Sakaramende roRuwadzano
Rangarira kuti kutangira zvose sakaramende iri chiito chorudo rwaMwari. Inguva yokupinda muukama hworudo naMwari. Hachisi chindoitawo kana marwadzo anofanira kutirirwa, asi kuti inzira yokuzvivandudza inoitika mumunhu wose.
Unokokwa maererano norudo rwaMwari kuti uone rutadzo ruri muupenyu hwako, upfidze nomwoyo wose nokuva nechinangwa chizere chokuda kurega kutadza zvakare.
Zvinhu zvakakosha paReururo yakanaka
Kuti tiite Reururo yakanaka tinofanira:
1. Kutanga tanamata, tichikumbira rubatsiro rwaMari.
2. Kubvunza hana nomwoyo wose kuti tione matadziro atakaita kubva patakapedzisira kureurura.
3. Kureurura matadzo edu pachena, takazvirereka nokuvimbika.
4. Kupfidza matadzo edu nomoyo wose ‘nechinangwa chizere chokuvandudzwa’, tiine vavariro yokuti tichanzvenga nguva yokuedzwa.
5. Kuzvipira kuteedzera chirango chatinenge tapiwa nokunamata tichitenda mafashamu erudo nengoni dzaMwari.
Munamato tisati taita Reururo
Mwari munaMasimbaose neNgoni, mandiunza pano muzita roMwnakomana wenyu kuti ndigamuchire tsitsi nenyasha dzenyu panguva yakafanira.
Zarurai maziso angu aone uipi hwandaita.
Batai mwoyo wangu munditendeutsire kwamuri.
Pandapatsanurwa nemi norutadzo,
rudo rwenyu ngarundibatanidze nemi zvakare:
Paunzwa utera norutadzo,
simba renyu ngatirape nokusimbisa;
paunzwa rufu norutadzo,
Mweya wenyu ngaape upenyu utsva.
Ndipei mwoyo mutsva wokuti ndikudei,
kuitira kuti upenyu hwangu hutaridze mufananidzo woMwanakomana wenyu.
Pasi ngapaone mbiri yaKristu inoratidzwa neSangano renyu,
pagoziva kuti ndiye wamakatuma: Jesu Kristu Mwanakomana wenyu, Tenzi wedu. Amen.
Ndinobvuma
Ndinobvuma panemi Mwari Baba vanaMasimbaose napanemiwo hama dzangu kuti ndakatadza kwazvo mukufunga mukureva mukuita nomukuzengurira … naizvozvo ndinokumbirawo kunemi Maria Mhandara, naVaTsvene naVaTumwa vose nemiwo hama dzangu kuti mundireverere kuna Tenzi Mwari wedu.
Chiito chokupfidza
Mwari wangu, ndinokumbira kuregererwa zvose zvandakakutadzirai. Ndinopfidza matadzo angu ose, ndinoasema kupinda zvose, nokuti anokodzera chirango chenyu chinobvundisa, nokuti akasakisa kuti muponesi wangu Jesu Kristu, anondida, arovererwe paMuchinjikwa. Asi zvikuru, nokuti ndakakutadzirai imi, makanaka zvisina mugumo. Ndinotsunga zvakasimba ndichibatsirwa nenyasha dzenyu, kurega kukutadzirai pakare, nokunzvenga zvose zvinondifurira kukutadzirai. Amen.
Kupenengura Hana
Zvakakosha kugadzirira namazvo kana tichida kunyatsobatsirika pakusangana kwedu Baba voKudenga vane rudo. Wana nguva yaunova woga muchinyararire uchifunga nezvoupenyu hwako, noukama hwako naMwari navamwe. Kupenengura hana kunotiwanisa zvokutaura muNzvimbo yeReururo. Kana tikasazvipa nguva yokuzvipenengura Reururo yedu iri munjodzi yokusanyatsokwana.Pane nzira dzakawanda: imwe ndeye kushandisa ndima yeShoko Rakanaka, zvikuru imwe yendima dzezvishamiso zvokurapwa kana zviitiko zvoruregerero (somuenzaniso: Ruka 15: 11-32; Johani 4:4-42; Mt 18:21-35; Ruka 18:9-14). Zvione semunhu ari kurapwa kana kuregererwa naJesu. Anotaura newe! Unoti kudii?
Imwe nzira ndeyekuona kuti Jesu akapfupisa nokudzamisa Mitemo Gumi kuburikidza nemitemo miviri mikuru (Mariko 12:28:42): Ida Mwari nomuvakidzani wako.
Rutadzo runouraya rutadzo rukurusa runoitwa munhu achinyatsoziva uye achinyatsoda (Katekisimo 1857). Tinofanira kureurura matadzo ose anouraya. Hatisungirwe kureurura matadzo madiki.
Tinopara matadzo madiki patinotadza nenzira duku, kutevera zvinoraidzwa nomutemo weunhu, kana kuti patinoramba kuteerera mutemo weunhu nezira huru asi tisingazivi kana kuti tisingadi (Katekisimo 1862). Kureurura matadzo madiki chiito chekuzvipira. Hatifanire kuzvidyamoyo tichida kuareurura ose asi kuti tinogona kungonangana nenzvimbo dzoupenyu hwedu dzinoda nyasha dzaMwari.
Maitiro anotevera okupenengura hana anogona kutibatsira kuongorora upenyu hwedu maererano nedzidziso iri pachena yaKristu. Tinofanirawo kuongorora zvimwe zvakatitadzisa kurarama daidzo yaKristu zvizere.
Kutadzira Mwari
Ndakaramba chitendero changu, ndichiramba kutsvaga zvizere pamusoro pacho here?
Ndakakanganwa minamato yangu yamazuva ose kana kuiita zvisakafanira here?
Ndakaita zvemashavi kana kuvimba navafemberi venhema here?
Ndakazvidza Mwari kana kushandisa mutauro usina kufanira here?
Ndakatadza kuremekedza zvinhu zvitsvene, nzvimbo tsvene kana vanhu vatsvene here?
Ndakapotsa Misa musi weSvondo kana mazuva anoera nokuda kokutadza kwangu here?
Ndakazvivhiringika kana kuvhiringa vamwe pamuteuro weMisa here?
Ndakagamuchira Komunione Tsvene ndiine rutadzo runouraya here?
Ndakagamuchira Komunione Tsvene ndisinganyatsoremekedza, kuratidza hanya kana kutenda here?
Kuzvitadzira nokutadzira vamwe
Ndakaita chinya, hasha kana shanje here?
Ndakavira nokuda kwamaronda kana kuramba kuregerera here?
Ndakabatsira kana kukurudzira kubvisa pamuviri, kuzviuraya kana imwe nzira yokupfudza upenyu hwomunhu here?
Ndakaita mhirizhonga mukutaura nomukuita here?
Ndakaita rusaruraganda mupfungwa, mazwi nezviito here?
Ndakarwadzisa vamwe nokutaura zvakaipa pamusoro pavo here?
Ndakachera vamwe pasina chikonzero kana kuvafumura kuti ndivatsvatise here?
Ndakaita wara rokutonga vamwe here?
Ndakararadza kana kushandisa zvinodhaka zvisiri pamurau here?
Ndakatyaira zvine njodzi kana zvisina ruremekedzo here?
Ndakataura zvinonyadzisira here?
Ndakaona mifananidzo, mafirimu kana mabhuku anonyadzisira here?
Ndakaita hunhu hwakasviba pachangu kana nomumwe here?
Ndakavirima, kudada, kuzvifunga kana kuita umbimbindoga here?
Ndakanyepa kuti ndizvitsaure, kurwadzisa vamwe kana kuzviita sendakakosha kupinda vamwe here?
Ndakaba here?
Ndakatadza kubvisa mugove wangu ndichitsigira Sangano zvinoenderana nokuwana kwangu here?
Ndakatadza kuteerera, kuremekedza, kana kukudza vakuru vangu here?
Ndakaginya vashandi kana vashandirwi vangu here?
Ndakashandisa zvisiri izvo kana kukuvadza midziyo yavamwe here?
Ndakakonza mwoyo wangu kukara kukumba zvinhu here?
Ndakava chigumburo kana muenzaniso wakaipa here?
Ndakaita nungo pamusevenzo, padzidzo kana pabasa rangu rapamba here?
Ndakaitira vamwe shanje nokuda kwechimiro, mukurumbira kana basa ravo rakanaka here?
Ndakakurudzira vamwe kutadza nenzira ipi zvayo here?
Vawanani
Ndakatsondora kuchengetedza madziya orudo nechidakadaka nomudikani wangu here?
Ndakarera besano kuburikidza nepfundipfundi kana kutadza kukumbira ruregerero ndirini ndatadza here?
Ndakatadza kubata mudikani wangu zvakanaka mukutaura, mumweya napanyama here?
Ndakashandisa nzira dzisidzo dzokuronga mazvariro here?
Ndakatadza kuvimbika kumudikani wangi nenzira ipi zvayo here?
Vabereki
Ndakatadza kudzidzisa vana vangu kunamata here?
Ndakatadza kufundisa vana vangu chitendero here?
Ndakatadza kuunza vana vangu kuMisa musi weSvondo here?
Ndakakakavadzana nemudikani wangu pamberi pavana here?
Ndakatadza kunyatsocherechedza zvinoverengwa, kuonekwa pachivhitivhiti kana padandemutande navana vangu here?
Ndakaitira mukundo kana kunyandukira vana vangu here?
Ndakatadza kuriritira mhuri yangu here?
Vechidiki
Ndakatadza kuteerera vabereki vangu here?
Ndakatadza kubatsira pamba here?
Ndakatadza kuvavarira kunzwisisa vabereki vangu nokutaurirana navo here?
Ndakavhiringa rugare rwapamba pedu nokuzvifunga kwangu here?
Ndakatadza kuzvidzora here pandaive nehasha?
Ndakapfundumwarira kana kusvotesa kunze kwokukumbira rubatsiro here?
Ndakatadza kushanda nomazvo kuchikoro here?
Ndakatadza kuremekedza varairidzi navamwe vechikuru here?
Ndakatadza kutamba zvakanaka navamwe pamitambo nemikundano here?
Ndakarwisana navamwe here?
_______________
Kuenda kuReururo
Gamuchiro
Mupriste anogamuchira mureururi norupfave. Mureururi nomupriste vanotanga nokuita mucherechedzo womuchinjikwa vachiti + Muzita raBaba neroMwanakomana, neraMweya Mutsvene. Amen. Mupriste anokukoka kuti uvimbe muna Mwari. Unogona kugoverana nomupriste zviri maererano noupenyu hwako kana chipi zvacho chinomubatsira mubasa rake semureururisi.
Shoko RaMwari
Mupriste anogona kukuti urangarire pamusoro pendima yemuShoko raMwari Rinoera inotaura nezvetsitsi dzaMwari nedaidzo yekutendeuka.
Maitiro eSakaramende roruwadzano
Pane maitiro akawanda akasiyana siyana. Pano ticharatidza maitiro mamwechete.
Maitiro okutanga
Unozotaura namazwi ako pachako kana kuti unoti:
Baba ndipeiwo chikomborero ndakatadza. Kwapfuura (mwedzi … masvondo … edza kutaura nguva yadarika usina kuita Reururo) ndisina kuita Reururo. Matadzo angu ndiwo aya.
Taura matadzo ako namazwi ako pachako, usingatenderere. Zivisa mupriste kana wapedza. Unogona kupedzisa namazwi anotevera kana uchida:
Ndine urombo nokuda kwamatadzo aya namamwe andinodaro ndakanganwa.
Nyatsoteerera zano romupriste nokumukumbirira kuna Mweya Mutsvene kuti ataure zvinonyatsokubatsira kuti ukure muupenyu hweChikristu. Unokwanisa kumubvunza mibvunzo kana uchida. Mupriste anogona kukupa chirango chinofanira kukubatsira kupfudza upenyu hwakare, kutanga upenyu utsva nokushonongora utera hwako. Chirango ichi chinogona kuva munamato, kuzviramba kana kushandira muvakidzani kana kuita mabasa etsitsi.
Mupritse anozokukoka kuti uite munamato wokupfidza (Chiito chokupfidza) sokuti:
Mwari wangu, nokuti makanakisa ndineurombo nokukutadzirai, uye norubatsiro rwenyasha dzenyu handidi kukutadzirai pakare.
Mira mupriste aite munamato ‘Wokuregerera’ (apo Kristu anoregerea matadzo ako ose). Ita mucherechedzo woMuchinjikwa mupriste paanoti:
Ndinokuregerera matadzo ako Muzita raBaba + neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
Mupriste anogona kutaura mashoko mashona ekurudziro paunenge woenda.
Mushure mereururo
Tora chinguva murunyararo (muKereke) uchirangarira nezve nyasha dzesakaramende roRuwadzano nokutenda Mwari nokuda kwetsitsi dzake noruregerero rwake. Houno munamato wokutenda:
Baba, norudo rwenyu mandibvisa muuipi mukandiisa murudo, mukusuwa muchindiisa mumufaro. Kuburikidza nomumakomborero enyu ndipeiwo ushingi hwokutsungirira. Amen.