© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kune imwe nzvimbo paivapo nemwana akavharirwa nomomoto mumba yokupedzisira pamudhuri wemunhurikidzanwa. Mudhuri uyi wakabatira moto mwana ndokuvharirwa arimudenga. Akatanga kuchema achidaidzira kuti awane rubatsiro. Baba vake vaiva pasi vakati ‘Mwanangu svetuka ndinokugamha.’ Mwana akati ‘Baba handisi kukuonai nokuda kwoutsi.’ Asi baba vakamuti ‘Ini ndiri kukuona.’ Mwari vanoti vimba neni. Nyange usingaoni kwauri kuenda, nyange zvisina kujeka tendera kuti ndiri kukuona.
Chiverengo chokutanga
Chiverengo chokutanga chiri kurangaridza vana veIziraeri kuti madzitateguru avo ana Abhurahama, Isaki naJakobho vakasangana namatambudziko makukutu akawanda. Farawo, mutongi anamasimba aneutsinye akavaonesa nhamo achivabata chibharo. Paiita sepasina chitarisiro muusungwa hwawo. Asi vakavimba naMwari, Mwari akavanunura
Isu savatenderi tiri muubatwa hwezvinhu zvakasiyana-siyana. Dzimwe nguva panoita sepasina chitarisiro. Dzimwe nyange muteuro wemisa chaiwo unoita seusingashande. Asi panguva yakadai ndopanoda chitendero nechitarisiro chakadzama. Panguva yakadai ndopaunofanira kuti:
Mwari ndiye chikonzero chokuti
chero mukurwadziwa ndinonyemwerera;
chero mukukangaidzika ndinonzwisisa;
chero mukurasiswa ndinovimba;
chero mukutya ndinoramba ndichirwa.
Chiverengo Chechipiri
Chiverengo Chechipiri chiri kutsanangura kuti chitendero chii uye chiri kutipa Abhurahama somuenzaniso wechitemdero. Hanzi chitendero kuvimba nezvinhu zvinotarisirwa uye kuva nechokwadi nezvinhu zvisingaoneki.
Kutendera muzuva chero risiri kupenya
Kutendera murudo chero usingarunzwi
Kutendera muna Mwari chero anyerere
Abhurahama aigara zvakanaka munyika inevhu rakanaka rokurima namafuro akawanda ezvipfuyo zvake. Asi akanzi naMwari siya nyika yamadzitateguru ako uende kwandinoda kuti uende. Akanga asingazivi kuti achaendeswa kupi, akanga asingaoni zvinoreva Mwari asi akaziva kuti Mwari anomutungamirira saka akateerera. Abhurahama akanga akwegura, mudzimai wake akanga adarika nguva yokubereka asi Mwari akamuvimbisa kuti zvizvarwa zvake zvichawanda sejecha uye senyenyedzi dzomudenga. Akanga asingaoni kuti zvingaitike sei asi akavimba naMwari achiziva kuti vachamubatsira. Abhurahama apiwa mwana Mwari akamuti pira mwana wako zai regondo sechibairo. Uyu waiva muedzo mukurusa asi Abhurahama aiziva kuti Mwari zvavanotaura vanenge vaine chinangwa.
Abhurahama aiziva kuti runzwisiso mubairo wechitendero. Naizvozvo haana kutsvaga kunzwisisa kuti agotendera. Akatendera kuti agonzwisisa.
Chitendero kuziva kuti pane zvakawanda zvandisinganzwisise zvandisina mhinduro yazvo asi ndichavimba naMwari. Ndiri kuda kupinda muwanano, handizivi kuti zvichashanda here asi ndinozviisa mumaoko aMwari. Ndine munhu wandiri kuda kuchata naye handizivi kuti ndiye chaiye here asi ivo Mwari ndivo vanoziva. Ndiri kurwara, handizivi kuti ndichapona here asi ndinovimba kuti Mwari havandisiyi ndoga. Upenyu hwose hunobva kuna Mwari saka ndinoisa hwangu mumaoko aMwari, ivo ndivo vachandipa mhinduro, ivo ndivo vachandiratidza gwara.
Ndinovimba naMwari zvichibva mukati-kati memwoyo wangu; handienzi kunzwisisa zvose pachangu. Ndinoteerera izwi raMwari muzvose zvandinoita nakwose kwandinoenda. Iye ndiye anondipinza mugwara.
Shoko Rakanaka
Jesu arikutiwo kuvadzidzi ‘musazvidya moyo nezveupenyu kuti ndichadyei, ndichapfekei. Imi ingotsvagai umambo hwaMwari zvose zvinoitika. Tikatsvaga zvakakosha tisingavaraidzwi nezvapasi tinowana zvakakosha. Isu chedu kurarama muraramiro unofadza Mwari, kugadzirira kusangana naye chero nguva. Mubvunzo ndewekuti unhu hwako kumba, kubasa, kuchechi hwakamira sei. Ungada here kusangana naMwari nhasi nezvauri izvozvo?