Archives
All posts for the month October, 2018
Madhuriro akuita shuga ukaona muenzi asvika mvura iri pamoto wotogeza mwana.
Wakambopindwa neWatsapu here zvekuti mai vako vachikubvunza kuti ‘Shuga waiisa pai?’ unoti unoti ‘Huyai ku inbox.’
Batimeyo paakanzwa kuti Jesu aimudaidza akasimuka ndokukandira jasi rake parutivi akatanga kuenda kunaJesu. Jasi iri raiva rakamukoshera. Raimua madziya. Raifukidza uipi hwake. Raimupa chimiro nechiremera. Asi zvakadaro akarikandira kure akasvika panaJesu ari zvaari – nerima rake, neurombo hwake nehuipi hwake. Jesu akamugamuchira akamuita kuti aone zvekare.
Isuwo tiri mapofu nenzira dzakawanda. Tiri varombo nenzira zhinji. Jesu ari kuti dana kuti tiuye kwaari. Anoda kutiponesa. Asi dzimwe nguva pane zinotiremera kusiya kuti tisvike paari tiri zvatiri. Kudada kwedu kunoita kuti tinyepedzere kunge zvinhu zvakaringana izvo zvisina. Tinoda kuita sevanhu vakarurama isu tisina. Tinofunga kuti tikabvuma uipi hwedu nokutadza kwedu Jesu haatigamuchire. Tinosarudza kupfeka sezvigure kuti tisaonekwe zvatiri. Si tinofanira kuita chivhindi chokusvika panaJesu sezvatiri. Hapana chaanotipa kunze kwemwoyochena nerudo nekurapwa. Ngatisamire parutivi rwenzira. Ngatisanyare kutsvaga rubatsiro.
Batimeyo anotidzidzisa kuti kana muchato usina kumira zvakanaka usatya kutsvaga rubatsiro. Kana wasvibiswa norutadzo usanyara kureurura kuna baba vezvomweya. Mwana asingachemi anofira mumbereko.
Mupemhi aive bofu watanzwa nezvake muDama Rakanaka aivavarira kusvika panaJesu. Aida rubatsiro rwevaiva vakamupotereda kuti asvike panaJesu abatsirwe. Asi kunze kwekuti awane rutsigiro kubva pane vaiva vakamukomberedza anoshungurudzwa nekurambwa. Tanzwa kuti mupemhi uyu paakadaidzira ahiti ‘Mwanakoman waDhavhiti ndinzwireiwo tsitsi’ vazhinji vakamutukirira vachimuti anyarare. Kunze kwekuti vabate mupemhi uyu ruoko vamuendese kuna Jesu vakamudzvinya pahuro vakamuzvuvira kure naJesu!
Jesu pachake ndiye akabatsira murume uyu. Paakamunzwa achishevedzera akati muunzei kuno. Vanhu ndopavakazoshanduka voedza kumubatsira.
Vangani vanhu vakadai vari pakati pedu? Vangani vari kuedza kusvika panaJesu semurume uyu? Vangani vanhu varikubatwa huyanga semabatirwo akaitwa murume uyu? Vangani vatiri kuodza moyo musangano redu?
Shoko raMwari rinoda kuti tione vanhu vakaita semupemhi uyu pakati pedu. Rinoda kuti tizvipenengure kuti tiri kuedza kubatsira here. Hanzi tinofanira kuvavarira kukonza mufaro mune vanhu vane matambudziko pakati pedu.TInoudzva kuti tinosasika rudo sei nemunamato watinogaro ita unoti:
Tenzi ndinochemera kuitwa mudziyo worugare,
pane ruvengo ndikushe rudo.
Pane kunyunyuta chitendero
Pane kurasa mwoyo chitarisiro
Pane rima chiedza
Pane kuchema mufaro
Haiwa Tenzi Mutsvene
Itai kuti ndide kunyaradza pane kunyaradzwa
Kunzwisisa vamwe pane kunzwisiswa
Kuda vamwe pane kudiwa
Ndikapa ndinopiwawo
Ndikaregerera ndinoregererwa
Uye murufu ndimo munobuda upenyu husingaperi
Kupa unaku hwemwoyo kwete hwemaoko.
Magamba anotsvaga zvakakosha kubva pamikana yavainayo, panekumirira kupihwa mikana yakakosha.
Upenyu huzere nenyatwa, zhinji dzacho hadzifi dzakaitika. Vimba naMwari – Mwari vachakusunungura
Ziva kuti unokosha uye wakasiyana. Kuzvigamuchira kunobva muruzivo urwu.