Munamato weKutangisa Rusariro
Hosi yoRusariro, makafadzwa nokushanyira Fatima neMachigori, kwamakazviratidza kune vana vatatu vaive vafudzi, nokunezve vamwe vatanhatu vakaona chiratidzo chenyu. Makavaratidza upfumi hwenyasha dzakachengetedzwa muRusariro. Pinzai mumwoyo wangu rudo rwechokwadi rwokuzvipira kunamata Rusariro, kuti nomukufunga nokunamata zvakadzama zvarwunotiyeuchidza nezveZvakaratidzwa zvokununurwa kwedu, ndigone kuwanira nyika rugare, vatadzi vatendeuke uye ini ndiwanewo zvandinokumbira izvi … (isa mikumbiro yako). Ndinokumbira izvi mumbiri huru yaMwari, kuti imi muremekedzwe uye kuti vanhu vose pamwe neni, tiitirwe zvakanaka. Amen.
Muzita raBaba neraMwanakomana neroMweya Mutsvene, Amen.
Chipupuriro cheChitendero Chavapositori
Ndinotendera Mwari Baba vanamasimba ose, musiki wedenga napasi. Ndinotendera Jesu Kristu, Mwanakomana wake mumwechete Tenzi wedu. Akazvarwa naMaria Mhandara Tsvene nesimba raMweya Mutsvene. Akatongerwa kutambudzika naPonziyo Pirato, akarovererwa paMuchinjikwa, akafa, akavigwa, akaenda kuvafi. Akamuka nezuva retatu. Akwira kudenga kwaagere kurudyi rwaMwari Baba vanamasimbaose. Achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Ndinotendera Mweya Mutsvene, Sangano dzvene Katorike, kubatana kwavatsvene, kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri, noupenyu husingaperi. Amen.
Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe; umambo hwenyu ngausvike, kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregererewo zvatakakutadzirai sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa.
Kwaziwai Maria muzere nyasha, Tenzi anemi, makakomborerwa pana vakadzi, akakomborerwa Mwana wemimba yenyu Jesu, Maria Mutsvene, amai vaMwari, mutireverere isu vatadzi, zvino napanguva yekufa kwedu. Amen.
Maria mutsvene amai voMwanakomana wadiwa, wedzerai chitarisiro chedu
– 1 Kwaziwai Maria
Kwaziwai Maria, temberi inopenya yaMweya Mutsvene dzamisai rudo matiri
– 1 Kwaziwai Maria
Vakudziwe Baba naMwanakomana naMweya Mutsvene, sezvakanga zviri pakutanga nazvino nakare kose nemisi isingaperi. Amen.
ZVAKARATIDZWA ZVECHITENDERO ZVEMIFARO
1. Mutumwa Gabhurieri akaparidza kuna Maria
(Munamato uyu unoitwa musi weMuvhuro, Mugovera, MaSvondo ose okugadzirira Kuuya kwoMuponesi [Advent], uye maSvondo kubvira Kuzviratidza kwaJesu kune vokunze (Epiphany) kusvika pamwaka woKutsanya (Lent)
Ngatipindei muuvepo hwezvakaratidzwa zvechitendero, apo Mutumwa Gabhurieri anokwazisa amai vedu vakakomborerwa nezita rokuti: “Muzere nyasha”, nokuvaparidzira zvokuva munhu kwaTenzi wedu Jesu Kristu.
Kwaziwai Maria, muzere nyasha, makabvuma zvakanakisisa uye zvizere, kushanda pamwe naMwari. Amai Maria, tiwanireiwo simba rokuti tigone kuti “hongu” kuurongwa hwaMwari.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
Munamato wepaFatima: Jesu wangu, tiregerereiwo matadzo edu, mutidzivirire kumoto muzhinji, itai kuti mweya yose iende kudenga, zvikuru iyo inoda tsitsi dzenyu kwazvo.
2. Maria akashanyira hama yake Erizabheti (Ruka 1: 39-43)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Maria Mhandara Tsvene, mushure mokuziviswa nomutumwa nezvepamuviri pehama yake Erizabheti, anoenda kunogara naye kwemwedzi mitatu.
Amai muzere nyasha, pamakakwazisa Erizabheti, iye nomucheche aive munhumbu make vakabva vazadzwa naMweya Mutsvene. Tipeiwo gomborero rokuti tigamuchire Mweya Mutsvene.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe … (Munamato wepaFatima) …
3. Maria akapona Jesu (Ruka 2:7)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo nguva yokuti Maria Mhandara Tsvene asununguke yakakwana. Akapona Mununuri wedu Jesu Kristu pakati pousiku, ndokumuradzika muchidyiro chezvipfuwo nokuti pakanga pashaikwa imba yavaenzi kuBheterehemu.
Amai Maria, makapona Jesu mudanga nokuti makanga mashaiwa imba. Ndinamatirei kuti ndisazomboda mumwe munhu kupfuura Jesu.
1 Baba vedu .. 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe … (Munamato wepaFatima) …
4. Jesu akagamuchidzwa mutemberi (Ruka 2: 22-33)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Maria Mhandara Tsvene akaenda nomucheche Jesu kutemberi kundomuchenura. Simiyoni akanga akarurama, anotora mucheche mumaoko ake, achitenda nokurumbidza Mwari.
Sokugamuchidza kwamakaita Jesu mutemberi, tigamuchidzeiwo isu pamwe navadikani vedu kuna Baba, kuti tigogarawo tichirumbidza Mwari wedu.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe … (Munamato wepaFatima) …
5. Jesu akawanikwa mutemberi (Ruka 2: 41-52)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Maria Mhandara Tsvene mushure mokurasikirwa noMwanakomana wadiwa kwamazuva matatu, anozomuwana ari mutemberi agere pakati pavadzidzisi, achiteerera zvavaitaura nokuvabvunzawo mibvunzo kunyangwe zvazvo aingova namakore gumi namaviri okuberekwa.
Mushure mokufamba rwendo rwomuswere wezuva, makashaya Jesu mukati mehama neshamwari mukadzokera kunomutsvaga. Amai, itai kuti isuwo tigare takamuchengetedza kuti tikazomushaya, tichimbidze kumutsvaga nokumuita wedu nokusingaperi.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
ZVAKARATIDZWA ZVECHITENDERO ZVECHIEDZA
(China choga mukati megore rose)
1. Kuombekwa kwaJesu (Mateu 3:13-17)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Jesu anoombekwa murwizi Jorodhani; matenga akazaruka Mweya Mutsvene akaburukira paari. Ichi ndicho chakava chiratidzo kuna Johani kuti Uyu ndiye aiuya kuzoombekwa naMweya Mutsvene.
Tenzi Jesu, tizodzeiwo naMweya Mutsvene.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
2. Chiratidzo chaJesu pamuchato wekuKana (Johani 2:1-12)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Jesu akaita chishamiso mushure mokukumbirwa naamai vake, kuitira kuti vachati vasanyadziswe nokuperevedza kwewaini.
Tenzi Jesu, tinokutendai kuti makatipa amai venyu kuti vave amai nomurevereri wedu.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
3. Jesu anoparidza umambo hwaMwari (Mateu 4:17)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa hweShoko raMwari rakaratidzwa muupenyu hwaJesu.
Tenzi Jesu, apo patinopinda muuvepo hweShoko renyu rinogara nokusingaperi, tipeiwo nyasha dzinotiita zvapupu zveUmambo hweyu.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
4. Jesu anosanduka pagomo (Ruka 9: 28-35)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Jesu akakwira navadzidzi vake mugomo maakanozviratidza kwavari.
Tenzi Jesu, itai kuti tose tive neukama hwakadzama nemi. Tikuonei, tikunzwei uye tikubatei kuti mutisimbaradze kuitira mazuva achauya.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
5. Jesu chingwa choupenyu (Ruka 17: 17-20)
“Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake.” (Johani 15:13)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa hwerudo rukuru rwaJesu pakutipa muviri neropa rake sechokudya chedu.
Jesu ndimi upenyu nesimba rangu. Hamuna kuzvinyima asi murudo rwenyu makazvipa zvizere kwandiri. Ndibatsirei kuti iniwo ndigone kuitira vamwe.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
ZVAKARATIDZWA ZVECHITENDERO ZVINOISVOSUWISA
(Ita musi weChipiri, Chishanu uye mazuva ose kubvira pazuva reChitatu Chamadota kusvika pazuva rokumuka kwaJesu)
1. Jesu anotandadza mumunda (Ruka 22: 39-44)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Tenzi Jesu Kristu anotirwadzirwa mumunda weGetsemani zvokuti muviri wake unochururuka dikita reropa.
Jesu, Tenzi noMudzidzisi wangu, imi makanamata kuna Baba kuti vabvise mukombe wokutambudzika kwenyu, asi makachimbidzazve kuti “asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” Tenzi ndidzidzisei kuti kana ndichinge ndapindawo mumarwadzo ndinamate sezvamakaita uye ndigamuchire kuda kwaBaba.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
2. Jesu akapurwa pamutsigo (Mariko 15: 15)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Tenzi wedu Jesu Kristu anoturirwa kuna Pirato, uyo anobva amuisawo mumaoko amasoja ake ane utsinye. Masoja anosungirira Jesu pamutsigo pavanomupura pamadiro.
Pirato akashaya mhosva pamuri asi zvakadaro akatuma masoja ake kuti akurovei. Makanga musingakodzeri izvi asi makagamuchira kurangwa uku. Isuwo tikarangwa uye kunyombwa pasina chatatadza, Tenzi tipeiwo simba rokugamuchira nokupira matambudziko edu madiki aya, pamwe nokutambudzika kwenyu, kuti pasi rose riponeswe.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …(Munamato wepaFatima) …
3. Jesu akagadzwa ndaza yeminzwa (Mateu 27: 29-30)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, patinoona vashandiri vasatani vane utsinye vachiruka ndaza yeminzwa dzakatesvera nokuidzika pamusoro unoera waTenzi vedu Jesu Kristu.
Jesu, imi ndimi mambo wedenga napasi anokodzera kupfeka ndaza yematombo akakosha uye anodhura, asi makabvuma kugadzwa ndaza yeminzwa mumusoro wenyu. Tenzi makabvuma kunyadziswa kwose uku, muchiitira ini. Itai kuti ndirege kukurwadzisai zvakare nokurwadzisa kana kunyomba vamwe.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
4. Jesu anotakura Muchinjikwa (Ruka 23: 23-25)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Tenzi wedu Jesu Kristu anotongerwa kufa, asi nomwoyo murefu unoshamisa, anobvuma kutakura Muchinjikwa unogadzikwa paari unova rwadzo guru nekunyadziswa.
Muchinjikwa wamaive musingakodzeri wakaiswa pamuri. Ndipeiwo simba rokugamuchira nomufaro matambudziko andisingakodzeri.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
5. Jesu akarovererwa paMuchinjikwa (Johani 19:17)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Tenzi wedu Jesu Kristu anokatanurwa hanzu dzake dzose, maoko netsoka dzake zvichirovererwa noutsinye paMuchinjikwa, apo paanofa mumaziso maamai vari mukurwadziwa.
Tenzi Jesu, makataura nokududza pachena kuti “zvapera”. Tenzi tipeiwo simba raMweya Mutsvene kuti tigonewo kupedza basa rinoturirwa kwatiri, tigodzokororawo mazwi enyu tichiti, “Tenzi zvapera”.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
VAKARATIDZWA ZVECHITENDERO ZVEMBIRI
(Musi weChina uye musi weSvondo gore rose)
1. Jesu Kristu akamuka muvafi (Mateu 28: 1-7)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Tenzi wedu Jesu Kristu anokunda rufu, achimuka nezuva retatu aine mbiri nomuviri usingafi.
Tenzi makamuka muvafi, tibatsirei kuva pamusoro pezvatinofunga, kuona kana kunzwisisa, kuitira kuti nyangwe pachiratidza sepasina chiri kuitika, titendere kuti zvose zviri kutoitika.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
2. Jesu Kristu akakwira kudenga (Mabasa 1: 9-11)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa apo Tenzi Jesu Kristu mushure memazuva makumi mana amuka kuvafi, anokwira kudenga amai vake vatsvene, vapositori navadzidzi vachiona.
Tenzi makadzokera kumusha wokudenga kuti munotigadzirira nzvimbo. Tibatsirei kugara munyika ino takaringa pamuri.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
3. Mweya Mutsvene akaburukira pana vapositori
(Mabasa 2: 1-12)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Tenzi wedu Jesu Kristu agere kurudyi kwaMwari, anotumira Mweya Mutsvene kuvapositori sokuvimbisa kwaakange aita. Mushure mokukwira kwake kudenga, vapositori vakanga vadzokera kuJerusaremu uko kwavakaramba vachinamata nokuteterera vari pamwe naMaria Mhandara Tsvene, kuti vagamuchire zvavakavimbiswa.
Mweya Mutsvene, burukirai patiri sezvamakaita pazuva rePendekosti, mutisandure zvizere kuti tive vadzidzi venyu kunosvika kunyangwe kumiganhu yapasi.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
4. Maria mutsvene akakwidzwa kudenga
(Zvakadzikwa musangano musi wa 1 Mbudzi 1950 naPapa Payasi XII)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Maria Mhandara Tsvene ine mbiri, mushure memakore mazhinji Mwanakomana wake akwira kudenga, iyewo akamutevera achibuda pano panyika. Muviri nomweya wake zvakapinzwa kudenga achiperekedzwa navatumwa vatsvene.
Amai Maria tireverereiwo, mutiwanire kuchena pamuviri, hana nomweya.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe …
(Munamato wepaFatima) …
5. Maria mutsvene akagadzwa uHosi hwedenga
(Zvakaratidzwa 12:1)
Ngatipinde muuvepo hwezvakaratidzwa, apo Maria Mhandara Tsvene ine mbiri, akapinzwa mumhemberero yomufaro nokusimudzirwa nechita chedenga, Mwanakomana wake achimupfekedza ndaza yembiri inobwinya, vatsvene vose vachipembera mumufaro wake.
Hosi yedenga napasi, tikumbirirei kune Mwanakomana wenyu Jesu kuti pasi rose risvike pakutenda maari.
1 Baba vedu … 10 Kwaziwayi Maria … 1 Vakudziwe … (Munamato wepaFatima) …
KWAZIWAI HOSI TSVENE
Kwaziwai, Hosi Tsvene, Amai vetsitsi, rupenyu, runako, nechitarisiro chedu, kwaziwai! Tinochema kunemi, tiri vana vakatandwa vaEvha. Tinokutetererai, tichigomera, tichichema, tiri mumupata wemisodzi. Tinzweiwo imi, murevereri wedu, mutiringewo nameso enyu etsitsi. Mutiratidze tafa, Mwana akakomborerwa wemimba yenyu, Jesu. Maria Mhandara Tsvene, makapfava, makanaka, makanakisisa.
M: Tireverereiwo, amai vatsvene vaMwari.
V: Kuti tikodzereswe kuwana zvatakapikirwa naKristu.
Ngatinamatei
Mwari Baba, tipeiwo simba rokuti tirambe tichifunga upenyu, kufa nokumuka muvafi kwaTenzi wedu Jesu Kristu, nokuti izvi ndizvo zvatinorangarira nguva yose yatinonamata rusariro rwamai vedu Maria Mhandara Tsvene. Uyezve tinokumbirawo simba rokutevera gwara raTenzi kuti tigowana makomborero aakatitsidzira. Kristu Tenzi wedu tisvitsireiwo izvi kunemi. Amen.