Musi weChitatu cheMadota, vatenderi vose pasi rose vanotaridza huma dzavo kuti vaiswe micherechedzo yechipiyaniso namadota. Mucherechedzo uyu unoitirwa kutiyeuchidza kuti hatirarame nokusingaperi pamwe nokutitondedza kutsvaga upenyu hutsva kuburikidza nokutendeuka. Madota aya mucherechedzo wokuti Mwaka weKutsanya watanga, mwaka wokuzvinyima zvinotifadza kuti tipe mweya mutsvene mukana wokupinda muhupenyu hwedu.
Asi ngatitauriranei chokwadi. Vamwe vedu vanofarira mwaka uyu nokuti vanoutora somukana wedieting. Ndakati ndichitaura neimwe shamwari yangu rimwe zuva zvikanzi “Mufunge ndiri kufara kuti gore rino rendi yedu ine Covid nelockdown. Izvi zvinoreva kuti ndichanyatsodieta, ndanga ndanyanya kufuta.”
Hatingati yedu pane chakaipa pakuvavarira kuonda. Ichokwadi kuti nguva yerendi inotipa imwe discipline yakakosha. Asi nhasi ndinoda kupindura mubvunzo wenyu wamakandipo wokuti “Rendi yakatikosherei.” Mubvunzo uyu unopindurwa navanhu vakasiyana-siyana napakawanda. Ini nhasi ndiri kuti batai pokuti ZVAKAKOSHA KUNGWARIRA KWETE ZVINOPINDA MUMUKANWA MEDU CHETE ASIWO ZVINObUDA MUMUKANWA MEDU. Saka rendi ino ngatimboongororei zvinobuda mumukanwa medu.
Chekutanga zvinyadzi. Zvinyadzi mazuva ano zvatekeshera kwese kwese. TV yakuremera kubatidza pane vanyarikani. Ukashanyirwa nemuenzi kana rhedhiyo chaiyo ino rema kubatidza nokuti vashamarari vamazuva ano vanongoerekana vakanda zvinyadzi ukashaya pokutarisa. Chero kuti uridze rwiyo rwevaimbi vechidiki vamazuva ano, mashoko acho zvinyadzi zvoga zvoga. Rimwe zuva ndakanakirwa nekambo kanoti “kanjiva.” Ndakatanga kuimba zvikanzi “Nemi anababa vezvomweya munotoimbawo izvozvo?” Zvinyadzi zvazara muhurukuro dzedu dzose. Chinoshamisa ndechekuti chero vatungamiri vehurumende, vakuru-vakuru vakungokanda zvinyadzi zviri pachena. Vatungamiri vechechi chaivo havachazezi kunyadzisira. Ndakashaya pokutarisa rimwe gore mai veChita vachifananidza mumwe wavo nenhengo dzomunhurume. MumaWhatsApp Group umu mazuva ano unonzwiririra. Hanzi navamwe baba, Father mwana wangu anotidadisa. Haasati ambotinyadzisa. Nguva zhinji anenge achiverenga bhaibheri rake. Apa mwana wacho ane zita rinonyadzirisa paTwitter uye anenge achingotumira zvinyadzi nemifananidzo yavanhu vasina kupfeka. Ndakashaya kuti ndovaudza sei kuti mwana wenyu igamba rezvinyadzi ku social media.
Ko dzidzo yedu yakaendepi? Nhai madzimai, kana nemiwo here chokwadi kushama miromo yenyu muchinyadzisira munoti vana vanodzidzei? Hona zvino mumigwagwa umu vana vakungotaura zvinonyadzisira sevari kuti ndinokumbirawo mvura yokunwa.
Mukaona mashoko anofanirwa kutaurwa muchivande avakungomwaiwa pachena zivai kuti mwoyo yedu yaomarara, chimiro chaicho hapasisina. Kana muchifunga kuti zvinoreva kuti hamuna kusaririra, zivai kuti tatogamuchira chivi sezvachiri, chatotikurira. Zvinyadzi hazvifanire kuva nenzvimbo mupfungwa nomuhupenyu hwomuKristo.
Imwe mhuri yaive yakomba tafura vachidya nagogo vaive vashanya kubva kumusha. Mwana akadonhedza ndiro yechikafu nemistake chikamwararikira pasi. Mai vake vakatanga kupopota. Vakataura zvakawanda vachinyadzisira. Mbuya vaya vakatarisa mwana wavo aipopotera muzukuru zvikanzi “Keresenziya rangarira kuti muromo wako uchada kudya komunioni sande.”
Saka zano rangu nderekuti ngwarirai zvinobuda mumikanwa yenyu mese, vakuru navadiki. Ngwarirai zvinobuda mumikanwa yenyu nokuti zvinobudamo zvinogona kutiratidza zviri mamuri. Rangarirai kuti muri vana vaKristo musade kuzviita magen’a nevanhu vasina hunhu.
Chechipiri, rendi inguva yokusarutsa mashoko ekutongera vamwe. Ndinonzwisisa kuti izvi zvonogona kuremera kuita munguva yose yerendi, asi hamungazotadzawo kuwana zuva rimwechete zvaro ramunoti pazuva iri handidi kutaura mashoko ekutongera vamwe. Ndinofunga kuti chishanu chegachega chakanaka nokuti ndiro zuva rakarovererwa Kristo pamuchinjikwa, Saka tinenge tichiti musi wechishanu handidi kuroverera vamwe sokurovererwa kwakaitwa Jesu. ChiShanu ndirowo zuva zvekare rakanzi kumbavha iya naKristo “Nhasi chaiye uchange uineni muparadhiso.” Saka kunze kwekutongera vamwe tinovashuvira zvakanaka.
Ndinoziva kuti Rendi yave kutopfuura asi zvinenge zvakanaka kuti ChiShanu choga-choga tisatongere vamwe. Tisavazivire zvavanofunga, tisavatongere unaku nohuipi hwavo, kuwana kwavo, mhosho dzavo, rudzi rwavo, mushando wavo, zvikanganiso zvavo. Ngatingoonei munhu wose semwana waMwari, akafirwa naKristu.
Chechitatu, rendi inguva yokuedza kuzvidzora panhau yokusvora vamwe. Inguva yokuzama kusataura mashoko oruvengo, okudzikisira, okugodora, okutuka, okusvora, okuseka, okunyeya, kana okusvibisa mazita avamwe. Ndinoziva zvekare kuti zvinogona kurema kuita izvi munguva yose yeRendi asi hamungazotadza kuwana zuva rimwechete ramunovavarira kuzviita. Zuva randinoona serakanaka Chitatu nokuti zvinonzi ndiro zuva rakatengeswa Jesu naJudasi.
Vamwe mai mukugoverana kwedu vakanditi vakati vapedza kudzidzira kupinda muchita ndokuenda kune imwe parishi muguta rapamusoro kwavakasvikonopekedzwa nokugamuchirwa muchita naBaba veZvomweya. Muparishi iyi nhengo dzechita dzose dzaizivana uye dziratidza kuti hadzina ruremekedzo nemunhu wavanoti akabva kumarukesheni. Asi zvakadaro amai ava vaingotendera kuti zvichapfuura vanhu vachasvika pakuvagamuchira.
Asi rimwe zuva vari seri kwemba yaiitirwa musangano vakanzwa vachinyeyiwa nevamwe. Paitaurwa mashoko akaipisisa pamusoro pavo. Vaiti chakanyanyakufuta chichasiiwa nemurume. Iwo mahobi acho nekuzotadza kana kusekerera. Munhu ungabva waita ganda rakasviba kunge shato kudaro. Idzo hapwa kunhuwa kuti kutu. Mai havana sense yefashoni vaya.
Mai ava vanoti ndakaremerwa kupinda mumba maiitirwa musangano ndichiziva kuti vose varimo vachanditarisa vachiseka nechemumwoyo. Ndakashaya kuti sezvo vaive vazondiona vachati kudii vachiziva kuti ndazwa zvavanga vachitaura. Muhana yangu ndakaziva kuti chaiva chita chavo uye ndaisadiwa. Ndakazviudza kuti handisiyi chita nokuti handidi kuti chivi chikunde. Ndakakumbira simba kunaMwari rokukunda. Nhasi uno ndava mutungamiri wechita.
Mashoko anobaya. Vavarirai kusataura mashoko anogodora Chitatu chogachoga.
Chechina, ndechekukwanisa kuti kwete nemiromo yedu. Izwi rokuti “kwete” rinoratidza zvatiri. Jesu pachake aiziva kushandisa izwi iri. Paakaporesa murume aiva namadhimoni, murume uyu aida kuramba achimutevera asi iye akati, “Enda kumba kushamwari dzako unovaudza zvawaitirwa naTenzi, nyasha dzaakuratidza.” Kwete, usanditevera asi enda unobatsira vaunogara navo.
Pirato paakabvunzurudza Jesu, Jesu akazunguza musoro achiramba kumupindura nokuti aiziva kuti Pirato haana hanya nechokwadi. Jesu akarambawo mushonga unopedza marwadzo zvaaive pamuchinjikwa nokuti zvaizomutadzisa kuzadzisa chinangwa chake. Jesu akatiwo kwete kunaSatani aida kumunyengedza kushandura matombo kuti ave chingwa.
Nguva ino yeRendi ngatiti kwete kune zvinodhaka, kwete kuhupombwe, kwete kuhunyengedzi, kwete kumanyepo, kwete pakudyisa.
Ngatitii hongu mukutaura chokwadi, hongu mukukurudzira vamwe, hongu mumabasa etsitsi, hongu mukunamata, hongu mukupa mhuri dzedu nguva, hongu kuna Jesu.
Hama dzadiwa, ngatingwarirei kutaura zvinyadzi, ngativavarirei kusatongera vamwe, ngatiedzei kusagodora vamwe uye ngatidzidzei kuti kwete. Tikagadzirisa zvinobuda mumikanwa yedu tichapa mweya nzvimbo muhana dzedu. Tichatanga kutaura zvinovaka, kukurudzira uye kunamata nomwoyo wose.