© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Vakuru vanoti hapana zuru risina nyoka. Hapana munhu asina chinongo muupenyu hwake. Tingati pane vane munyama vane unhu hwavo hunobuda pachena kwoita vane rombo rakanaka vasingafumurwe zviito zvavo. Mubhishopu Fulton Sheen vakashanyira rimwe jeri ndokutaura navasungwa vakanga vakaungana vachiti, ‘Musiyano uripo pakati pangu nemi ndowekuti imi makabatwa ini handina kubatwa.’ Bhishopu vakanga vasingakurudzire kuti vanhu vapare mhosva kana vasingabatwi asi vaisimbisa kuti vazhinji tine rombo rakanaka rokuti zvitadzo zvedu hazvina kufumurwa.
Kune imwe parishi kune vamwe mai vekwaya vaipomerwa mhosva yokudanana navarume vavanhu. Mai ava vakagarirwa dare namamwe madzimai epaparishi ndokukwevewa voendwa navo kuna baba vezvomweya. Vanhu vakataura zvakawanda. Vamwe ndovakati ngaakururwe bachi, vamwe vakati ngaabviswe mukwaya, vamwe ngaabviswe pazvigaro zvose. Vamwe vakatoti ngaadzingwe pachechi. Mai ava vakadaidzwa namazita akawanda, vakashungurudzwa zvikuru.
Mupriste akati atanga kutonga nyaya iyi, ndokupa mai vaya mukana wokutaura. Vapiwa mukana wokutaura vakati ‘Baba, ini mhosva yangu handisi kuiramba. Makasununguka kuita zvamunoda neni. Asi musati mandiranga ndinoda kuratidza simba randinaro rokuti muti womumango udyarwe uchimera, kukura nokubereka michero nezuva rimwechete. Mhodzi yomuti uyu inofanira kudyarwa nemunhu asina kumbobvira aita mhosva yakafanana neyangu.’ Baba vezvomweya vakati pakanaka chiregai mai mukuru vave ivo vanotanga kudyara mbeu muti uyu. Mai mukuru vakaramba vakati ini ndine dzandakapara. Chisveru chakaiswa pamutungamiri wekwaya asi akaramba achiti ndine dzangu. Vakatenderedzana vose mumwe nemumwe pakashaya akakwanisa kudyara muti uyu nokuti vose aive netwavo! Pokupedzisira vakaona kuti vose vatadzi asi zvomudzimai uyu ndizvo zvakanga zvabuda pachena.
Tose tiri vatadzi. Shoko Rakanaka harisi kuti regai vanotadza vachitadza, musavabvunze. Shoko raMwari riri kuti tinofanira kushandura mafungiro edu kana takatarisana navanhu vane mhosva dzavo. Hanzi pana VaGaratiya 6:1, ‘Kana mumwe wenyu akanganisa , imi vanamati … mudzorei zvakapfava zvinyoro’ Muchidimbu hazvisi kunzi musadzorane asi kuti musave vatongi venhema. Tsika yakadai yakaipa sezvatiri kuona muShoko Rakanaka.
Vatongi venhema havana mwoyo, havakendengi kuti mumwe anonzwa sei. Tanzwa nezvevarume vakuru vari kuweva mukadzi mukuru asina kusimira, vachifamba naye mumasendiraini, vopinda naye muchechi muzere vanhu vomumisa mberi akadaro, vomupomera mhosva vachimufumura namazwi ari pamusoro. Havana hanya kuti mudzimai uyu ari kunzwa sei. Havanei nechimiro chake mumaraini – havana mwoyo.
Vatongi venhema havana mutsigo. Vanoda kutaura chaizvo nezvemutemo, kuti mutemo watyorwa. Hanzi mutemo unotidzidzisa kuti vakadzi vakadai vanofanira kutakwa namatombo. Asi tinoziva kuti inhema. Mutemo haudaro. Mutemo unoti murume nomukadzi vanobatwa nemhosva yakadai vanekodzero yokuendeswa kudare vaine zvapupu. Asi vanoenda vose, kwete mukadzi chete. Zvino tinoona kuti vanonyepa nokuti murume vamusiya, haana kutiza nokuti havana kudaro, vamuregera achienda ndokuti sika-sika nemukadzi uyu.
Jesu anovaonesa kusviba kwomwoyo wavo nounyengedzi hwavo. Vanonyara voenda mumwe nemumwe kusvikira Jesu asara nomudzimai uyu vari vaviri. Anotendeukira kumudzimai oti enda zvako asi usatadze zvekare. Chinangwa chaJesu hachisi chokumukurudzira kuita zvakaipa, asi hachisi chokumupa mhosva. Chinangwa chake hachisi chokumufumura. Chaanongoda ndechekuti mudzimai uyu atendeuke, awanirwe nyasha, aregererwe. Hanzi ainyora muvhu kureva kuti anonyora matadzo muvhu maanopupurutswa nemhepo kwete padombo.
Jesu anotaura nomudzimai uyu norupfave. Vanhu vose vane mwoyo ndozvavanoita. Tinozviona pana Nathani. Dhavhiti akapara rutadzo rukuru. Asi Nathani haana kumufumura. Akaenda kwaari akamubudira pachena, akamutsiura. Dhavhiti atendeuka nokukumbira ruregerero, Nathani akamuregerera muzita raMwari. Chinangwa chake chaisava chokupa mhosva asi chaiva chokudzora murudo, chokuitira nyasha.
Isu tiri vanhu vakaita sei? Takafanana nomudzimai uyu here anopomerwa mhosva? Takafanana navatongi venhema here vanopa vamwe mhosva? Kana kuti takafanana naJesu anerupfave? Pane vamwe pakati pedu vazere noufarisiya. Vanhu vanodhonza vamwe vachivaendesa kunababa vezvomweya kana kunana mai mukuru vachiti nhingi ane mhosva dzake dzakawandisa. Variko vari pamapoka eWatsapu vanogarotumira mhosva dzavamwe. Kupomerana kurimo mudzimba: mudikani wangu akazodai, mudikani wangu wangu anotambisa mari, mwana wangu haanzwi.
Nhasi ngatitendeukei. Ngativavarire kusava vatongi venhema. Vanhu vanotonga vamwe pamusoro pounaku hwavo, urema hwavo, ruvara rwavo, basa ravo, kana zvikanganiso zvavo.
Ngativavarire kusava vatongi venhema vanotuka, vanogodora, vanotsoropodza, vanonyomba, vane makuhwa vanotaura zvoruvengo. Ngative vanhu vanotaura zvakanaka zvoga pamusoro pavamwe:
Rwiyo: ‘Tifunge zvakanaka zvoga, tiite zvakanaka zvoga…’