© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Mumwe mutambi, mufirimu rinonzi Wall Street, anoti: ‘Makaro akanaka. Makaro akarurama. Makaro anoshanda … makaro api zvawo – angava oupenyu, emari, orudo, oruzivo ndohwaro hwokubudirira kwavanhu.’Mutambi uyu anogona kuva aitaura chokwadi kuti makaro atekeshera murungano rwavanhu, asi ndinofunga kuti vamwe vedu, nyange tisingataure pachitendero tinoona makaro asiri chinhu chakanaka.
Makaro anoita sengura saka achionekwa serimwe ramatadzo manomwe akaipisisa. Thomas Mutsvene, muzvinafundo wechitendero, anoti ‘makaro rutadzo nemuvakidzani nokuti hazviiti kuti munhu adise zvoupfumi hwapasi asingatsiki vamwe; rutadzo naMwari nokuti samamwe matadzo ose anouraya munhu anodisa zvoupfumi hwapasi anopfiga nzvimbo yaMwari.’
Harusi rutadzo kuva noupfumi, kushanda nesimba mubasa rako uchibudirira. Dambudziko riri pamashandisirwo anoitwa upfumi namaonero aunoita upfumi. Pakusikwa kwapasi, Mwari akapa nyika noupfumi hwayo kuvanhu kuti vaishandise nokuiriritira. Asi hatigone kuti ndingoramba tichiunganidza purofiti asi tichiita zvinhu zvinokanganisa nyika – ivhu, miti nezvimwe. Hatigone kuti tingokumba nokuita purofiti asi tisingabhadhari vashandi zvakakodzera nokushandisa vanhu tichivabata chibharo namashandisiro atinovaita. Matadzo akadai anokonzerwa namakaro. Ndosaka makaro ruri rutadzo runouraya.