Ini ndinorwadziwa nekuona munhu mukuru akamira mubhazi ndosaka ndichizonyepera kurara hangu.
Uncategorized
Handife ndakazvikanganwa kuti ndichiri nemwedzi mitanhatu ndakambochema zvisingaite husiku hwose, iri nzara, zvikanzi mwana ari kuona zvinhu.
Rungano
Mubhuku rinonzi Animal Farm rakanyorwa naGeorge Orwell, maisava nemitemo mumwe nemumwe achiita mazvake mazvake pasina anotonga mumwe. Zviroto zvaiva zvokuti vanhu vagarisane vasinganyandurane vachingofara chete. Asi sokuziva kwatinoita zvinhu hazvina kufamba sokudaro.
Kunyange rungano urwu ruri pamusoro pemhuka rune chidzidzo chokuti pasina kurongeka, pasina mitemo inotitungamirira zvinhu hazvifambe zvakanaka.
Jesu haana kuuya kuzoparadza mutemo
Bhaibheri ishoko raMwari rorudo rinoumbwa nezvikamu zviviri zvakakosha samare zvinoti chitenderano chakare nechitenderano chitsva. Zvikamu izvi zvinofambidzana uye hazvigone kupatsanurwa.
Ndosaka Jesu ari kuti handina kuuya kuzoparadza mutemo asi ndakauya kuzouzadzisa. Anoda kuzadzisa mutemo nekuududzira maererano norudo kana kuti zvakanakira vanhu.
Sabata
Jesu anotyora mutemo wesabata kuti aburitse pachena pfungwa yokuti mutemo unoitirwa kuchengetedza upenyu. Haungochengetwa pasina chikonzero.
Usauraye
Jesu anoratidza kuti mutemo wokuti usauraye wakanaka nokuti hapana munhu anekodzero yokutora upenyu hwemumwe munhu kunyange weimwe mhondi. Asi anoda kuti vateereri vake vaone zvakadzama zvokuti kuuraya kuri pakawanda. Pane vazhinji vatakauraya nekuti takapika kuti hatifi takataura navo muupenyu hwedu. Pane vatakauraya nekuti takavazvonda kusvika pakuita sokunge vasisararame muhupenyu hwedu. Vamwe takauraya nemashoko akaipa atinotaura pamusoro pavo. Vamwe takauraya neruvengo nehasha dzatinovaitira.
Kuyanana
Jesu ari kusimbisa rudo. Ari kusimbisa nyaya yoruregerero. Anoti kana ukasvika paatari worangarira kuti pane ari kurwadziwa nokuda kwako siya chipo chako wonotanga wayanana naye. Hatigone kutaura nezvekuda Mwari tisingadanane nevakatikomberedza. Hazvibatsire kuita minamato yakawanda yakanaka isu tisiri kutaudzana nevakatikomberedza.
Kurevesa
Jesu anotaurawo nezvekurevesa pane zvatinotaura. Anoti iva munhu anotaura zvaanoita. Hongu yako ngaive hongu, kwete yako ngaive kwete. Iye pachake aive munhu anomira neshoko rake. Akazadzisa vimbiso dzose dzaakatipa. Anoti, “denga napasi zvingapfuura asi mashoko angu haapfuure.”
Upombwe nokuvimbika
Jesu ari kutaurawo maererano nenyaya youpombwe. Hanzi upombwe hunotangira pakunyepa, kunyepa kuti unorevesa iwe usingarevese. Muchato unoumbwa nekutendeka uye kumira pachokwadi kwete kuva nohunyengedzi. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuongorora ukama hwake oona kuti akatendeka here. Anesorry pamuromo pake here. Anokumbira ruregerero kana achinge akanganisa here. Michato yedu haifi yakaputsika kana takavimbika tichigona kuti ndineurombo pandinenge ndakanganisa.
[12/7, 21:18] +263 75 6563: Ko maswera sei pano Ko kubviswa zino yave kuita marii?
[12/7, 21:22] +263 7 9600: Kubhawa mahara pamuromo pako chete unobviswa chero matatu
[12/7, 21:24] +263 77 6563: Ndiri kubvunza kubviswa
Mwari vane simba chokwadi. Ndati ndichipedza kudya shamwari yangu yabva yasvika.
Mudzimai: Imbosudurukai pasofa muende kunevamwe varume.
Murume: Vari kuma “small house”
Mudzimai: Tigarirei pasofa. Hapana kwamoenda.
Mufundisi abvunza “Kana munhu akafa asina kubvisa roora anoenda kudenga here?”
Chidhakwa chakadaira “Anoendepi iye akambotadza kuenda kwaatezvara padhuze paanoziva.”
Nhai kana uchida kuenda kwaGutu ukakwira bhazi rakanzi Chegutu ungatadze kusvika here?
Ka ‘Che’ ako kane basa here?
Namatai muchishandisa Rusariro
- Chiratidzo chechipiyaniso: Muzita raBaba neMwanakomana namweya mutsvene. Amen.
2. Baba vedu
3. Kaziwai Maria
4. Ndinotendera Mwari
- Patsanga hombe namati muchiti:
Baba musina mugumo, ndinokupai muviri neropa, Mweya neuMwari hweMwanakomana wenyu wapamwoyo, Mambo wedu Yesu Kristo, achiripira matadzo edu neayo evanhu vose vepasi pose.
6. Patsanga gumi duku namatai muchiti:
Nepamusana pedambudziko rake rinosuwisa, tinzwireiwo tsitsi, isu nepasi pose.
7. Pekupedzisira (katatu) namatai muchiti:
Mwari Mutsvene, Mutsvene saMasimba ose, Mutsvene musina mugumo, tinzwireiwo tsitsi isu navanhu vose vepasi pose.
- Dzokorora ‘Baba musina mugumo’ na ‘Nepamusana pedambudziko rake’ (5 & 6) patsanga hombe nediki dzasara.
- Mushure metsanga shanu unoita munamato unotevera katatu: Mwari Mutsvene, Mutsvene Munamasimba, Mutsvene musina mugumo, tinzwireiwo tsitsi, isu navanhu vose vepasi pose.
10. Munamato wekupedzisira:
Mwari musina mugumo, mamuri tsitsi hadzina mugumo, zvakare hupfumi hwengoni hauperi mamuri, titarirei norupfave, mugowedzera tsitsi dzenyu matiri, kuitira kuti munguva dzakatiomera tisaore mwoyo, asi kuti nechivimbo tizviwisire muzvido zvenyu zvinova rudo netsitsi. Amen.
Jeradhi Mutsvene mumwe weavo vane mukurumbira wokuita zvishamiso munhoroondo yeKirike Katorike. Paiongororwa kuti aitwe Mutsvene zvishamiso zvakawanda zvakaratidzwa zvakaitwa kuburikidza nekuna Jeradhi Mutsvene.
Kubvira musi wokuzvarwa kwake 6 Kubvumbi 1726, kusvikira musi waakafa ave nemakore makumi maviri ane mapfumbamwe Jeradhi Mutsvene aiva ndonda. Pamusana paizvozvo akarambwa katatu kutambirwa muupenyu hwokupikira. Mushure mokunge agamuchirwa muchita cheMununuri (maRedemptorist) nokuratidza undonda hwake pachiso chake zvakazoonekwa kuti iye ari oga aikwanisa kuita basa raiitwa nevanhu vana. Mushure mekutambirwa semubrother muchita ichi akafamba mumaruwa emuItaly somuparidzi weshoko raMwari akazove mudziyo wokuti masimba aKristo okurapa aibuda nemaari. Kunyangwe nanhasi uno nokureverera kwake anoenderera mberi achibatsira vatenderi vanokumbira minato yake.
Hakuna munhu akakwanisa kutsanangura zvinogutsa kuti pamusana pei Jeradhi Mutsvene achitorwa somurevereri wanamai. Muupenyu hwake muzviitiko zvakawanda munamato wake wakaponesa upenyu hwamai nemwana wavo achangobva mukuzvarwa. Mushure mekufa kwake zvakaonekwa kuti tsika huru yaive nemukurumbira muupenyu hwake yaive yokuti, “Ruvimbo mune zvinobva kuna Mwari.” Pamusana paizvozvi vanhu vakawanda vakakweverwa kukumbira nekwaari. Aiwanzofarira kutaura achiti, “Mwari achatipa.”zvinova zvinopikisana nemararamiro, mafungiro nokutya kwevanhu vanofunga nezvepasi pano.
Kwapfuura makore mazana maviri apo Jeradhi Mutsvene akamboti, “Kana pane munhu asingakwanisi kutakura matambudziko anobva kuna Mwari , kumbira kwandiri kuti ndikubatsire kana kuti
ndikanzwa nezvemunhu ane dambudziko irori ndinomunamatira kuti Mwari amupe girasiya rokutambira kuda kwaMwari.
Zuva raJeradhi Mutsvene rinopembererwa musi wa16 Gumiguru.