Mutauro unityisa
Mutauro uri kushandiswa muzviverengo zvedu nhasi unotyisa.Hanzi naKristu kuchava nehondo nemakuhwa ehondo. Nyika dzicharwisana. Muchaturirwa mumaoko avavengi. Mucharohwa chaizvo mumasinagogi. Muchauiswa pamberi pavatongi namadzimambo.
Mutauro wakadai unowanzoshandiswa munguva yokunge vanhu vakadzvanyirirwa uye vakaomerwa. Unoitirwa kupa vanhu chitarisiro. Vanhu vanenge vachinzi, ‘Rambai makabatirira. Nyange mukaona nhamo yakaita sei, nyange mukarwadziswa zvakaita sei, zivai kuti zvinhu zvose zviri mumaoko aMwari. Mwari haazombofa akabvumidza uipi noudzvanyiriri kuti hukunde zvachose. Ichakwana nguva apo uipi nohudzvanyiriri hwose zvichawisirwa pasi. Chinangwa chikuru chamashoko aya anotyisa hachiri chokutyisa vanhu asi kukurudzira vanhu, kuvanyaradza, kuvapa chitarisiro.
Chiverengo Chokutanga
Dhanyieri anotaura nezvenguva yokutongwa ichatungamirwa nenguva yenyonga-nyonga. Dhanyieri ari kuti panguva yakadai avo vanenge varasikirwa nohupenyu hwavo nokuda kwokuvavarira ururami havazomboshaya ruenzaniso nemubayiro. Vachamutswa vachienda muhupenyu husingaperi. ASiwo avo vanenge vasina kutendeka vachidyidzana nohuipi vachava nokunyadziswa kukuru.
Shoko Rakanaka
MushokoRakanaka, Jesu anofembera nezvekuparadzwa kweguta reJerusarema pamwe neTemberi. Anofemberawo kuti kuchava nehondo nenyonga-nyonga huru, kuchava nekushungurudzwa kwavatendi pamwe nevamwe vachatengesa. Zvose izvipazvinoitika vazhinji vachapindwa nemweya wokudzokera shure. Jesu akatarisara neizvi anoti ‘Tsungai. Rambai makabatirira. Mwanakomana womunhu achauya. Hamuzivi maitikira azvichaita nenguva yazvichaitika asi musaore moyo.’
Dzidziso
Zviitiko zviri kutsanangurwa naJesu zvinoita sezvinotyisa asi basa razvo ndere kukurudzira. Zvinhu zvinogona kuva zvakaoma asi ramangwana rakajeka.