Dzimwe nguva tinorarama takavharirwa muhupofu hwedu. Kubva pakuzwarwa tinopihwa mumwe mufananidzo ‘hwehupenyu hwakanaka’. Hupenyu hwemotokaari dzinodhura, hwenzendo dzekure kune mafaro, hwemadhidhindi, hwedzimba dzakanakisa nezvimwe. Tinoudzwa kuti upenyu chaihwo hupenyu hwekunge wakasununguka, pasina mitemo inokusungirira uye uchiwana zvose zvaunoda. Tinoratidzwa mufananidzo wokuti hurombo, nzara nokushaya hupenyu hwokutukwa.
Svondo raVatsene Vose
Vasande vanhu vakava nechivindi chokurarama upenyu hweChiKristu. Upenyu hwavo ikurudziro huru kwatiri. Asi zviri nyore kurasika pakutevedzera vasande ava. Tinogona kuvashandura kuvazvimwari. Tikadaro kuvatevera kunova mhingidzo kwete rubatsiro muchitendero. Continue Reading