Munamato wokukumbira rugare waPapa Johani XXIII Mutsvene
Tenzi Jesu Kristu, munodaidzwa kunzi Mambo WoRugare,
Imizve ndimi rugare noruwadzanisi pachenyu, munogaroti:
“Rugare ngaruve nemi”, tipeiwo rugare.
Itai vanhurume navanhukadzi vose zvapupu zvechokwadi, ruenzaniso norudo sehama nehama.
Vhenekerai vatungamiri vedu kuti vachengetedze nokudzivirira chipo chikuru chorugare.
Itai kuti vanhu pasi rose vagarisane sehama nehama.
Chishuvo chorugare ngachitumbuke chitekeshere nokutonga pamusoro pedu nguva dzose. Amen.
