza nguva dzose dzandaramba kukuteererai pane zvamandinyeurira kuita zuva ranhasi. Zvino chindipaiwo chido chikuru chokutendeka zvizere kurudo rwenyu kubvira nhasiuno.
Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene, gamuchirai kutenda kwangu pamwe nokuimba kwavatumwa venyu vatsvene. Tumai vatumwa venyu kuti vandichengetedze usiku hwose. Kana rwendo rwangu rwazoguma, imi mugondigamuchira kumusha wenyu unogara narini narini. Mwoyo usinamhaka waMaria, ndimi diziro rangu. (Kwaziwai Maria katatu…)
Verenga Nziyo 34, 103 ne 145
Mwari Baba vedu vokudenga, makatisika tinokupfugamirai. Ndinokutendai Tenzi nokuti nyangwe ndiri mutadzi, mandikomborerazve nerimwe zuva roupenyu. Ndinokupai kufunga kwangu kwose, mazwi namabasa. Ndibatsirei Tenzi kuti ndikuitirei nhasi ndiine kutenda kwakadzama nechido chinoririma, mugondipawo kukunda muna zvose zvandichaita.
Imi Jesu makaroverwa paMuchinjikwa, tambanudzai maoko enyu akakuvadzwa mundikomborere. Chimbidzai kundidzosa pose pandinorasika nokutsauka pamuri.
Ndinokupai kusuwa nokutambudzika kwangu, marwadzo angu panyama napamweya, ndichizvibatanidza nokutambudzika kufa nokumuka kwenyu, pamwe neMiteuro yeMisa iri kuitwa nhasi uno. Zvose nomumwoyo usina mhaka waMaria, kuti vatadzi vatendeuke, uye kuti mweya iri kurasika pazuva ranhasi iponeswe.
Mweya Mutsvene nditungamirirei uye fambai neni zuva ranhasi. Vhenekerai njere dzangu mundisimbaradze nokundidzidzisa kuda Jesu zvakadzama. Itai kuti ndive chapupu chorudo rwenyu, ndirwuparadzire kwose kwandinoenda ndichikupai mbiri mune zvose zvandinoita. Amen.
Muzita raBaba, neraMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.
Baba vari kudenga, Abba Baba vangu, ndinokutendai nokuti mandisvitsazve kuzuva idzva. Nerubatsiro rwaMweya Mutsvene, nditungamirireiwo mumakwara akanaka. Ndibatei maoko kuti ndisatsauke pamuri.
Tenzi itai kuti rudo rwenyu rwuzare nokutekeshera mandiri kuti ndigogona kugara ndichichengeta mirau yoUmambo hwenyu.
Tenzi Jesu, itaiwo kuti zvuru nezvuru zvavanhu zvitongwe norudo rwenyu rwunogara nokusingaperi, zvikugamuchirei imi moga saTenzi naChangamire.
Mweya Mutsvene ndipeiwo simba rokuita zvose zvinodiwa naBaba kuti ndiite.
Namatai muchishandisa Rusariro
Baba musina mugumo, ndinokupai muviri neropa, Mweya neuMwari hweMwanakomana wenyu wapamwoyo, Mambo wedu Yesu Kristo, achiripira matadzo edu neayo evanhu vose vepasi pose.
Nepamusana pedambudziko rake rinosuwisa, tinzwireiwo tsitsi, isu nepasi pose.
Mwari Mutsvene, Mutsvene saMasimba ose, Mutsvene musina mugumo, tinzwireiwo tsitsi isu navanhu vose vepasi pose.
Mwari musina mugumo, mamuri tsitsi hadzina mugumo, zvakare hupfumi hwengoni hauperi mamuri, titarirei norupfave, mugowedzera tsitsi dzenyu matiri, kuitira kuti munguva dzakatiomera tisaore mwoyo, asi kuti nechivimbo tizviwisire muzvido zvenyu zvinova rudo netsitsi. Amen.
Zuva ranhasi uisa kwandiri vanhu vamarudzi ose, zvikuru vatadzi vose uvanyudze mudziva retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, zviri mamuri kutiitira rupfave uye kutiregerera, naizvozvo musatarise matadzo edu asi tarisai ruvimbo rwedu rwatakaisa kuunaki hwenyu husingaperi. Tigamuchirei tose murudo rweMoyo wenyu uzere netsitsi dzine rupfave,uye musatirega tichitiza kubva mauri. Tinoteterera izvi kwamuri nerudo rwenyu runokubatanidzai naBaba naMweya Mutsvene.
Baba musina magumo tendeutsirai meso enyu etsitsi kumarudzi ose zvikuru kuvatadzi, vose vanova vakambundikirwa muMoyo waYesu uzere tsitsi norupfave. Nemapusana pedambudziko rake rinoisvosuwisa tiratidzei tsitsi,kuti tizorumbidza simba risina mugumo retsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. Amen.
Nhasi uisa kwandiri mweya yavapriste navapikiri uvanyudze muhudzamu hwetsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi,mamuri munobva zvinhu zvose zvakanaka, wedzerai girasiya renyu kuvanhurume navanhukadzi vakateketerwa kubasa renyu kuti vagoita mabasa etsitsi namazvo kuitira kuti avo vanovaona vagokudza Baba vetsitsi vari Kudenga.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso enyu etsitsi kune mweya yeavo vakasarudzwa kuzoshanda mumunda wenyu – vapriste navapikiri; vazadzeyi nesimba remakomborero enyu. Nekuda kwerudo rwemwoyo weMwanakomana wenyu munova mavakambundikirwa, vapeiwo simba nechiedza kuti vagokwanisa kutungamirira vamwe munzira yeruponeso, uye nezwi rimwechete vaimbe nekurumbidza tsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. Amen.
Nhasi uisa kwandiri mweya yose yakazvipira uye yakatendeka, uinyudze mudziva retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, munopa magirasiya enyu akawandisa kune mumwe nemwe uye kuvanhu vose kubva kuupfumi hwetsitsi dzenyu. Titambireiwo murudo rwemwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave uye musatirega tichibudamo. Tinokumbira girasiya iri pamusana perudo rwenyu kuna Mwari Baba vekudenga, rwunoita kuti mwoyo wenyu utsve zvinotyisa.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso etsitsi kune mweya yose yakatendeka, senhaka yeMwanakomana wenyu. Pamusana pedambudziko rake rinoisvosuwisa, vapeiwo chikomborero chenyu uye muvadzivirire nguva dzose. Ndiko kuti varege kurasa rudo rwenyu kana upfumi hwechitendero chisande, asi kuti pamwe navangere navasande, vakudze tsitsi dzenyu dzisina mugumo kwemisi isingaperi. Amen.
Nhasi uisa kwandiri vose vasingatenderi Mwari naavo vasingandizivi.
Yesu mune tsitsi norupfave muri chiedza chepasi pose. Gamucharai muMwoyo menyu muzere netsitsi norupfave mweya yaavo vasati vatendera Mwari nemweya yaavo vasati vakuzivai. Itai kuti miranzi yamagirasiya enyu ivavhenekere kuti ivowo, pamwechete nesu, vagorumbidza tsitsi dzenyu dzinoshamisa. Musavarega vachitiza panzvimbo iyo inouya mwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave.
Baba musina magumo, tendeutsirayi meso enyu etsitsi kune avo vasingatenderi mamuri naavo vasati vakuzivayi, asi vakapfigirwa muMwoyo wa Yesu muzere netsitsi norupfave. Vakwevereyi kuchiedza cheDama Rakanaka. Mweya iyoyi haizive kuti mufaroyi kukudai imi. Itai kuti naivowo vave vanozokudza mwoyochena wetsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. AMEN.
Mhasi uisai kwandiri mweya yaavo vakazvitsaura kubva muKirike.
Yesu muzere netsitsi, muri runako pacharwo, hamurambi kupa chiedza kune vanochitsvaka kwamuri. Gamuchirai mumwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave meya yaavo vakazvitsaura kubva muKirike. Vadhonzei nesimba rechiedza chenyu mukubatana neKirike, uye musavarega vachitiza muugaro hweMwoyo wenyu uzere netsitsi dzine rupfave, asi itai kuti naivowo vazorumbidza huwandu hwetsitsi dzenyu.
Baba musina mugumo tendeutsirai meso enyu kune mweya yaavo vakazvitsaura muKirike roMwanakomana wenyu, vakashandisa zvisakarurama magirasiya nemakomborero amakavapa vachishingirira muzvikanganiso zvavo. Musatarise kukanganisa kwavo, asi tarisai pane rudo rweMwanakomana wenyu, uye pamarwadzo ake anosuwisa aakasangana nawo pamusana pavo, nokuti naivowo vakambundikirwa muMwoyo wake uzere rudo netsitsi norupfave. Itai kuti naivowo vagozorumbidza tsitsi dzenyu huru kwemisi isingaperi. AMEN.
Nhasi uisa kwandiri mweya yavakazvidukupisa neyevana vadiki uinyudze mutsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, imi pachenyu makati ‘Dzidzai pandiri nokuti ndakapfava uye ndakazvidukupisa muMwoyo.’ Gamuchirai muMwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave mweya yaavo vakazvidukupisa naavo vakapfava, pamwe nemweya yavana vadiki. Mweya iyi inounza mufaro mukuru kudenga uye inofarirwa naBaba vokudenga. Vanounza munhuwi unonhiwirira pamberi pechigaro chamambo. Mwari pachake anofadzwa nekunhuwirira kwavo. Mweya iyi ine nzvimbo narini narini muMwoyo wenyu uzere nerudo netsitsi norupfave uye inoramba ichiimba rwiyo rwerudo nengoni.
Baba vasina mugumo, tendeutsirai meso enyu etsitsi kune avo vakazvidukupisa navakapfava pamwe nevana vadiki, avo vakambundikirwa muMwoyo wa Yesu uzere nerudo netsitsi norupfave. Mweya iyoyo yakafanana zvikuru neMwanakomana wenyu. Kunhuwirira kwavo kunosimuka kubva panyika kuchisvika pachigaro chenyu. Baba vetsitsi neunaki ndinokumbirisa kwamuri pamusana perudo rwamunarwo kumweya iyi, uye nemufaro wamunowana kubva pairi; komborerai pasi rose kuti mweya yose pamwechete iimbe nekukudza tsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. AMEN.
Nhasi uisa kwandiri mweya yose inonyanya kukudza nekurumbidza tsitsi dzangu uvanyudze mutsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, Mwoyo wenyu rudo pacharwo, gamuchirai mumwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave, mweya yoseinonyanya kukudza nekurumbidza hukuru hwetsitsi dzenyu. Mweya iyi yakazadzwa nesimba raMwari pachake. Pakati pamatambudziko neminyama, inofambira mberi iine ruvimbo netsitsi dzenyu. Zvakare yakabatana nemi, Jesu wangu, inotakura vanhu vamarudzi ose pamafudzi ayo. Mweya yose iyi haizotongwi zvinorwadza asi tsitsi dzenyu dzichaigumbatira apo inenge yobva murupenyu rwapasi pano.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso enyu azere netsitsi kumweya ino remekedza nekukudza zvakakosha pamuri zvekuva nemwoyo uzere netsitsi, uye uye yakavharirwa mumwoyo waJesu uzere norudo netsitsi norupfave. Mweya iyi ndiyo Dama Rakanaka mhenyu. Maoko ayo azere namabasa etsitsi dzenyu uye mweya yavo ichifashukira norudo vanoimba rwuyo rwekurumbidza tsitsi dzenyu, imi Vokumusoro! Ndinokuteterera, Mwari wangu, varatidzei tsitsi dzenyu pamusana pechitarisiro neruvimbo zvavakaisa mamuri. Itai kuti chitsidzo chaYesu, chizadzikiswe mavari, apo akati kwavari, panguva yeupenyu hwavo asi zvikuru panguva yekufa kwavo; mweya yose inoremekedza tsitsi dzake, iye pachake achaimirira semudziviriri. AMEN.
Nhasi uisa kwandiri Mweya yose yakamirira iri muPurugatoriyo uinyudze mugomba retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, imi pachenyu makataura kuti munoshuvira tsitsi, zvino ndinouisa muMwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave, mweya yose iri muPurigatoriyo, mweya yamunodisa kwazvo, asi inofanira kuripira kuruenzaniso rwenyu. Dai waro ropa nemvura zvakayerera zvichibva kuMwoyo wenyu zvadzima marimi emoto wePurigatoriyo, kuti ikowo, emoto unochenesa kuti simba retsitsi dzenyu rirumbidzwe ikokowo.
Baba musina mugumo tendeutsirai meso enyu azere netsitsi kumweya iri kutambudzika iri muPurigatoriyo iyo yakambundikirwa muMwoyo waYesu uzere netsitsi norupfave. Ndinokutetererai kuti nepamusana pedambudziko raJesu Mwanakomana wenyu rinosuwisa nekurwadziwa kakwe kukuru kwakazadza Mwoyo wake Musande zadzai tsitsi dzenyu kumweya yose iri pasi peruongororo rwenyu.
Musavatarire neimwe nzira asi atarisei chete kuburikidza nemumaronda eMwanakomana wenyu wadiwa, nekuti tinotendera kuti runako netsitsi zvamuinazvo hazvina mugumo. AMEN.
Nhasi uisai kwandiri mweya yose inodziya, muinyudze mugomba retsitsi dzangu.
Yesu mune tsitsi dzizere, muri rupfave pacharwo. Ndinouyisa mweya inodziya muMwoyo wenyu une tsitsi norupfave. Mumoto uyu werudo rwenyu rwusina tsvekwa, itai kuti mweya iyi yakadziya, inoita kunge zvitunha, yakakuzadzai nekusema kukuru, izadzwe zvakare nemoto wenyu. O Mambo Yesu mune rupfave rukuru, ratidzai simba nerudo rwenyu, mugoikwevera kumunhuwi werudo rwenyu, mugoipa chipo cherudo rutsvene nekuti kwamuri hakuna chisingagoneke.
Baba
musina mugumo, tendeutsai meso enyu etsitsi kumweya yakadziya asi iyo
yakambundikirwa muMwoyo waYesu uzere tsitsi norupfave. Baba vetsitsi,
ndinokutetererai pamusana pedambudziko reMwanakomana wenyu nekurwadziwa uko
kwaakaita kwamaawa matatu ari pachipiyaniso. Itai kuti naivowo vakudze,
varumbidze udzamu hwetsitsi dzenyu. Amen
Pane mumwe murume aiva nemukurumbira wokuimba anonzi Marvin Gaye. Akafa rufu rwunorwadza musiwa 1 Kubvumbi muna 1983. Akaita zvekupfuurwa nababa vake.
Upenyu hwaMarvig Gaye achikura hwakanga hwakaoma. Baba vake vaimushungurudza zvisingabviri. Mumwe munyori anoti, ‘Mavin Gaye aitendera munaJesu zvikuru, asi aitadza kurarama dzidziso yaJesu yokuti aregerere baba vake. Pekupedzisira izvi zvakauraya iye pamwe nababa vake!
Pane vamwe vari kupedzera simba ravo nemari yavo pakuda kusota murume kana mukadzi akavaramba. Vazhinji vacho vava namavanga makuru kudarika avakapihwa nanyakuvaramba anokonzerwa nehasha. Veduwee siyanai nehasha, dzinokuparadzai. fambirai mberi nohupenyu hwenyu.