© Musakope minamato iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Mwari we-e, ndinorwara, handifari, asi ndinoda kutanga kukutendai pamusana pezvinhu zvose zvandinazvo, nyangwe ndichirwara. Ndinogona kuterera nokunzwa, ndinogona kutaura, ndinogona kufunga, ndinogona kunamata, ndine nguva zhinji yokunamata.
Nyangwe zvakadaro, Mwari baba, handigoni kugara ndisingabatsirwi nemi.
Mundichengete kuti ndifare, nyangwe kangave kashomanana hako:
Nditi fakanya, nyangwe ndichirwara. Musaite kuti nditsamwe nokutuka nokukumbira zvinhu zvose kuna vamwe.
Mundibatsire kuti ndikutendei pamusana pezvinhu zvose zvandinoitirwa navamwe vanhu, vanondibatsira. Komborerai varapi navanhu vose, vane hanya neni; muvabatsire kuti vawane mitoo yokundiporesa.
Chengetaiwo mwoyo wangu nomweya wangu, kuti ndisarase rupenyu rusingaperi, rwamakandipa kuti ndive narwo narini.
Mariya,Mai makapfava, tarirai kwatiri isu varwere varombo. Imi makasarudzirwa pagomo reKarivari nyasha guru guru ramarwadzo.
Isu takasarudzawo.
Saizvozvo tinoda kuzadzisa marwadzo aJesu Kristo, tichiitira muviri wake kireke.
Saka tinozvipira isu namatambudziko edu.
Muzviise paatari yemuchinjikwa yoMwana wenyu zvive wokuripira dzedu.
Mai vamarwadzo, gamuchirai kuzvipira kwedu uku. Simbisai chitarisiro chomwoyo yedu kuti sezvatinogoverana mumarwadzo aJesu Kristo zvino nomurupenyu rusingaperi.
Kunamatira murwere
Mwari muna masimba ose, mupi woupenyu, dodzokerariwo simba kumuranda wenyu kuti agokushumirai nomuviri wakasimba. Imi murapi mukuru, tirapireiwo hama yedu sokurapa kwamakamboita vana venyu vaya vamaperembudzi.
Ipaiwo murwere uyu mwoyo unotenda kana abatsirwa nomwoyo unotirira marwadzo kuti agone kupira kurwara uku kwamuri nomuna Kristo Tenzi Muponesi wedu.
Kana kuti
Baba, tarirai netsitsi mwana wenyu anotambura nokurwadziwa.
Mupei kuti anaye sokuda kwenyu.
Musimbisei, musimudzei.
Tinoziva kuti hamuna kutikanganwa, zvamakatipa kutambura.
Dururai Mweya wenyu mumwoyo yedu, nokuti ndiye Mweya wesimba nowenyaradzo.
Kuda kwenyu ngakuitwe.
Mutiratidze kuti muri padyo nesu.
Kunamatira Mwana anorwara
Jesu, imi munoda vana, tinokumbira kwamuri nokuzvininipisa
Kuti mutarire netsitsi mwana uyu anorwara, wakabhabhatidzwa mizita renyu,
Anodikanwa nesu zvikuru.
Mumutsei nesimba renyu, agoraramira imi, akudze imi nokuita mufambiro wakanaka pakati pavanhu.