© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Chiverengo chekutanga chanhasi chiri pamusoro pemunamato. Kusimudza tsvimbo mudenga kwakaitwa naMhozisi mucherechedzo wokunamata. Maoko ake akanga akasimudzirwa kunaTenzi, airatidza kuti anovimba nesimba raTenzi.
Asi Mhozisi aisakwanisa kuramba akasimudza maoko ake kwenguva yakareba. Mhasuru dzake dzakatanga kurwadza. Saka akadonhedza maoko ake nokurwadziwa nokuremerwa. Asi pose paaidonhedza maoko pasi vaAmereki vaitanga kukunda pahondo yaitsviriridza. Mhozisi aitofanira kuramba akasimudza maoko mudenga. Zvairwadza. Akazodaidza varume vaviri vaaivimba navo, vanoti Aroni nahuri kuti vamubatsire. Mumwe akaenda kuruboshwe mumwe kurudyi vakamubatsira kuramba akasimudza maoko. Vana veIziraeri vakabva vakunda pahondo navavengi vevaAmereki.
Tinofanira kunamata mazuva ose. Tinofanira kuramba takabatana naMwari nguva dzose. Asi hatigone kuita izvi tiri toga. Tinoda rubatsiro rwavamwe. Tinoda vamwe vanotitsigira maoko edu kuti arambe ari mudenga. Tinoda rubatsiro rwavamwe.
Kwose kwatinoenda muupenyu, tinofanira kutsvaga mhuri yokunamata pamwe nayo. Tinoda vanhu vanotiitira hanya. Pose panonanata vana vaMwari vari pamwechete panoitika zvishamiso, zvinhu zvakanakisa. Kana vanhu vaMwari vakanamata pamwechete vatera vanopiwa simba. Pane simba rinobva muuwandi. Muuwandi mune simba guru rezvemweya.
Kana mumwe aine mwana anorwara anoda rubatsiro rwavamwe kuti arambe ari panaMwari. Kana uchangobva kunzwa nezverufu mumhuri, pfungwa dzinenge dzisina kugadzikana, kunamata chaiko kunorema. Tinoda vamwe kuti vanamate pamwe nesu. Tinoda rubatsiro rwavamwe.
Mwari anonzwa minamato yedu saka ngatisaorei mwoyo. Ngatitsungei kunamata. Tingava tine urwere, rufu, matambudziko mumuchato kana nhamo yokushaya mabasa, kana tikavimba naTenzi anonzwa minyengetero yedu. saka tinofanira kunamatira mhuri dzedu, vana vedu, vadikanwi vedu mazuva ose. Tinofanira kunamatira vana vedu pose pavanoenda kuchikoro. Tinofanira kunamatira vadikanwi vedu pavanoenda kumabasa.
Kana uchinzwa kurukutika, kana uchineta pakunamata rangarira zvakaitwa naMozisi pagomo. Akatadza kunamata oga. Akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Asi akawana rubatsiro rwavamwe vanhu vake vakakunda muhondo nomuvengi. SaMhozisi tinofanir akutsvaga rubatsiro rwavamwe. Tinofanira kunamatirana.