Zvakaitika kuna Pita navamwe vake zvinowanzoitikawo muupenyu hwedu. Zvinoitika apo isu savadikanwi, sevabereki, seshamwari, sevatungamiri vesangano, sevashandi tichinzwa kuti tashanda nesimba asi tashandira pasina.
Asi pane nguva dzokuti Mwari anotitumira Jesus kuti atiti dzikisai usvasvi. vambai munzira tsva, nzira inotyisa. Mashoko aya anouya nenzira dzakasiyana-siyana dzakaita sekuverenga bhuku, kuona chivhitivhiti, kuteerera nhau. Dzimwe nguva Jesu anotaura nesu nenzira dzinorwadza dzakaita sokukundikana kwatinenge taita, kurambwa, kuwira murutadzo kana kupepuka tichiona kuti tava kuraradza nokushandisa zvinodhaka nenzira dzisidzo.
Mumwe nemumwe wedu ane dziva rake raanofanira kudzikisira usvasvi. Pamwe dziva rako munhu wauri kutadza kuregerera wawava nemakore usina kutaura naye. Pamwe dziva rako kushanda navarombo, kubatsira nharaunda. Pamwe dziva rako kudzokera kuchikoro. SaPita tinogona kuti ‘Tabinduka usiku hwose …’ ‘Ko kana zvikasashanda…’ ‘Takambozvizama zvikasashanda…’ Asi tinofanira kuzama, zvinoshanda. Tikazama ukama hwedu hunoshanduka, mabasa edu anochinja, matambudziko edu haazotikurira, tinokunda.