© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
MuChiverengo cheChipiri Jowani akaratidzwa guta reJerusarema rina maghedhe gumi namaviri ari mumativi mana. Jerusarema rinomirira Kirike. Maghedhe mana anomirira mukana wokupinda muKirike. Mativi mana anomirira mativi mana epasi rino. Saka zviri kurehwa ndezvokuti Jowani akaratidzwa Kirike rakazarurirwa vanhu vose vemativi mana enyika kuti vapinde mariri pasina rusarura. Kirike harifanire kusarura vanhu vanopinda mariri.
Asi muChiverengo Chokutanga tiri kuona muine makakatanwa. Kirike rokutanga raiumbwa namapoka maviri avanhu. Raiumbwa nevanhu vakatanga Kirike vechiHebheru. Raiumbwa zvakare neboka ravauyi vechirudzi vakatendeukira kuchiKristo. Ukama pakati pamapoka maviri aya hwakanga husina kumira zvakanaka. Kune dzimwe nzvimbo vaitoita muteuro wemisa vakatsaurana.
VaHebheru vaizviti isu ndisu takavamba Kirike, tiri verudzi rwakasarudzwa naMwari saka vechirudzi vanofanira kuteedzera mitemo yedu yechinyakare nemitemo yevakuru-vakuru vedu yechiJudha. Vechirudziwo vaiti kwete, ruponeso haruuye nokuteedzera unhu netsika dzavaHebheru, ruponeso runouya nomuna Kristo Jesu chete. Vaiti munhu wose ane kodzero yekuchengetedza tsika nounhu hwamadzitateguru ake asi haafanire kumanikidza vamwe kuteedzera tsika neunhu dzake. Vechirudzi vaiti kana vaHebheru vachida kurega musiya nenyama isina kusinzwa ngavarege zvavo. Kana vaHebheru vasingade kudya nyama yenguruve ngavarege zvavo asi havana kodzero yekumanikidza vamwe kuteedzera tsika dzavo.
Vakuru vakuru vekutangawo vakanga vasingapindirane panyaya iyi. Pauro aive kudivi revechirudzi nokuti ndivo vaaishanda vavo. Muna vaGaratiya 5: 13 anoti iye ‘Makadanirwa rusununguko kwete mutemo! Zvisungo zvose zvemutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chokuti “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Mitemo yose inokurirwa nerudo.’
Pita naJemisi vakaenda kudivi ravaHebheru. Pauro anonyora achiratidza kunyunyuta kwake achiti: ‘Asi Pita paakauya kuAndiyoku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemisi, aidya nevechirudzi. Asi asi pavakangouya akarega avakuzvitsaura pamusana pekutya vebato rokudzingiswa’ (Gal 2:11).
Nokuda kwegakava iri kwakasheedzerwa musangano mukuru wokutanga unozivikanwa iwo kuti The Council of Jerusalem. Ruka anotaura maonero ake pane zvakabuda pamusangano uyu. Pauro anotaurawo maonero ake muna vaGaratiya. Ruka anoti iye zvakawiriranwa kuti vechirudzi varege zvinhu zvitatu zvinoti: kusiya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, kurega musiya wenyama isina kusinzwa uye kurega upombwe. Pauro anoti iye pandakaona kuti vakanga vasingaite zvinoenderana neShoko Rakanaka ndakavaudza kuti chinhu chakakosha rudo, uye ruponeso rwunouya nokuteedzera zvinodiwa naJesu kwete nemitemo yechiJudha.
Kana takateerera gakava iri ndinofunga tinoyeuchidzwa makakava anowanikwa pakati pedu. Mukati medu mune vechikuru uye mune vechidiki. Vechikuru vanoti munhu kana achiuya kuchechi anofanira kupfeka zvine ruremekedzo, zvine unhu. Neimwe nzira vamwe vari kudivi raPita vamwe vari kudivi raPauro. Vamwe vanomiririra tsika dzemugamuchidzwanwa, chinyakare chedu nekukosha kwacho, vamwe vachiti rusununguko ndorwakakosha.
Kana takazvitarisa tinoona kuti nguva dzose panoita kusawirirana pakati pezvakare nezvitsva, mutemo nerusununguko, tsika dzakare netsika itsva. Mumasangano umu makakava mazhinji ane chekuita nekupikisana kwenhengo itsva nenhengo dzekudhara. Kunyange kudzimba dzedu chaiko tinoona kuti muroora mutsva anonetseka kupinda mumusha wake mutsva nekuti anenge achisungirwa kugamuchira maitirwo anoitwa zvinhu mumusha imomo.
Zvinhu zvakadai zvinhu zvinowanikwa. Zvinhu zvatinofanira kugara nazvo. Hatifanire kutadza kudya nekuti tatadza kupindirana. Chinodiwa ndechekupota tichigara pasi tichikumbira Mweya Mutsvene kuti atiratidze gwara. Kristo muShoko Rakanaka ranhasi ari kuti handikusiyei muri nherera kwete ndichakupai mweya munyaradzi mweya musimbisi anozogara nemi. Mweya iyeyi ndiye achatibatsira kutsvaga kuda kwaMwari. VaPostori vakaramba vasinganyatsopindirana asi vakatanga kugarisana nekuti vakabvumidza Mweya Mutsvene kuvatungamirira.