Mhinzo
Nhasi tiri kupemberera kuombekwa kwaJesu. Rungano rwacho rwakafamba sezvizvi. Jesu akamira mumutsara kuti abhabhatidzwe naJowani. Chijana chake chasvika denga rakazaruka, Mweya Mutsvene ndokuburuka paari senjiva izwi ndokunzwikwa richibva kumusoro richiti: ‘Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, ndiwe unondifadza.’ Pakuombekwa kwaJesu Mwari akadura pachena, vanhu vose vachinzwa; kuti Jesu Mwana wake, anofadzwa naye, uye anomuda.
Mashoko aya mashoko akataurwa kwauri pawakaombekwa. Mashoko akataurwa kwandiri pandakaombekwa. Mwari akakuita Mwana wake, akafadzwa newe, uye anokuda. Tinofanira kupabatisisa ipapo. Kubva nhasi rwiyo rwako runofanira kuti: Ndiri Mwana waMwari! Mwari anondida sezvandiri! Ndakakosha pamberi paMwari!
Kusvorwa navamwe
Hama dzadiwa kune vamwe vasiri kurarama sevanhu vakaombekwa. Kune vamwe vasiri kurarama sevana vaMwari, vasingaone kukosha kwavo. Vanhu vanoteerera zvakaipa zvinotaurwa pamusoro pavo navamwe. Mupfungwa dzavo havana zororo nokuti vanonzwa vamwe vachiti ‘haubatsire chinhu’ vobva vazviti ‘handibatsire chinhu.’ Vanonzwa mazwi anoti ‘unonyadzisa’ ivo vorarama izvozvo. Vamwe vacho vanotozvisvora ivo pachavo: ‘Zvechikoro hazvisi zvangu. Ndiri dofo,’ ‘Ndinemapundu-mapundu. Ndakashata,’ ‘Zvoupenyu ndakazvikoniwa’.
Kusvora vamwe
Tine vamwe zvakare pakati pedu vane miromo isingamharwe nenhunzi. Ana maziva zvose vanoona kunatsa nekutadza kwaMwari. Varipo vatongi pakati pedu; vanopedzera nguva yavo kutonga vamwe. Hanzi ‘nhingi akazoti-akazoti.’ ‘Nhingi idofo.’ ‘Nhingi chidhakwa.’ ‘Nhingi ipfambi.’ Kana uri munhu akadaro ziva kuti izwi rako haribve kuna Mwari rinobva kuna Dhiyabhori nokuti izwi raMwari harisi rokushora ndererudo.
Mwari anotida sezvatiri
Kunewe urimuno nhasi ziva kuti Mwari anokuda sezvauri. Unogona kuva wakatadza kudzosera zvikwereti zvavamwe vachirwadziwa pamusoro pako, asi Mwari anokuda zvakadaro. Unogona kuva uri munhu wemakuhwa, murevi wenhema, nyakusvibisa mazita avamwe asi Mwari anokuda zvakadaro. Hazvina mhosva kuti une godo kana shanje. Haukurudzirwe kuita zvakaipa, asi Mwari anokuda.
Mwari akasiyana navanhu venyama. Vanhu venyama havakanganwire. Vanhu venyama havagamuchire nyore kutadzirwa kwavo; ukangomutadzira munotochekana hukama. Asi ziso raMwari iziso remwoyochena, iziso rinoona kukosha kwako kwete mavanga ako orutadzo.
Unofanira kufadza Mwari
Zvino, hama dzadiwa, sevanhu vanodiwa tinofanira kufadza Mwari. Inga mubereki anoda mwana wake anofara wani kana mwana achimuteerera. Mwana mwana chero akatadza sei anoramba ari mwana. Ukama haugezwe nesipo setsvina. Asi mubereki anofara kana mwana achiteerera. Izvi ndozvina Mwari. Tiri vana vaMwari, Mwari anotida sezvatiri, takakosha pamberi paMwari. Asi Mwari anofadzwa nesu kana tichimuteerera tichiita kuda kwake.
Kuteerera Mwari kunouya kana tichichengeta mhiko dzedu dzeruombeko. Kuteerera Mwari kunouya kana tikava chiedza munyika. Inga musi watakaombekwa takanzi nomupriste: ‘gamuchira mwenje waKristo. Ngaurambe uchipfuta.’ Zvino zvauri mwenje unofanira kuita zvinoita mwenje. Mwenje hauvanzike unoonekwa nemunhu wose. Mwenje unotungamirira vanhu kuti vaone nzira. Kune vakawanda vari kutsvaga gwara rekufamba naro rakanaka. Mwenje unopa yambiro. Unofanira kuita kuti vanhu vazive zvakanaka nezvakaipa.