Munamato kuna Andoni wokuPadhuwa Mutsvene
Vadiwa Antoni Mutsvene, zvichakangoita sekutura kwakaita Pita Mutsvene kuti: Satani anobvongodza kwose kwose seshumba inodzvova ichitsvaga waingadye. Ndinoreurura kuti handi pose pandinokwanisa kumuramba; dzimwe nguva ndinovhevhetedzwa nemiedzo.
Antoni Mutsvene, mudzingi womweya yakaipa, ndiyeuchidzei basa rangu rokuramba zvose zvingandipinza mukutadza nguva dzose. Daiwaro ndagona kunamata nguva dzose dzandinopinda mukuedzwa kuti ndigoramba ndakatendeka kuna Tenzi wangu Jesu. Ndireverereiwo mune zvimwe zvandinokumbira izvi … (zvitaure). Amen.
