Chiverengo
Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vakutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva duku dzose vachadzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro. – Kubuda 18:21-22
nhanganyaya
Kupa vamwe mabasa ndechimwe chezviratidzo zvikuru zvokuremekedza nokuvimba nevari pasi pako. Ukaita izvi vateveri vako vachabatsirana newe kudarika kana uchiita vekushandisa. Iko kushandisa vanhu hakuna humwari mukati.
Pane nzira mbiri dzokuti zvinhu zviitwe: kuita pachako kana kuita kuburikidza nevamwe. Kana iwe pachako ukaita zvinoda kuitwa unokwanisa kuwana zvaunoda semadiro aunoda kuti zviitwe. Ukaita zvinhu kuburikidza nevamwe unogona kutadza kuwana zvaunoda chaizvo-chaizvo asi unoita kuti paitwe zvinhu zvakawanda. Kupa vamwe mabasa inzira huru yokuita kuti zvinhu zvakawanda zviitwe munguva pfupi. Tikazviitira zvinhu zvedu tinowana zvinoenderana nesimba rataisa.
Kupa vamwe mabasa zvinoreva kuita kuti vanhu vakawanda vabatsirane newe mukuzadzisa chinangwa chesangano rako.
Mundima yataverenga Jetiro akaudza tezvara vake Mozisi chokwadi chokuti ipa vamwe mabasa. Mozisi akateerera zano raJetiro vanhu vazhinji vakawana ruenzaniso munguva pfupi uye nokukurumidza. Mozisi pachake akasunungurwa pamitoro isina maturo. Vabatsiri vake vaisiita misindo vakatanga kuva vabatsiri mubasa rake. Vakanzwa kudiwa nokuremekedzwa. Vakaita basa rakawanda vachifara uye vachida. Mozisi aivapo kana vainge vozoda rubatsiro panyaya dzainge dzakaoma kutonga. Mozisi akadzidza kugoverana mabasa navamwe.
Mhando mbiri dzokugoverana mabasa navamwe
Pane kupa vamwe mabasa nekuitisa vamwe mabasa.
Kuitisa vamwe – Kugovera mabasa kwakaipa ndekwekuti ‘ita nemaitiro angu.’ Mutungamiri anoudza ari pasi pake zvekuita nemaitiro. Munhu anoudzwa chinangwa nekudodomedzerwa maitiro. Mutungamiri anoita saforomani.
Kuita vamwe vatariri – Kugovera basa kwakanaka ndekwekuita vamwe vatariri. Apa mutungamiri anopa vari pasi pake mabasa nekuvapa simba rinodiwa kuti vanyatsoita basa ravo nemwazvo. Mutungamiri anotsanangura chinangwa orega ari pasi pake achiita nemaitiro ake. Maitiro emunhu anoremekedzwa nekusiyana kwawo.
Kuita vamwe vatariri
Kuita vamwe vatariri kunobva pakuremekedza nokuvimba nevamwe. Mutungamiri akanaka anoziva zvekuturira vamwe kuti vaite nezvekusaturira uye huwandu hwezvinofanira kusiirwa vamwe kuti vaite maererano nekugona kwemunhu uye ruzivo rwake.
Kupa vamwe mabasa nemazvo kunotora nguva uye kunoda mwoyo murefu. Anenge achitungamirirwa anofanira kudzidziswa maitiro okuva mutariri. Kana zvikaitwa nenzira kwayo zvinoita kuti mutungamiri asawandirwe nebasa uye akwanise kuita zvimwe zvinhu zvakakosha.
Mapiro anofanira kuitwa mabasa
Kupa rubatsiro – Nyakupa mabasa anofanira kuvapo kana vaapa mabasa vachida rubatsiro. Dzimwe nguva vanhu vanenge vachida kuziva kuti vari kuita zvinhu nomazvo here kana kuti vanenge vachida rumwe ruzivo runovandudza basa ravapihwa.
Kusunungura vamwe – Vatungamiri vakanaka vanonyatsotsanangurira vateveri vavo zvitarisiro zvavo vobva vavarega vachiita maitiro avo vakasununguka. Unyanzvi noungwaru hwevamwe hautsikirirwe asi kuti hunokurudzirwa. Zvikanganiso zvinoonekwa semukana wokudzidza.
Kupa simba nezvinhu – Munhu anopihwa simba raanoda kuti akwanise kuita zvinodiwa. Mutungamiri anopa ari pasi pake zvinoda kushandiswa uye mari inodiwa. Mutungamiri haatarisiri kuti anotungamirwa auye achikumbira mvumo nguva dzose kuti aite kana kushandisa zvimwe zvinhu. Mutungamiri anosunungura nyakupihwa basa kuti azvimirire.
Sei tichipa vamwe mabasa?
Pane zvikonzero zvakawanda.
- Kukurudzira – Kupa vamwe mabasa kunovakurudzira. Vanotanga kuita basa, kwete sevashandiswi, asi sevashandipamwe. Havazotarisi basa sechinhu chavamanikidzwa kuita asi sebasa ravo.
- Kusatambisa nguva – Kupa vamwe mabasa kunoitawo kuti mutungamiri asatambise nguva pamwe nokuti awane nguva yakawanda yokuita zvimwe zvinhu zvakakosha.
- Kuumba – Kupa vamwe mabasa kunovadzidzisawo nokuvaumba sevatungamiri.
- Kuita basa rakawanda – Kupa vamwe mabasa kunoita kuti basa rakawanda riitwe. Mutungamiri anenge asingashande oga asi anenge achishanda kuburikidza nevamwe. Pekutanga zvinombononoka asi nekuvamba kwenguva kana vateveri vave neruzivo zvinhu zvinofamba zvakanaka chose.
Se vamwe vatungamiri vasingape vamwe mabasa?
Pane zvikonzero zvakawanda.
- Kusada kusiya chigaro – Chikonzero chikuru ndechekuti vamwe havadi kusiya zvigaro. Vanenge vachiti vateveri vavo havana kunyatsoyaruka. Asi maonero aya kuvharidzira kubatirira kwavo pasimba.
- Kushaya ruzivo rwakakwana – Dzimwewo nguva vanhu vanenge vapinda pachigaro kekutanga vanenge vasina ruzivo rwakakwana. Vaimbove vateveri uye havana kudzidziswa kuti basa rinopihwawo vamwe. Vanhu vakadai vanotya. Vamwe vanozokunda kutya kwavo nokufamba kwenguva votanga kugovera mabasa.
- Kudisa zvakarurama – Vamwe vanotadza kugovera mabasa nokuti havadi basa risina kuitwa nemazvo. Vanoteverera basa kuti vaone kuti raitwa zvavanonyatsoda chaizvo here. Vanokanganwa kuti pane nzira dzakawanda dzokuita chinhu chimwechete zvinoita sokunge zvakarurama kumutungamiri zvinogona kusaonekwa saizvozvo navamwe. Mutungamiri anofanira kubvumidza kuti basa riitwe zvakanaka kunyange risina kururama sematarisiro ake.
- Kushandisa – Vanhu vanoshanda vasingamire vanoremerwawo nekupa vamwe mabasa. Vanoshanda usiku hwose vagochema-chema kuti vari kuwandirwa nebasa uye kuti vari kuitira vanhu zvakanaka. Chokwadi ndechekuti havagone kuzorora nekunakidzwa neupenyu. Kushanda vasingamire ndiko kunovapa mufaro. Saka vanoshanda vachizvikuvadza vasingazive kuti vakagoverana nevamwe zvinhu zvinofamba zvakanaka.
Vatungamirwi vanogona kuramba kupihwa mabasa
- Kutya kukanganisa – Vamwe havadi kupihwa mabasa nekuti vanotya kukanganisa. Vanogona kuva vakatombokanganisa basa iroro vakasvorwa. Mutungamiri akanaka anosimbisa vateveri vake achivaudza kuti kukanganisa kunowanikwa, uye mukana wokudzidza. Mutungamiri anofanira kuratidza kuti anomira nevateveri vake kunyange vakakanganisa.
- Kukasika kupihwa basa – Dzimwe nguva vateveri vanogoverwa basa nokukurumbidzisa. Izvi zvinogona kuita kuti vatadze zvakawandisa votanga kutya kuita mabasa. Vamwe vatungamiri vechidiki vanoshandisa simba ravo zvisizvo vachidzvanyirira vari pasi pavo. Izvi zvinoita kuti vateveri vavo vavavenge nokuvarwisa. Vanoguma vaomerwa voramba kuita mamwe mabasa avanopihwa.
- Kushaya chido – Vamwe vateveri havana chido chokukura. Vanogutsikana nokuita zvishoma nokunakidzwa nepavari ipapo.
Zvinoda kuvimba nevamwe
Mutungamiri akanaka anoti kuvateveri vake, ‘Ndinovimba nemi. Mune simba rose pabasa ramapihwa.’ Kuvimba ndiyo hurudziro huru. Kuvimba kunoita kuti vanhu varatidze unyanzvi hwavo. Kuvimba kunoita kuti munhu atore nguva achidzidzisa vaapa basa.