Tenzi Jesu, ndihwandiseiwo murondo roMwoyo Mutsvene wenyu. Ndisunungurei mukushuvira kuda kudiwa nokukwidziridzwa.
Ndidzivirirei mukuita kwakaipa kwokuedza kuzvitsvagira pachangu mbiri norukudzo. Ndigonesei kuzvidukupisa kusvikira ndava kamberevere murimi romoto worudo rwoMwoyo Mutsvene wenyu. Ndipeiwo nyasha ndigone kuzviramba uye kuramba zvinhu zvose zvapasi.
Jesu, makanakisa kupfuura mazwi edu, sandurai nyaradzo yose yenyika kuti isandinakire.
Jesu wangu, zuva roruenzaniso, vhenekerai njere nehana yangu nemiranzi yenyu inoera. Chenesai mwoyo wangu, mundimedze mumoto worudo rwenyu rwunondiita ndive mumwechete nemi. Amen.
