Munamato wechitendero waPapa Pauro vechitanhatu
Tenzi ndinotenda
Ndinoda kutenda mamuri.
Tenzi itai kuti ndikudei zvizere uye zvakaperera,
Kutenda kwangu ngakusvike kupfungwa dzangu,
nzira dzandinogamuchira zvinhu zvinoera uye zvinhu zvavanhu.
Tenzi itai kuti kukudai kwangu kuve nomufaro, mugopazve mweya wangu rugare norudekaro, ungoda bedzi kunamata Mwari nokutendeutsa vanhu,
Kuti rudekaro rwomukatikati, upfumi hwemweya wangu huonekwe mune zvinoera nomukutaura kwose.
Tenzi itai kuti ndizvidukupise mukutenda uye ndisakurumidze kutongera vamwe nokuziva kwangu bedzi, maonero kana mafungiro;
Asi ndizviturire kuchapupu chaMweya Mutsvene, uye ndisave nechimwe chinotsigira chingapinda kugamuchira ndisingakononi, tsika nedzidziso zvinopiwa neSangano Dzvene. Amen.
