© Musakope zvidzidzo izvi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
RUOMBEKO
Runoita munhu kuti ave imba inogara Mweya Mutsvene. Petrosi Mutsvene akati:- ‘Pindukai mumwe nomumwe weyu, mubhabhatidzwe nezita raJesu Kristo, kuti muregererwe matadzo enyu, mugozogamuchirawo chipo, chinova ndiye Mweya Mutsvene’. (Zviito 2:38)
CHISIMBISO
Mweya Mutsvene anotumwa kwatiri naKristo kuti tiraramire Kristo akatifira. Nechisimbiso tinokomborerwa naMweya Mutsvene nesimba chairo. Vatenderi vanobva vasungirwa kuti vaparidzire nokudzivirira chitendero mumazwi avo nezviito zvavo sevapupuri chaivo vaKristo.
YUKARISTIYA
Mweya Mutsvene anotipa upenyu muyukarastia tsvene. Chionai kuti pamberi pekonsekrasiyone tinoti:- Tumaiwo Mweya wenyu azonatsa zvatiri kupira izvi zvine muviri neropa raJesu Kristo, Tenzi wedu.
Uye, mushure mekonsekrasiyone tinoti:- Tumaiwo mweya wenyu azoita kuti vose vanogamuchira muviri neropa raKristo vave vamwe chete.
RUWADZANO
Mweya Mutsvene ndiye anotipa upenyu nesakaramende roruwadzano. Kristo akati :- Gamuchirai Mweya Mutsvene. Kana mukaregerera vanhu zvavakadzira Mwari vanobva varegererwa matadzo avo (Jn 20:23). Kristo akatuma Mweya Mutsvene kuti azopedzisa basa rake rokununura vanhu nokutiita vana vanofadza Baba vedu.
CHIZORWA CHAVARWERE
Sakaramende rechizorwa chavarwere harisi sakaramende raavo voga vanokarofa, aiwa. Kana mutenderi upi zvake otanga kurwara zvinotyisa ndiyo nguva yaanofanira kupiwa sakaramende iri.
UGADZO
Isakaramende rinopiwa vabhishopi, vapristi navadhikoni pakugadzwa kwavo; rinovapa nyasha rokugara zvitsvene nokuita mabasa avo muSangano.
MUCHATO
Mwari pachake Musiki wemuchato. Kubudirira kwavachati nokubudirira kwavanhu vose kunoda kuti chisungo chomuchato chive chisingabvi dakara pakufa kwavachati.
Murume achasiya baba vake naamai vake ndokuva chiname nomukadzi wake, vaviri vachiva nyama imwechete, nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe chete. Ndosaka izvo zvakasunganidzwa naMwari zvisasunungurwe nomunhu. (Mk 10:7-9)