© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Svondo rino ndaiona rimwe firimu rinonzi Chariots of Fire riri pamusoro perungano rwechokwadi rwakaitikira kuBritain makore akawanda adarika. Mufirimu umu mune murume anonzi Eric Liddell aive nemukurumbira wemujawo wokumhanya. Vanhu vose vekuBritain vaitarisira kuti achamiririra nyika yake mumakwikwi eOlympics agohwina. Vaidada naye, aive rudadiso kunyika yake. Asi pakaita dambudziko. Urongwa hwemamhanyiro aizoitwa pamaOlympics pahwakabuda Eric aifanira kumhanya musi weZuva raMambo musi weSvondo. Zvino Eric aive munhu ane chitendero chakadzama aikoshesa zuva ramambo. Akaudza vakuru vake kuti haakwanise kumhanya musi weSvondo nekuti izuva rinoremekedzwa. Eric akasarudza kurasikirwa nemedhari yegoridhe, kurasikirwa nembiri nokuda kwechitendero chake. Iri ndiro dingindira rezvidzidzo zvedu zvanhasi – tungamidza Mwari kupinda zvose.
Kutungamidza Kriso kupinda upfumi
MuChiverengo chokutanga Erisha akanga ari munhu mupfumi zvikuru. Akanga aine vashandi gumi nerimwe. Akanga aine mombe gmi nembiri dzaakawanikwa naEriya achirimisa uye akanga aine magejo gumi namaviri, namajoko gumi namaviri. Ari paakadaidzwa akapisa gejo rake ndokuriita huni achigocha nyama yemombe dzaairimisa. Izvi zvinoratidza kuti Erisha akasiya upenyu hwake hwakare, akasiya izvo zvaimupa upenyu ndokutanga upenyu hutsva.
Isu nhasi tiri kudzidziswa zvekare kuti tinofanira kutungamidza Jesu kupinda upfumi hwapasi pano. Izvi zvinosanganisira makuhwa, siya hasha, siya rutadzo.
MuMushoko Rakanaka ranhasi Jesu akatarisa Jerusarema guta raakanga akamirirwa navavengi vake ndokutanga kuendako asingazezi! Akatumira nhume dzavadzidzi vake kuti dzinogadzirira kusvika kwake kudunhu reSamaria. Vagari veSamariya vakafara vachiona nhume dzake asi pavakanzwa kuti ari kuenda kuJerusarema vakabva vatsamwa vakaramba kumugamuchira. Ari munzira mumwe murume akadaidzira kuna Jesu achiti ndinoda kuteverawo kwese kwamunoenda Jesu akamuti asi ziva kuti hauna chaunowana murume uya ndokubva asara. Mumwe akati ndinoda kuteverawo asi regai ndimbonoviga baba vangu Jesu ndokuti rega vafi vavige vafi vavo murume uya ndobva aora mwoyo. Mumwe ndiye akati ndinoda kuteverawo asi regai ndimbonooneka hama neshamwari asi Jesu paakati usacheuke cheuke murume uya akabva arega kutevera Jesu.
Tungamidza Jesu kupinda zvamatongerwo
Mushoko Rakanaka, chekutanga tinodzidza kuti haufanire kutungamidza nyika yako, bato rako kana rudzi rwako kupinda Jesu. Nhumwa dzaJesu padzakatungamira kuguta reSamariya kunogadzirira kuuya kwake dzakagamuchirwa nomufaro mukuru asi vanhu veSamariya pavakaziva kuti ari kuenda kuJerusarema guta ravaJudha vavengi vevaSamariya vakabva varamba kumugamuchira. VaSamariya vakatadza kugamuchira Jesu nekuda kwezvematongerwo kunyange zvavo vaive neshungu dzekumutevera. Hapana chakaipa kuda bato rako, kana nyika yako, kana rudzi rwako asi unofanira kutungamidza chitendero chako mberi. Zvinhu izvi hazvifanire kukutadzisa kutevera Kristo.
Tungamidza Jesu kupinda mhuri
Chimwe chidzidzo chakaoma chatinowana muShoko Rakanaka ndechokuti tinofanira kutungamidza Jesu kupinda zvose kunyange mhuri chaiyo. Murume wemuShoko Rakanaka aive neshungu dzekutevera Kristo asi akakumbira kumbonoviga baba vake setsika yechiJudha. Jesu akamupindura achiti rega vafi vavige vafi vavo.
Kune madzimai akawanda anoda kuchata navarume vavo asi mubereki anoti hauchate kana usati wapedza kubvisirwa. Ivo vanobva vati mambo ndinoda kukuteverai asi regai ndimbotanga ndagadzirisa nyaya dzepfuma. Variko vakawanda pakati pedu vanoda kutevera Kristo asi vane nyaya dzechivanhu dzakawanda dzinoda kugadziriswa. Vanhu ivava vanoti regai ndimbotanga ndakadzirisa twekwedu – hapana chinofamba kana ini ndisipo. Shoko raMwari riri kuti tungamidzai Kristo kupinda zvose – zvose!
Kutsunga
Tinodzidza zvakare kutsunga, usacheuka cheuka muchitendero chedu. Kutsunga ndirwo runofanira kuva rupawo rwaKristo. Iri ndodambudziko rakaita mumwe wevaya vaida kutevera Kristo. Akati Kristo ndinoda kukuteverai Asi regai ndimbonooneka nehama neshamwari. Kristo akamupindura achiti uyo wose anorima negejo achicheukira shure haana kodzero yekupinda muumambo hwedenga. Hatifanire kucheuka pachitendero chedu.
Simba raMweya Mutsvene
Tinoda simba rinobva kuna Mweya Mutsvene. Tiri toga hatigone kutevera Kristo nenzira yaanoda nekuti zvakaoma. Zvakaoma kumutungamidza kupinda vabereki, zvakaoma kumutungamidza kupinda upfumi, zvakaoma kumutungamidza kupinda mapato kana marudzi edu. Pauro musande anoti ‘Regai muchitungamirirwa namweya kuti murege kuita zvinodiwa nenyama’ (gal 5:18). Tinofanira kutungamirirwa namweya zuva nezuva.