MINAMATO KUNA MWEYA MUTSVENE
Veni Creator Spiritus
Uya Mweya Mutsvene, uyai Musiki
kubva kuchigaro chenyu chedenga chinobwinya.
Uyai muve muridzi womweya yedu,
muiite yenyu yose.
Imi munoinzi Munyaradzi
chipo chikuru chaMwari ari kumusoro,
tsime mhenyu, moto mupenyu
chizorwa chakanaka norudo rwechokwadi.
Imi mune nyasha dzakapetwa kanomwe,
munwe woruoko rwaMwari rworudyi;
Vimbiso yake inodzidzisa vaduku
kutaura nokunzwisisa.
Tungamirai pfungwa dzedu nechiedza chenyu chakaropafadzwa,
zadzai mwoyo yedu norudo;
uye nesimba renyu risingafi rakaora,
batsirai mitumbi yedu inofa.
Dzingirai kure nesu vavengi vedu vanotyisa;
unzai matiri rugare rwechokwadi;
uye titungamirei muchitidekadza munjodzi dzose
tiri pasi pemapapiro enyu anoera.
Nomamuri ngatizive Baba,
Nomamuri ngatizive Mwana,
ngatizivewo imi Mweya wavo vose,
Utatu Hutsvene Humwechete.
Mbiri yose kuna Baba,
noMwanakomana akaenzana navo;
nekwamuriwo imi Mubatsiri mukuru
nemisi isingaperi.
Veni Sancte Spiritus
Uyai Mweya Mutsven, uyai!
Kubva kumuzinda wenyu wedenga
muritsai miseve yomwenje wenyu!
Uyai baba vavarombo!
Uyai,mabviro ezvichengetwa zvedu!
Uyai mupenye mumwoyo yedu.
Imi munyaradzi mukuru;
Imi mueni mukuru womweya.
Museredzero unonakidza pano pasi.
Zororo rinofadza mukushanda kwedu;
Matendo anotonhodza mukutsva;
Nyaradzo padambudziko.
Chiedza chikuru choUmwari
Vhenekerai mwoyo yavenyu
muzadze mukati-kati medu!
Musipo hapana chatinacho.
Hatina chakanaka muzviito nomukufunga,
Hatina chisina mhororodzi yourwere.
Rapai maronda edu, vandudzai simba redu;
Pakuomarara kwedu dirai dova renyu;
sukai mhororodzi dzemhosva.
Tyorai moyo yedu nepfungwa dzedu dzakaomarara;
Nyungudutsai zvakatonhora, dziisai zvinekachando;
tungamirirai tsoka dzinorasika.
Pavatendi vanoremekedza nokutenda mamuri,
chipo chenyu chakapetwa kanomwe burutsirai.
Vapei mubairo wounaku;
Vapei ruponeso rwenyu, Tenzi;
Vapei mifaro isingaperi. Amen.
Munamato kuna Mweya Mutsvene
Mutungamiri: Uyai Mweya Mutsvene, zadzai mwoyo yavenyu muvese moto wechido mavari.
Vhesi: Tumai Mweya wenyu, zvinobva zvasikwa.
Daviro: Muchitobazve mavandudza pasi.
Ngatinamatei:
Mwari makadzidzisa mwoyo yavenyu nechiedza chaMweya Mutsvene; itai kuti nechipo chaMweya iyeyu , tiwanerunzwisiso rwechokwadi munazvose uye tigare mumufaro wekutinyaradza kwaanotiita, nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
NOVHENA KUNA MWEYA MUTSVENE
(Mukati memazuva mapfumbamwe kubvira pakukwira kwaTenzi vedu kudenga kusvikira pakuuya kwaMweya Mutsvene chipo chaakavimbisa, vadzidzi vaJesu vainge vakaungana vachinamata pamwe naMaria amai vaJesu)
Uyai Mweya Mutsvene, pindai muzadze mwoyo yavatendi venyu; muvese moto wechido chenyu mavari. Tumai Mweya wenyu zvose zvinobva zvasikwa; Imi munobva mavandudza pasi.
Vakudzwe Baba …
Panotevera munamato wezuva kozouya zvinotevera:
Rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo yedu naMweya Mutvene anogara matiri.
Mwari makadzidzisa nechiedza chaMweya Mutsvene, mwoyo yavanotenda mamuri. Itai kuti nechipo chaMweya iyeyu tigare muchokwadi choungwaru nomufaro wokunyaradza kwaanotiita, nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Tenzi, itaiwo kuti simba raMweya Mutsvene matiri, richenese mwoyo yedu nokutidzivirira kunjodzi dzose; nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Munamato: Zuva rokutanga
Uyai Mweya Mutsvene,
Imi munyaradzi akanakisa wemwoyo inosurikirwa, diziro munjodzi, mudziviriri mumatambudziko.
Uyai Mweya Mutsvene,
Imi munochenesa mweya nokubvisa tsvina uye munoporesa pose pane ronda.
Uyai Mweya Mutsvene, simba revakaneta, rubatsiro rwevarikuputsika.
Uyai Mweya Mutsvene, mudzidzisi wemwoyo inozvininipisa; munodukupisa vanozvitutumadza mumwoyo.
Uyai Mweya Mutsvene,
Baba venherera, tarisiro yavarombo, mudzidzisi wavanoshaya.
Uyai Mweya Mutsvene,
Nyenyedzi inotungamirira vapenyu vose, ruponeso rwavakarofa.
Uyai Mweya Mutsvene,
Ndinzwireiwo tsitsi.
Munamato: Zuva rechipiri
Ndifemereiwo Imi Mweya Mutsvene, kuti ndifunge zvitsvene.
Shandai mandiri Imi Mweya Mutsvene, kuti mabasa angu ave matsvene.
Kwezverai mwoyo wangu Imi Mweya Mutsvena, kuti ndide chete zvinhu zvitsvene.
Ndisimbaradzeiwo Imi Mweya Mutsvene, kuti ndirwire zvitsvene zvose.
Ndichengetedzei Imi Mweya Mutsvene, kuti ndigare ndiri mutsvene.
Munamato: Zuva rechitatu
Mweya Mutsvene kwazvo murevereri, onai ndinozvivanzaridza pamberi penyu. Ndinokupfugamirai norudo rwakadzama. Ndinokutendai zvikuru nokukurumbidzai pamwe nechita chikuru chavavatumwa vaserafi vanomira pamberi pechigaro chenyu.
Iniwo ndino danidzira ndichiti, “Munoera, Munoera, Munoera”. Ndinotsidza kutenda kuti Imi muri Mwari muhumwe naBaba naMwanakomana. Ndinotarisira kuti murunako rwenyu, muchandinatsa uye muchaponesa mweya wangu.
Ndinokudai Imi Mwari Rudo nomwoyo wangu wose uye kupinda zvose zviri panyika, nokuti imi moga ndimi runako rusina mugumo, munokodzera kudiwa kwazvo.
Muupofu uye kusatenda kwangu, ndinogaro kukanganisirai nezvitadzo zvangu. Ndinokumbira kuti mundiregererewo. Ndinokupai mwoyo wangu uyu wakasviba usina rudo, ndichikumbira kuti muuvhenekere nechiedza chenyu uye muudziise nemoto worudo rwenyu.
Munamato: Zuva rechina
Mweya Mutsvene mupi worudo, imi makaburukira pana vapositori muri mumhepo ine simba nemumoto, makazadza imba yavaive mukavapa chipo chendimi kuti vaparidze kushamisa kwaMwari, chiburukiraiwo muneni.
Ndizadzei nemweya wenyu mundiite tembere yenyu yamunogara. Vhurai muromo wangu kuti ukurumbidzei, ukumbire kutungamirirwa nemi uye usarudze rudo rwenyu. Chiedza chitsvene, mwenje mutsvene, simba risingagumi, jekeserai pfungwa dzangu kuti dzikuzivei; zadzai mwoyo wangu kuti ukudei; simbisai chido changu kuti ndikutsvagei nekukuwanai.
Ivai kwandiri femo mhenyu raMwari rinondipa upenyu, rinondipa mweya wandinofema, denga rangu rinotandarira mweya wangu.
Munamato: Zuva rechishanu
Mweya Mutsvene, Mweya waMwari wechiedza norudo, ndinoteketera kwamuri, runzwisiso rwangu, mwoyo wangu, kuda kwangu nazvose zviri mandiri zvino nokusingaperi.
Daiwaro ndaisa runzwisiso rwangu pasi pezvose zvandinonyeverwa nedenga uye zvandinodzidziswa neSangano dzvene iro rinemi somutungamiri kuchokwadi. Itaiwo kuti mwoyo wangu ugare uine moto wechido kuna Mwari wangu nokunevamwe. Kuda kwangu, kugarowirirana nokuda kwaMwari.
Daiwo upenyu hwangu hwose, hukatodza nokutendeka, upenyu netsika dzakanaka dzaTenzi nomuponesi wedu Jesu Kristu uyo anogara achikudzwa nokurumbidzwa pamwe naBaba, kwemisi isingaperi. Amen.
Munamato: Zuva rechitanhatu
Mweya Mutsvene, munogara pamwe naBaba naMwanakomana, itai kuti denga napasi rose zviteketerwe kwamuri uye kuti mumwoyo yose yamugere imi rudo, itongwe norugare nohumwe.
Mweya Mutsvene musiki, tarisai norupfave sangano, nesimba renyu rokudenga mugoripa simba nekurichengetedza parinorwiswa nemhandu. Vandudzai muchido nenyasha mweya yavaranda venyu vamakazodza kuti vape mbiri kwamuri pamwe naBaba noMwanakomana wavo mumwechete oga.
Mweya Mutsvene, Mweya wechokwadi, uyai mupinde mumwoyo yedu muvhenekere marudzi ose nechiedza chenyu kuti tose tive nechitendero chimwechete chinokufadzai.
Munamato: Zuva rechinomwe
Mweya Mutsvene, rudo rusina mugumo rwaBaba naMwanakomana, nomuna Maria nepaatari yomwoyo waJesu, ndinokupai Tenzi, mabasa angu amazuva ose. Mashongedzei nomweya worudo rwepaMuchinjikwa.
Ndinokupai upenyu hwangu, kufa, musoro nemaoko angu, nhano yose yandinofamba, femo rangu rose, rudo rwose rwemweya wangu, kurova kwehana yangu, ndichitsidza nokutenda kuti ndichagaroteerera izwi renyu munazvose nokuita kuda kwenyu.
Munamato: Zuva rechisere
Ndinopfugama pamberi penyu Imi Mweya unogara narinhi, chita chose chedenga chichiona, ndichikupai muviri nomweya wangu. Ndinopfugamira mbiri yenyu huru. Ndinofara mukupenya kweukuru hwenyu uye chishamiso chesimba rorudo rwenyu.
Ndimi chiedza nesimba romweya wangu. Mamuri ndinogara nokurarama. Ndinoramba kuzokurwadzisai nokusatendeka kunyasha dzenyu. Ndinokumbira kuti mundichengetedze ndisakutadzirei. Itai kuti nditendeke kwamuri muna zvose nguva dzose. Muitezve kuti ndinzwe izwi renyu nokuteerera zvamunoda kuti ndiite.
Ndinokumbira kuti mundigonese kugara ndakatarisira kuchiedza chenyu nokubvuma kutungamirwa nenyasha dzenyu. Ndinozvidzemetedza pamuri ndichikumbira kuti mutsitsi dzenyu, mundichengetedzewo kuutera hwangu.
Munamato: Zuva rechipfumbamwe
Mweya Mutsvene, Mweya waJesu, makamuzodza pamusi wokuombekwa kwake naJohani, makazodza sangano rinova ndiro muviri wake nomoto pakuburukira kwenyu zuva rePendekosti, zvino burukiraiwo pasangano renyu uye napane avo vakateketerwa kwamuri, vose vakakugamuchirai pavakaombekwa, vose vakabatwa nemi pakusimbiswa, naavo vose vamakatsaura kutivavevapristi vanoshandira Mwari navanhu vose.
Tivandudzei nenyasha dzose dzatakanatswa nadzo, mutishambidze kuzvivi zvedu, tigova temberi dzenyu dzinokodzera kuti mugare. Itai kuti tikudei norudo rwunodirwa mumwoyo yedu nokuuya kwenyu kwatiri.
MUNAMATO KUNA MWEYA MUTSVENE
Mweya Mutsvene, ndimi wechitatu muUtatu Hutsvene hwaMwari! Ndimi Mweya wechokwadi noutsvene, munobva munaBaba noMwanakomana, makangoenzana navo munazvose! Ndinokupfugamirai ndinokudai nomwoyo wangu wose. Ndidzidzisei kuziva nokutsvaga Mwari akandisika uye wandakasikirwa. Zadzai mwoyo wangu nokutya Mwari uye rudo kwaari. Itai kuti ndirwadziwe kukutadzirai uye ndive nomwoyo murefu. Musandirega ndichiwira muchitadzo.
Wedzerai mandiri kutenda, chitarisiro norudo ndikure mutsika dzakanaka dzinofambirana nezvandiri pakukurarama. Ndibatsireizve kukura mumadzimai etsika dzakanaka (ururami, uchenjeri, usimbarari, kuzvibata), uye zvipo zvenyu zvinomwe nemichero yazvo.
Ndiitei muteveri waJesu akatendeka, mwana anoteerera sangano uye anobatsirana navamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuti ndigone kuchengetedza mirau yenyu uye kugamuchira masakaramende ndakakodzera.
Ndisvitsei kuutsvene mukurarama daidzo yamakandishevedzera, mugondisvitsawo kumugumo wakanaka wokuzofara muupenyu husingaperi, nomuna Jesu Kristu Tenzi wedu.
Mweya Mutsvene, mupi wazvose zvakanaka, kuti zvakakodzera rukudzo nembiri yenyu, uye zvichindibatsirawo ini, ndinokumbira kuti mundipewo …
(Taura chaunokumbira).
Vakudzwe Baba …
Uyai Mweya Mutsvene, bvisai kushushikana kuri matiri mutizadze nezororo renyu rinoera.
Bvisai dutu riri matiri mutizadze nerunyararo rwenyu rwunoera.
Bvisai kusagadzikana kuri matiri mutizadze nechivimbo chenyu.
Bvisai kutya kuri matiri mutizadze nechitendero chakasimba.
Bvisai kuvava kuri matiri mutizadze nekutapira kwenyasha dzenyu.
Bvisai rima riri matiri mutizadze nechiedza chenyu chakapfava.
Bvisai kutonhora kuri matiri mutizadze nemadziya erudo rwenyu.
Bvisai usiku huri matiri mutivhenekere nomwenje wenyu.
Bvisai chando muupenyu hwedu mutipewo madziya.
Titwasanudzei kuti nzira dzedu dzakatsveyama dzishaye basa’
Gomeresai kuzvida kwedu murodze kuzvininipisa kwedu. Vesai moto worudo matiri mudzime marimi oruchiva.
Itai kuti tizvione sekutiona kwamunotiita, kuti tigokuonai sekuvimbisa kwamakaita mumashoko enyu okuti: “Vakakomborerwa vakachena pamwoyo nokuti vachaona uso hwaMwari”.
Uyai Mweya Mutsvene, pindai muzadze mwoyo yavenyu.
Tumai Mweya wenyu zvose zvinobva zvasikwa,
Imi munobva mavandudza pasi.
Uyai Mweya Mutsvene, uyai …
Ngatinamatei
Mwari makadzidzisa nechiedza chaMweya Mutsvene, mwoyo yavanotenda mamuri. Itai kuti nechipo chaMweya iyeyu tigare muchokwadi choungwaru nomufaro wokunyaradza kwaanotiita, nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Kukumbira ungwaru kuna Mweya Mutsvene
Mweya Mutsvene, pakutanga, pasi pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu, imi muina Baba naMwanakomana, maidzengerera pamusoro pemvura. Makasika zvinhu zvose mukafemera upenyu kune chisikwa chose chipenyu. Zvino chidzikai muuye kubva kuchigaro chenyu chembiri chokudenga. Uyai.
Imi munoziva zvose, saka nditungamirirei ndive nouchenjeri munezvose zvandinoshanda uye mundidzivirire nembiri yenyu. Kuti nenzira iyi chete, zvose zvandinoita zvigamuchirwe nemi.
Kunamatira kuwana zvipo zvinomwe zvaMweya Mutsvene
Tenzi Jesu Kristu, musati makwira kudenga, makavimbisa kutumira Mweya Mutsvene kuti azopedzisa basa renyu mumweya yaVapositori navadzidzi venyu. Ndinokumbira kuti munditumirewo Mweya Mutsvene iyeye kuti aruramise mumweya wangu, basa renyasha norudo rwenyu.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woungwaru ndigone kusema zvinhu zvisina maturo zvapasi pano, nokuvavarira chete zvinhu zvisina mugumo.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woRunzwisiso, kuti uvhenekere pfungwa dzangu nechiedza chechokwadi chenyu.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya weZano Rakanaka, kuti ndisarudze zvakanaka nzira yokufadza Mwari nokupinda denga.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woRutsungo, kuti nditakurewo pamwe nemi Muchinjikwa wangu ndiine chivindi chokukunda zvinhingamipinyu zvoruponeso rwangu.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woRuzivo, kuti ndizive Mwari uye ndizvizive pachangu, kuti ndigone kukura mukunaka mumeso aMwari.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woRunamato, kuti ndinakidzwe nokufadzwa mukuitira Mwari.
Ndinokumbira kuti mundipewo Mweya woKutya Mwari, kuti ndizadzwe norudo rwokumuremekedza nokutya kumutadzira.
Tenzi wadiwa, ndiiseiwo rupawo rwechiratidzo chavadzidzi venyu vechokwadi, Mweya wenyu uonekwe mandiri mukuita kwangu muna zvose. Amen.