Munamato waSitefani Mufiri wechitendero Mutsvene
Mwari muzere norudo,
Sitefani Mutsvene aive umwe
wevashandiri venyu vokutanga muSangano.
Vapositori vakamunamatira vakaisa maoko avo paari
pamwe navamwe vatanhatu
kuti vaite basa
rokuzogovera zvokudya kuvarombo nechirikadzi.
Utsvene hwake hwaionekwa zvokuti paaiparidza
Uso hwake hwaipenya souso hwavatumwa.
Ndinokumbirira nokwaari, ava vose
vakadaidzwa kuupenyu hwokushanda samadhikoni.
Tenzi, vabatsirei kuti vave chiratidzo chorudo rwenyu
mumasangano avanogara nokushanda,
uye pasi rose.
Vakomborerei nomuono webasa ravo,
vawane chido nokusaneta mukushandira vamwe.
Sitefani Mutsvene, tireverereiwo.
