Pane nyaya inotaurwa pamusoro pemurume akadonha kubva pamusoro pegomo asi ari pakari pekukunguruka akakwanisa kubata bazi remuti. Akarembera pabazi iri kudaro akaona kuti aive munjodzi yokudonha achisvikofa. Akabva awana zano chiripo ripo. Anotarisa kudenga oti, “Kune ariko here uko?” Izwi rinobva kudenga richiti, “Hongu, ndiripo. Ndini Tenzi wako. Unotendera mandiri here?” Murume uya anoti, “Hongu, Tenzi, ndinotendera. Chokwadi chokwadi ndinotendera, Ndapota ndibatsireiwo.” Tenzi anobva ati, “Zvakanaka! Kana uchitendera hauna chekutya. Regedzera bazi rawakabata.” Murume uya anombofunga kwechinguva obva ati, “Hakuna mumwe ariko here uko?”
Murume uyu aitendera kuti kuna Mwari. Aitendera kuti akanamata anodairwa. Aitendera kuti Mwari anogona kumubatsira nokumununura. Asi Izwi raMwari parinomuudza zvekuita haatenderi!
Vazhinji vedu takafanana nemurume uyu. Tinotendera muna Mwari. Asi kana tikasangana nematambudziko, zvinhu zvikatiomera tinosiya Mwari totsvaga rubatsiro kumwe. Tinotendera asi chitendero chedu chishoma.
Tanzwawo kuti chitendero chaVaPositori chaiva chishoma. Vaitendera Jesu uye vaimutevera asi pavakaona mauto achiuya vari mugadheni reGetsemani vakatiza vachisiya Jesu ari oga. Chitendero chavo chaiva chishoma.
Musiyano wavo nesu ndewekuti vakaziva kuti chitendero chavo chishoma vakakumbira rubatsiro: tiwedzereiwo chitendero. Zvinonzi:
Uyo asingazivi asingazivi asi asingazivi kuti haazivi idutye. Asi uyo asingazivi achiziva kuti haazive mungwaru. Vapositori vakaziva kuti havazive vakakumbira kuwedzerwa.
Isu zvii zvatakaita pamusoro pechitendero chedu chishoma? Mugore rapfuura takamboendawo here kuma retreats, makungano echechi, mapoka ekudzidza bhaibheri nezvimwe? Takamboverengawo here zvinechekuita nechitendero chedu?
Vadzidzi pavanokumbira kuwedzerwa chitendero, Jesu anovaudza rungano rwemushandi anodzoka kubva kumunda asina chinhu otanga nekubikira Tenzi chokudya omumirira kusvika apedza kudya. Muranda anozoona nezvezvido zvake agutsikana kuti Tenzi vaguta.
Jesu ari kuedza kuti tinofanira kutungamidza kuda kwaMwari nguva dzose kwete kuda kwedu. Kana tiine chitendero hatipedzi nguva tichinyunyuta nekuchemachema kuti tiri kusvero binduka asi chabuda hapana. Tinozvikangwanwa tichiziva kuti tinofanira kuzviisa mumaoko aMwari tichiita kuda kwake. Iye haatirasise.
Chitendero zvinoreva kuti chero ruponeso rwangu rukasauya izvozvi ndinomira naMwari nokuti anondida uye ane hanya neni. Murume watambotaura nezvake akakanganisa pakuti paakawirwa nedambudziko akafunga kuti Mwari haazvigone. Akada kuzviponesa nokutsvaga ruponeso kumwe. Haana kuvimba norudo raMwari. Mwari anotida zvisina mugumo. Ngatimirei naye nyange zviome sei. Panotoda chitendero chizere.