Nhasi tinodzidza zvinhu zviviri zvakakosha chose. Chekutanga tinodzidza kuti Mariya havasi amai vaJesu chete asi kuti ndimai veduwo. Savana vavo vanoda kutibatsira pane zvose zvatinosangana nazvo.
Chechipiri tinodzidza kuti Mariya mucherechedzo wedu watinofanira kuvavarira kuteedzera. Pane zvakawanda zvatinodzidza kubva kwaari. Chimwe chezvinhu izvi kuvimba naMwari.
Mutumwa waMwari paakauya kuna Mariya achiti ‘uchava napamuiri ugopina mwana wauchatumidza zita rokuti Jesu,’ aiziva kuti izvi zvinogona kugumbusa Josefa zvigoputsa muchato wavo. Asi zvakadaro Mariya akavimba naMwari.
Vafudzi pavakamuturira zvaiva zvataurwa nemutumwa waMwari, Mariya haana kuzvinzwisisa. Zvakadaro akavimba naMwari.
Mariya paakaenda nerusvava rwake kutembere, Simioni akamuti ‘kusuwa kuchabaya mwoyo wake sepfumo.’ Zvakare, Mariya haana kunzwisisa mashoko aya asi akavimba naMwari.
Jesu paaive ave namakore gumi namaviri, akasara mutembere vabereki vake vakatambura nokumutsvaga. Mariya paakakumbira kutsanangurirwa, Jesu akati ‘Hamuzivi here kuti ndinofanira kunge ndiri mumba mababa vangu?’ Mariya haana kunzwisisa mhinduro iyi asi akavimba naMwari.
Mariya anotibatsirawo kuti tivimbe. Savaberiki tinogona kuva tichitambura nevana vakoomana kana vasikana. Pamwe mwana haachadi kuuya kuchechi. Pamwe aneukama hwamuri kutyira kuti huchamupinza munjodzi. Makaedza kunamata, mukaedza zvakawanda. Mariya anokudzidzisai kunamata nokuvimba naMwari panguva yakadai.
Unogona kuva wechidiki ari kushungurudzika nokuda kweramangwana risina kujeka. Hauchaziva kuti wodii. Wakambotsvaga mazano kubva kuvabereki nokune vamwe asi wapererwa. Uchiri kufamba uri murima. Vimba naMwari.
Unogona kunge ungoriwo munhu ari kunetseka nokuda kwechitendero chake chisisina kusimba. Izvi zviri kukushungurudza. Uri kuona sokunge Mwari haasi kukuratidza gwara. Hausisina chokwadi chokuti Mwari wacho ariko here. Namata uvimbe naMwari saMariya.
Mhemberero yanhasi inotiyeuchidza kuti Mariya mucherechedzo wedu. Ngativavarirei mugore rinotevera kuedza kutodzana naMariya.