©Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Nhasi tiri kupemberera zuva guru remuviri neropa raKristo. Ini ndinoda kuongorora zuva iri ndakanangana neMisa. Pamisa tine chiitiko chakakosha chatinoti Konzekiresioni. Pachiitiko ichi muPriste anotaura akamirira Jesu kuti ‘Torai mudye uyu muviri wangu, torai munwe iri iropa rangu.’
Uyu muviri wangu
Pachirairo chokugumisira Jesu akabata chingwa akatenda ndokuti ‘Uyu muviri wangu, torai mudye.’ Izwi rokuti ‘muviri’ harireve nhengo yemunhu kwete asi rinoreva munhu wese sezvaari kana kuti upenyu hwose hwomunhu. Naizvozvo kana Jesu achiti ‘Uyu muviri wangu, torai’ anoreva kuti ndinokupai upenyu hwangu hwose. Ndinokupai dikita rangu, ndinokupai rufaro rwangu, ndinokupai matarenda angu. Ndinokupai zvose zvandiri.
Iri iropa rangu
Jesu akazobatawo mukombe uzere newaini ndokutendazve akaupa kuvadzidzi vake achiti ‘iri iropa rangu, torai munwe.’ Ropa haingori nhengo yomuviri chete, asi rinomirira rufu. Kudeuka kweropa, zvinoreva rufu. Naizvozvo kana Jesu achiti ‘Torai, iri iropa rangu’ anoreva kuti ndinokupai zvose zvinomirira rufu muupenyu hwangu. Ndinokupai kunyadziswa kwangu, ndinokupai kusvorwa kwangu, ndinokupai kusekwa kwangu namarwadzo angu.
Muchidimbu pamisa tinopira chishamiso choupenyu norufu rwaKristo.
Isu tiri vapriste
Jesu akati itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Tinopirawo upenyu norufu rwedu pamwe naye. Mupriste paanoti ‘Torai mudye uyu muviri wangu, torai munwe iri iropa rangu’ anofanira kureva zvaanenge achitaura. Anofanira kupa upenyu hwake kuvatenderi, nokufa pazvido zvake achizvipira kuvatenderi.
Isu takaitwawo vapriste nepapatisimo. Tinogona kuita muchinyararise kuti ‘uyu muviri wangu, torai’ tichitopira upenyu hwedu sezvo tati muviri unomirira upenyu hwose hwemunhu. Panguva iyoyo unofanira kupira nguva yako, midziyo yako, mhuri yako, utano hwako, matarenda ako, simba rako, kugona kwako. Unofanira kupira zvose zvinechekuita neupenyu hwako.
Unofanira zvakare kubatana nomupriste uchiita muchinyararire kuti ‘iri iropa rangu.’ Sezvo ropa richimirira rufu unofanira kupira zvose zvinomirira rufu muupenyu hwako. Unofanira kupira kunyadziswa kwako, kukoniwa kwako, urwere hwako, kunyeyewa kwako. Unofanira kupira zvose zvinomirira rufu muupenyu hwako.
Ita sezvawareva pamisa
Kana uchinge wazvipira zvechokwadi pamisa sezvizvi unofanira kuti uchibuda muMisa wonozvipira zvechokwadi. Ngazvirege kuperera pamuromo. Jesu paakati kuvadzidzi vake ‘torai uyu muviri wangu, torai iri iropa rangu’ haana kuzombopedza nguva akabva aenda kunoita zvaareva. Akabva aenda kunopira upenyu hwake nokudeura ropa rake pamuchinjikwa.
Iwe unofanirawo kuti uchipedza kuti ‘torai mudye, torai munwe’ wobuda muchechi woenda kunozvibvumidza kudyiwa navamwe vanhu, zvikuru sei vavengi vako kana kuti vausinganzwisisane navo. Jesu anoti iye muna Mateo 5:46-47, ‘ko kana muchida vanokudai, munowana mubairo wei, ko vateresi havaite saizvozvo here? Ko kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamunokunda vamwe nacho ipapo?’
Iginashiyasi wekuAndioku akatongerwa rufu rwokudyiwa neshumba, akati ari munzira ndokuti, ‘ini ndiri tsanga yaKristo yakamirira kugaiwa nezvikara kuti igova chingwa chakatsetseka chaKristo.’ Iwe ukazvitarisa unogona kutaura kuti pane mazino akapinza ari kunditsenga. Mazino eruvengo, mazino ekupikiswa. Nyange zvakadaro zvibvumidze kugaiwa nemazino iwayo, zviite yukaristiya. Dzimwe nguva vanhu vanokupikisa vakakosha muupenyu hwako kupinda avo vanokureverera. Ignitius anonyora mune imwe tsamba zvakare achiti ‘vanhu vanondireverera vachindirumbidza vanondirova neshamhu.’
Kurarama Yukaristiya
Kana tikatanga kurarama Yukaristiya nematsananguriro andaita upenyu hwedu hunotanga kushanduka. Kana baba vagere muno muchechi vakati ‘torai mudye, torai munwe’ voenda kumba kwavo vonodyiwa nevana vavo, vonoitwa Yukaristiya nemudzimai wavo, nehama dzavo upenyu hwavo hunenge hwava misa. Kana ini somupriste ndikati ‘torai mudye, torai munwe’ ndoenda kunoita basa rangu, ndichinamata, ndichiparidza, ndichiita maconfessions, ndichiona vanhu, ndichitara varwere upenyu hwangu hunenge hwava Yukaristiya, hunenge hwava misa. Hanzi nemurume anonzi Oliviant ‘Pamisa yamangwanani ini ndinenge ndiri mupriste, Kristo anenge ari chibayiro. Asi pakati pezuva Kristo anenge ari mupriste, ini ndinenge ndiri chibairo.’ Ngativei yukaristiya, ngativei chibayiro kune vamwe.