1 Kutarisirwa pasi
MaSamariya aivengwa navanhu vose. VaRoma navaGiriki vaivazvonda nokuti vaingofunga kuti rimwe boka ravaJudha. VaJudha vaivavenga nokuti vaivatora somusanganiswa usina ropa rakachena.
Makore akawanda Kristu asati azvarwa, vanhu veAsiriya vakapamba chamhembe cheIziraeri ndokuendesa vagari vemo kuhupoteri kuAsiriya. Vazhinji vakasara munzvimbo iyi vakatanga kuroorana nevechirudzi vainamata zvimwe zvimwari. Kubva ipapo vakatanga kuonekwa savanhu vane ropa rakasviba. VaIziraeri vaiva muhupoteri pavakadzoka vave kuda kuvaka tembere patsva, vakanzi tokubatsirai nemaSamariya vakaramba. VaJudha vaitendera kuti ruponeso harufi rwakauya kumaSamariya. MaSamariya vaitarisirwa pasi.
2 Vakaona zviratidzo kuburikidza naFiripi
Firipi akapinda muguta reSamariya. Akavataurira nezvaMesiya, Jesu weNazareta. VaSamariya vakagamuchira Dama Rakanaka. Kuburikidza naFiripi vakaona zviratidzo zvaMesiya nameso avo:
- Zvirema zvakafamba;
- Madhimoni akaburitswa;
- Zvose zvakavimbiswa navaPorofita zvakaitika kwete kuvaKristu vechiJudha chete asi kuvaKristu vechiSamariya;
- Vakagamuchira Jesu nomufaro;
- Vakanga vasisiri vokunze asi nhengo dzizere dzenzira dzaKristu.
3 Pita naJowani vakavashanyira
Pita naJowani pavakanzwa nezvebasa raFiripi kuvaSamariya, vakaenda kuSamariya. Vakavanamatira vakakumbira Mwari kuti aburutsire Mweya Mutsvene wake pavari. Zvakava pachena kuti vaSamariya vakaenzana navaJudha pachitendero mumhuri yaKristo, vanowanawo ruponeso.
Wakambonzwa here seusingakodzere pamberi paTenzi? Chiverengo ichi chinotidzidzisa kuti tose takakosha mumaziso aMwari. Anotinatsa. Rufaro rwavaSamariya ndirwo Rufaro rwedu. Tinodiwa naMwari. Akatipa upenyu hwake. Akatipa mweya wake.
4 Mazvionero tichikura
Vazhinji vedu tiri kudzvanyirirwa nemaonero ataizviita tichikura. Pada taizviona sevanhu pasina. Pada tine nguva dzataizvitarisa mugirazi tisingaoni Ms Zimbabwe kana Mr. Universe.
5 Maonerwo ataiitwa nevamwe
Chinosuwisa ndechekuti mamwe maonero atinozviita akabva kuna vanhu vaitibata huyanga, zvisina chiremera. Pamwe takaudzwa kuti tiri zvinyadzo kuvabereki vedu, kumaticha edu, kuna vatinoshandira kana kuti savanhu vari muwanano tiri zvinyadzo kuvadikanwi vedu nokuvana vedu.
6 Usatendera pfungwa dzakashata kuti dzikuparadze
Hongu tiri vanhu venyama tinotadza, asi hatifanire kubvumidza pfungwa dzokuzvidzikisira kutiparadza. Takakosha mumaziso aMwari.
7 Usazvienzanisa nevamwe
- Hazvina kunaka kuzvienzanisa nevamwe chero zvodii hazvo.
- Vabereki musazvienzanisa nevamwe vabereki.
- Vanababa musazvienzanisa nevamwe anababa.
- Madzimai musazvienzanisa namamwe madzimai.
- Vechidiki musazvienzannisa nevamwe vechidiki.
- Usazvienzanisa nomukoma kana munin’ina wako.
Uri munhu akazvimirira woga kwete fotokopi yemumwe. Hazvina kunaka kufunga kuti haubatsire chinhu. Mwari anotida sezvatiri kwete zvatinofunga kuti tinofanira kuva. Mwari anotida somusikiro waakatiita. Takasikwa nomufananidzo waMwari. Hatisi marara. Takakosha mumaziso aMwari.
8 Tivi vagari voHumambo
MuDama Rakanaka Jesu anoti, “Ndiri munaBaba, uye ndinemi.“ Hatisi nherera bodo. Hatisi toga panyika. Tiri vagari vohumambo hwedenga.
9 Tinofanira kuva zvapupu
Takagamuchira nyasha. Mwari akatiratidza rudo rwake. Zvino anotidaidza kuti tive zvapupu zvaKristo pasi rose. Tinozvigona. Tinogona kuparidzira Kristo muhupenyu hwedu. Tiri vana vaMwari.