© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Zvinoita sengunge vashandi vakapedza zuva rose vachibinduka mumunda wemuvhaini vakanga vaine nyaya. Hazvairatidza zvakanaka kuti vawane mubairo wakaenzana nevanhu vapedzisira kuuya pabasa. Ivo ndivo vakanga vatsva nezuva kwemuswere vamwe vakauya kwave kutonhorera. Asi tikaongorora tinoona kuti muridzi weminda yemivhaini ane nyayawo zvekare. Akanga aita chibvumirano neboka roga-roga rakauya kuzomushandira. Haana kutyora zvibvumirano izvi nemapoka ekutanga nekuda kwenyasha dzaakaitira boka rakapedzisira kuuya.
Maitiro aMwari akasiyana nemaitiro evanhu. Tingati here Kristo akatadza paakati kumbavha yakange yava kufa iri parutivi rwake pachipiyaniso ‘Nhasi chaiye ndichange ndiinewe muparadhiso’? Mbavha iyi haina kutevera Kristo kweupenyu hwayo hwose. Haana kusiya mhuri neshamwari zvakaita vamwe. Chaaita kubira vanhu. Vadzidzi aJesu pavaivavarira kuita vanhu vakanaka, iye aitsvaga wekubira. Zvine ruenzaniso here kuti munhu akadai aregererrwa nekuti apupura chitendero ave kufa? Hongu zvine ruenzaniso. Nyasha dzamwari kune mbavha iyi hadzireve kuti nyasha dzevarurami dzadzimwa. Anogona kuva akanonoka kuuya kunaMwari, asi its never too late kuna Mwari. Kuna Mwari hakuna ndanonoka.
Dama Rakanaka iri rinotaura nezvedu nenzira mbiri. Chikutanga, rinotiudza kuti tiremekedze daidzo yedu yekutanga yatakapiwa namambo. Vamwe vedu takatambira daidzo iyi pakuzvarwa. Ichi chaiva chipo chikuru kubva kuvabereki vaida kuti tigoverane muhupenyu hwechiKristo. Vamwe vakadaidzwa panguva dzakasiyana siyana dzeupenyu. Vamwe daidzo yavo yakakonzerwa nedambudziko rakaita kuti vazive Mwari. Daidzo chipo. Mwari anotipa chipo ichi panguva dzakasiyana-siyana, uye nenzira nzakasiyana-siyana.