Vadzidzi vakagumbuka nokuti pane munhu asiri mumwe wavo ari kudzinga mweya yakaipa muzita raJesu. Vaizviona savanhu vane chinhanho chisina vamwe chokuva pedyo naJesu. Pazuva iri vaive vapihwa simba rokudzinga mweya yakaipa saka vaisatarisira kuti mumwe munhuwo zvake aite pasa rakakosha iri.
Saka pavanoona Mutorwa achidzinga mweya yakaipa vanozadzwa nehasha. Vanotoedza kumisa murume uyu asi Jesu anovati “Musamumise: hapana angagone kuva mhandu yangu achishanda muzita rangu. Wose asingatipikisi ndewedu.”
Nhasi uno musangano muzere mapoka evanhu vanoona sokuti vane chisina vamwe. Vanoona sokuti ivo voga ndivo vanoziva chokwadi kana kuti ndivo vachaponeswa. Vanhu vakadai vanopedzera simba ravo mukuedza kuratidza kuti vamwe vose havazivi. Asika tikadaro zvinoreva kuti tichadzivisa vanhu vakawanda kuita basa raMwari.
Munyika nomuhurumende muzere vanhu vanorarama upenyu hwechokwadi vachivavarira kuita Mabasa akanaka. Tinana chiremba, magweta, maticha, vanamuzvinabhizimusi nevamwe vanovavarira kuita zvakanaka. Chakakosha ndechekuti vanhu vose ava vari kuita basa raMwari nyange vasiri musangano redu. Isuwo tinotongwa namabasa edu kwete nezita rokuti muKristu.
Dama Rakanaka ranhasi riri kupa yambiro kuna vaya vanodzivisa vamwe kuita basa raMwari. Hanzi urwu rutadzo rukurusa. Imhingidzo inogubura vamwe munzira yechitendero.
- Ndiri chigumbuso here kuna vanotsvaga Jesu?
- Kana vanhu vachindiona nemararamiro andinoita nematauriro andinoita vangada here kuva vaKristu?
- Unopa chimiro chakaita sei chechiKristu kuvanhu?
- Tinopa chimiro chakaita sei savabereki, vadzidzisi, vashandirwi, vatungamiri?
Saka nhasi tiri kutaura zvinhu zviviri zvakakosha. Tinofanira kudzidza chokwadi chekuti Mwari anogona kuita basa rake kuburikidza navanhu vakasiyana-siyana. Chidzidzo Chechipiri chiri kuti “Pose pane rudo panaMwari.” Izvi zvinoreva kuti isu handisu varidzi vaMwari nokuti Mwari anowanikwa pose pane rudo.
Chichipiri, SomuKristu, kuburikidza norupapatiso, ndakadaidzwa kuti ndive Kristu kuvanhu. Kunze kwokuti ndive munhu ane godo, ndinofanira kuparadzira rudo. Mozisi anoti “Dai vanhu vose vaMwari vava vaporofita, Mwari avapa mweya wake.” Mozisi haana godo nevanhu asi kuti anoda kuti vose vaite basa raMwari.