Muzita
Muzita raBaba, neraMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.
Baba Vedu
Baba vedu muri kudenga zita renyu ngarinamatwe, umambo hwenyu ngausvike, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva. Mutiregererewo zvatakakutadzirai, sokuregerera kwatinoita vakatitadzira. Musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa. Amen
Kwaziwai Mariya
Kwaziwai Maria muzere nyasha Tenzi anemi, makakomborerwa panavakadzi, akakomborerwa mwana wemimba yenyu Jesu. Maria Mutsvene amai vaMwari, mutireverere isu vatadzi zvino napanguva yokufa kwedu. Amen.
Vakudziwe Baba
Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene Sezvakanga zviri pakutanga, zvino nakare kose nemisi isingaperi. Amen.
Angere (Mutumwa) waTenzi
M: Mutumwa waTenzi akaparidza kuna Maria.
D: Maria akava amai vaJesu nesimba raMweya Mutsvene.
Kwaziwai Maria…..
M: Onai ndiri murandakadzi waTenzi.
D: Ngazviitwe kuneni sezvamareva.
Kwaziwai Maria……
M: Izwi akava munhu;
D: Akagara nesu
Kwaziwai Maria….
M: Tireverereiwo, Amai Vatsvene vaMwari,
D: Kuti tikodzereswe kuwana zvatakapikirwa naKristu.
M: Ngatinamatei
Tinokumbira Tenzi, kuti mudire nyasha dzenyu mumwoyo yedu, kuti isu takaziviswa nomutumwa, zvokuva munhu kwaKristu Mwanakomana wenyu, tigoneswe namarwadzo noMuchinjikwa wake kumuka nokuenda naye kuupenyu husingaperi. Tenzi wedu Jesu Kristu, tisvitsireiwo izvi kuna Mwari Baba. D: Amen.
Hosi yedenga chifarai
(Tinonamata mumwaka wePasika tichiti:)
M: Hosi yedenga, chifarai, areruya.
D: Nokuti uyo wamakakodzera kubereka, areruya,
M: Wakamuka sokureva kwaakamboita, areruya.
Vose: Mutireverere kuna Mwari, areruya.
M: Farai nokufara, Maria Mhandara Tsvene, areruya,
D: Nokuti Tenzi akamuka chokwadi, areruya.
M: Ngatinamatei
Vose: Mwari, imi makada kufadza pasi pose nokumuka kwoMwana wenyu, Jesu Kristu, Tenzi wedu. Tinokumbira nokuna amai vake Maria Mhandara Tsvene, kuti mutipewo mifaro isingaperi kudenga. Tenzi wedu Jesu Kristu, tisvitsireiwo izvi kuna Mwari Baba. D: Amen.
Rangariro
Rangarirai imi Maria Mhandara Tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi Mhandara Tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndichimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidairewo. Amen.
Ndinotendera Mwari
Ndinotendera Mwari Baba vana masimba ose, musiki wedenga napasi. Ndinotendera Jesu Kristu, Mwanakomana wake mumwechete Tenzi wedu. Akazvarwa naMaria Mhandara Tsvene nesimba raMweya Mutsvene. Akatongerwa kutambudzika naPonziyo Piratu, akarovererwa paMuchinjikwa, akafa, akavigwa, akaenda kuvafi. Akamuka nezuva retatu. Akwira kudenga kwaagere kurudyi rwaMwari Baba vana masimba ose. Achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Ndinotendera Mweya Mutsvene, Sangano dzvene Katorike, kubatana kwaVaTsvene, kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri, noupenyu husingaperi. Amen.
Ndinobvuma panemi
Mwari Baba munamasimbaose,
napanemiwo hama dzangu,
kuti ndakatadza kwazvo mukufunga,
mukureva, mukuita nomukuzengurira;
zvose izvi imhosva yangu huruhuru.
Naizvozvo ndinokumbira imi,
Maria Mhandara Tsvene,
nemi VaTumwa naVaTsvene vose,
nemiwo hama dzangu,
kuti mundireverere kuna Mwari Baba vedu. Amen.
Kupfidza
Jesu Tenzi wangu makandifira paMuchinjikwa. Ndichitarira Muchinjikwa ndinoda kurega kutadza chose. Jesu wangu ndiregereri. Ndinokumbira kuti mundinzwirewo tsitsi handidi kukutadzirai pakare. Amen.
Kutendera
Mwari wangu ndinotendera imi chaizvo nazvose zvandinoraidzwa kutendera neSangano Katorike Apostorike nokuti imi makatiudza izvi munoreva zviro kwazvo. Amen.
Kutarisira
Mwari wangu ndinotarisira kwazvo kuti muchandipa nhasi uno nyasha dzenyu dzatakawanirwa naJesu Kristu kuti tigozofara nemi kudenga tafa. Ndinotarisisra izvi nokuti imi makatiudza izvi munoita zvamakatitsidzira. Amen.
Kuda
Mwari wangu ndinokudai nemwoyo wangu wose, ndinokudai kupinda zvose nokuti makanaka munokodzera kudiwa kwazvo. Nokuda kwenyu ndinoda vamwe sokuda kwandinozviita. Amen.
Munamato wamangwanani
Jesu wangu, kuburikidza nokumwoyo usina mhaka waMaria, ndinokupai minamato, mabasa, mifaro nokutambudzika kwangu kwanhasi, mukuzadzisa zvinodiwa noMwoyo wenyu Mutsvene, pamwe neMipiro Inoera yeMisa iri kuitwa pasi rose kuripira matadzo, uyezve kuzadzisa zvinodiwa namasangano edu, zvikurusei zvinodiwa naPapa vedu. Amen.
Kuzviteketera kuna Maria
Hosi yangu naamai vangu, ndinozvipa kwamuri zvizere. Kuratidza kuzvipira kwangu, ndinoteketera kwamuri nhasi uno, maziso nenzeve dzangu, muromo nomwoyo wangu nazvose zvangu zviripo. Zvino amai sezvo ndiri wenyu, ndichengetei mundidzivirire pamwe nazvose zvandinazvo.
Munamato kune Mutumwa Muchengeti
Mutumwa waMwari, muchengeti womweya, hana nomuviri wangu, ndichengetei nokundidzivirira kunjodzi dzose nokurwiswa nasatani. Nditungamirei munzira yoururami, mugondireverera pamberi pechigaro chaMwari nguva dzose. Musandisiya ndiri ndoga kunyangwe kwechinguvana. Ndibatei maoko ndigone kusvika kudenga zvakanaka.
Mutumwa muchengeti wangu, itai kuti ndive nehanya, mundisimbaradze muutera hwangu, mundirambidze kuita zvakaipa, muzarure meso angu aone Mwari, muvhare nzeve dzangu kuti dzisanzwe miedzo yowakaipa. Nditarisirei pandinomuka uye pandinorara, itai kuti rimwe zuva ndizova nemi kudenga kwemisi isingaperi. Amen.
Kunamatira kuswera zuva zvakanaka
Amai Maria mudikani azere norudo, ndichengetedzei mudziviriro yenyu inoera. Dzivirirai hana, mwoyo namapangiro angu kuti zvisasvibiswe rutadzo. Natsai zvandinofunga, zvandinodisa, zvandinotaura nokuita kuti zvifadze imi naJesu naMwari wangu, kuti pamwe nemi, ndizosvika kudenga. Jesu naMaria ndipeiwo gomborero renyu dzvene. Amen.
Munamato pakupera kwezuva
Mwari wangu ndinokupfugamirai uye ndinokudai nomwoyo wangu wose. Ndinokutendai kuti makandisika mukandiponesa nenyasha dzenyu uye mandichengetedza muswere wezuva ranhasi. Ndinokumbira kuti mugamuchire zvakanaka zvandaita sezvenyu mugondiregererawo zvose zvakaipa zvandaita. Ndidzivirireiwo usiku hwanhasi, uye nyasha dzenyu ngadzive neni pamwe navadikani vangu. Amen.
Munamato wamanheru
Jesu Kristu Mwari wangu, ndinokupfugamirai ndichikutendai nenyasha dzose dzamandipa nhasi. Ndinokupai kurara kwangu nousiku hwose ndichikumbirisa kuti mundichengete ndisina rutadzo. Naizvozvo ndinozviisa parutivi penyu panoera ndakafukatidzwa nekwiriti yaMai venyu, naamai vanguzve.
Itai kuti VaTumwa venyu VaTsvene vandirinde nokundichengetedza murugare; chikomborero chenyu chive pandiri. Amen.
Munamato kuna Josefa Mutsvene
Josefa Mutsvene baba muchengeti weMhandara Tsvene, imi makasarudzwa naMwari kuti muchengete Jesu Kristu ari mwana Mutsvene, pamwe naMaria amai vake Mhandara Tsvene. Zvino ndinokumbira kuti mundisvitsirewo chichemo changu kuna Jesu, chokuti ndicheneswe chose, ndifunge zvakanaka zvoga, ndiite zvakanaka zvoga, ndigozoitira Mwari nomwoyo Mutsvene. Ndibatsirei nguva dzose kugaroitira Jesu naMaria muutsvene. Amen.
Munamato kune Murevereri wangu Mutsvene
Murevereri wangu muri kudenga, mune zita randakaremekedzwa kutumidzwa, ndikumbirirei kuna Mwari nguva dzose; ndigamuchirei mukutenda kwangu, mugondisimbaradza mutsika dzakanaka nokundidzivirira muhondo dzoupenyu. Kuti ndichinge ndazokurira mhandu yomweya wangu, ndikodzere kuwana mubairo wembiri isina mugumo. Amen.
Munamato pamberi poMuchinjikwa
Onai Jesu makanakisa, makapfavisa,
ndapfugama namabvi panyasi penyu.
Kana ndichitarisa nokurangarira maronda enyu mashanu,
ndinofungazve mazwi akamborehwa naDhavidhi muporofita
okuti, ‘Vakaboora maoko angu netsoka dzangu,
vakaverenga mapfupa angu ose’.
Dhindai mufananidzo wenyu mandiri.
Zadzisai zvinosuvirwa nemwoyo wangu.
Ndinokutetererai nomwoyo wangu wose
kuti mundipe chitendero,
nechitarisiro nechido chakadzika. I
tai kuti ndipfidze matadzo angu
nomwoyo wangu wose nokundisimbaradza
kuti ndigare upenyu hwakanaka
hwokuitira vamwe zvine rudo neremekedzo. Amen.
Kutodzana naKristu (Anima Kristi)
Mweya waKristu, ndinatseiwo,
Muviri waKristu, ndiponeseiwo,
Ropa raKristu, ndigutiseiwo,
Kurwadziwa kwaKristu ndisimbiseiwo,
Jesu makanaka ndidavireiwo,
Mumaronda enyu ndivanzeiwo.
Regai kubvuma kuti ndiparadzane nemi,
Kumuvengi wakaipa ndidzivirireiwo,
Pamusi wokufa kwangu ndishevedzeiwo,
Ndidaneiwo ndiuye kwamuri,
Kuti ndikuimbireiwo navasarudzwi venyu,
Misi isingaperi. Amen.
Munamato pamberi pokudya
Tenzi tikomborerei pamwe nezvipo izvi zvatava kugamuchira zvichibva kumwoyochena wenyu. Nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Mushure mokudya
Tinokutendai Mwari nezvipo zvose zvamatipa nomwoyochena wenyu. Tenzi chitibatsirai nokutipa simba rokugara tichikurumbidzai.
Kuombekwa kwavatendi
Basa rokuombeka ndere mabhishopi nemapristi uye madhikoni muSangano reChiratini. Ani naani angaombeke munhu ari panjodzi yokufa kana mupristi asipo. Anoombeka anosungirwa kudzidzisa zvoUtatu Hutsvene, nezvaJesu muponesi, uye zvekuombekwa kuti inzira inomuwanira ruponeso. Zvakanaka kutaura zvishoma-zvishoma munamato wo‘Kutendera’ uye wo‘Kupfidza’, kuitira kuti manzwi anyure mumwoyo memunhu ari kuombekwa.
Maitiro: Ari kuombeka anotora mvura oidira katatu pamusoro pemunhu achireva manzwi aya okuti:
“N. ndinokuombeka muzita raBaba naMwanakomana naMweya Mutsvene. Amen.”
Hello admin, i must say you have very interesting articles here.
Your page should go viral. You need initial traffic only.
How to get it? Search for; Mertiso’s tips go viral
LikeLike
Well done . enriching prayers
LikeLike