Todii?
MuDama Rakanaka ranhasi, vanhu vari kuunganira Jowani vachimubvunza mubvunzo wokuti “Todii?”
- Havasi kuti vamwe vanhu vangadii kuti vagadzirire humbambo hwedenga
- Havasi kuti hurumende ingashanduke sei ichigadzirira humambo hwedenga
- Havasi kuti tingashandure manamatiro emutembere sei kuitira kugadzirira humambo hwedenda.
Mubvunzo wavo uri pachena uye uri nyore: isu pachedu tingaite sei kugadzirira humambo hwedenga?
Mumhinduro yake,
- Jowani anovati tambanudzai maoko enyu muchipa vamwe zvikuru varombo pakati penyu.
- Anoti kuvateresi mirai pachokwadi murege zvekushandisa zvigaro zveku kuzviunganidzira hupfumi nenzira dzehuori.
- Anoti kuma soja mirai zvekushungurudza vanhu nekuvatyisidzira.
- Anoti kugurumwandira ravanhu ivai norudo.
Jowani anotaura nesuwo zvekare pazuva ranhasi. Anotiudza kuti tive nemafungiro matsva, mafungiro azere nokuzvipira uye norudo. Rudo ruchaonekwa muhupenyu hwedu nevamwe ndiwo mucherechedzo wokuti humambo hwedenga hwava padyo. Pauro Musande anoti kuvaFiripi “Itai kuti rupfave rwenyu rwuzivikanwe navose nokuti Tenzi wava padyo.” Zvii zvatiri kunzi tiite?
1.1 Mabatiro atinoita vamwe
Chekutanga tinofanira kuongorora mabatiro atinoita vamwe tovavarira kuva nomwoyo munyoro, kufunga vamwe uye kuratidza vamwe rudo.
1.2 Kukumbira ruregerero
Chechipiri tinofanira kukumbira rubatsiro rwaMwari kuti tikwanise kukumbira ruregerero kuna vose vatakarwadzisa kana kutadzira. Kirike rinotipa sakaramende reruregerero ratinokwanisa kushandisa munguva ino yokuuya kwaTenzi. Sakaramende iri mukana wokuti “Ndinogamuchira mhosva yangu uye ndinokumbira kuregererwa naMwari pamwe navandakatadzira.”
1.3 Kuregerera
Tinofanirawo kuregerera vamwe vakatitadzira. Nguva yeKuzvarwa kwaTenzi (Kisimusi) inogona kuva nguva izere nohunyengedzi, nguva yatinopemberera kuuya kwanyakuregerera asi isu tisina rugare mumwoyo yedu. Tinogona kuva vanhu vanodzorera chituko nechituko, chigumbu nechigumbu, utsinye neutsinye.
1.4 Kushanduka
John aidaidzira kuti vanhu vashanduke zvizere muhupenyu hwavo. Dzimwe nhambo tinobvumidza mafaro ekisimusi nezvese zvinenge zvichiitika kuti zvitidzimaidze tisanzwe shoko raJowani rokuti shandukai. Kisimusi inguva yokushanduka nokuchinja hunhu hwedu. Inguva yokukanganwira, kubvisa zvigumbu nokubatsira vamwe.
Kunamata
Tinofanirawo kukura muhupenyu hworunamato. Tinofanira kuzvipa nguva yokutaura naMwari, angava maminitsi gumi namashanu zvawo. Vamwe vedu tingati, “Baba hamumboziva kuomerwa kwandakaitwa. Ndine zvakawandisa zvekuita nguva yacho iri kutondinetsa.” Asi kana chinhu chakakukoshera unochipa nguva. Hazvinei nekuti wakawandirwa zvakadii. Tinofanira kupa Mwari nguva nyange zvakaoma sei