Hurongwa hokuti Haga aberekere sara mwana
Madzimai maviri atirikuda kutaura nezvawo munaMavambo, Sara naHaga, vakasiyana zvinoshamisa. Mudzimai wokutanga itsvarakadenga inonzi Sara yakanga yakwegura iyo yakaenda nomurume wayo kunyika yeKenani kwaakanga adaidzwa naMwari kuti aende. Mudzimai wechipiri murandasikana wechidiki anonzi Haga, mutorwa, aishandira makadzikadzi weimba. Sara zaakashaya mbereko, iye pachake akakumbira murume wake Abhurahamu aite mwana nemuranda wake Haga chizvarwa chokuIjipita (Mavambo 16:2). Tsika iyi yokuti mudzimai asina mbereko anotsvaga muranda anomuberekera mwana yaigamuchirwa munguva iyoyo munzvimbo dziri Pakati pokuMabvazuva. Sara akatora danho iri rokutsvaga anomuberekera kuitira kuti Abhurahama awane mugari wenhaka. Iri rakanga risiri dambudziko nokuti mwana aizozvarwa nomuranda aiva waSara sezvo gomba rainzi harina mwana.
Nhamo yaHaga
Mundima iyi hamuna umboo hwokuti Sara naAbhurahama vanotsvaga mvumo kuna Haga kuti aite zvavakanga varonga. Mutsika yenguva iyoyo muranda akaita saHaga akanga asina simba pamusoro penyaya dzeponde kunyange maererano nezvinechekuita nomuviri wake. Simba pamusoro pomuviri wake raiva namakadzikadzi. Nyange zvakadaro, Haga paakangobva mukupona akapengenuka kuti haangori mudziyo waSara. Anosvinura oona kuti pane zviri paari zvisina sara, chipo chembereko. Ruzivo rwake urwu runomuita kuti amire kuremekedza Sara (16:2). Sara paanoziva kuti ave kurasikirwa nesimba mumba make, anoratidza Abhurahama zviri kuitika achimunyengetedza kudzorera simba rake panaHaga. Shoko parinosvika kuna Abhurahama anogeza maoko ake omira kutsigira Haga. Chikumbiro chake chanzwikwa, Sara anotanga kushungurudza Haga zvakanyanyisa zvokuti anotiza pamba achienda kugwenga (16:6).
Haga anopihwa vimbiso
Mutumwa waMwari anowana Haga ari pakachitsuwa kane zvinomera kaiva mugwenga otaura naye achidana zita rake zvisati zvamboitika achimuudza zvakapfuura nezvamangwana: ‘Wabvepi uye uri kuendepi?’ (16:8). Haga anokwanisa kupindura mubvunzo maererano nezvakapfuura zvoupenyu hwake asi mutumwa anomuratidza nezveramangwana rake. Chekutanga anonzi anofanira kudzokera kuudzvanyiriri hwamadzimadzi wake sezvo zvaive zvakafanira kuti aite nguva yomuedzo kuitira kuti mwanakomana wake agopihwa Zita naAbhurahama nokuitwa waAbhurahama zviri pamurau. Haga aifanira kupa mwana uyu zita rokuti Ishimaeri zvinoreva kuti ‘Mwari anonzwa’ nokuti Mwari akanga anzwa kuchema kwake kokukumbira rubatsiro. Mwana wake akanzi achararama upenyu hwomusango asi hwakasununguka uye iye Haga achava nezvizvarwa zvakawandisa zvokuti hazviverengeki (16:10). Haga anonzi achava amai vorudzi rukuru, rwechiArabhu, ruchabva panaIshimaeri.
Kusimudzirwa komudzimai Haga
Haga audzwa zvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari anopa Mwari zita rokuti ‘El-roi’ zvinoreva ‘Mwari wandaona’ uye ‘Mwari anondiona’ (16:13). Ndiye munhu oga mubhaibheri rose anoita saizvozvo. Kuona kunoita Haga Mwari nokuona kuona kunoitwa Haga naMwari munongedzo wemhinduro inoshamisa yedambudziko rokudzvanyirirwa. Nyange zvake akanga asina simba somudzimai, ari muranda, uye ari mutorwa Mwari anonzwa kuchema kwake; anomuona omudaidza nezita omuita amai venhaka inofadza.
Fungisisa pamusoro pemibvunzo inotevera:
- Sara naHaga madzimai maviri ainetsana. Ndekupi kunetsana kunoitika pakati pamadzimai nhasi uno?
- Mwari anoti kuna Haga dzokera unozviisa paudzvanyiriri hwaSara senguva yokuedzwa kunyange achimuvimbisa makomborero. Unofungei nezvenguva yokutambudzika nokuedza yaanopihwa?
- Nyaya iyi inokudzidzisei pamusoro porusununguko nekodzero dzamadzimai?