Vhesi: Mwari uyai kuzotiyamura.
Daviro: Chimbidzai kuzotibatsira.
Vakudizwe Baba …
Rwiyo rwakafanira panguva yezuva kana mhemberero runogona kutevera, somuenzanisi:
Utatu usande hwechiedza,
kubatana korunoko runesimba
Zuva rinopisa zvino roenda
whenekerai mumoyo yedu miranzi yenyu
kwamuri rumbo rwamanganani rwokurumbidza
kwamuri rumbo rwamauro rwokurumbidza
Mbiri izere tinoremekedza
nemisi isingaperi.
Rukudzo rwose ngaruve kuna Mwari Baba
Kurumbidza kwose kuMwanakomana anorarama narini
kutunhidza kuna Mwari Mutsigiri Mutsvene. Amen.
Nziyo 16
Ndichengetei Mwari
nokuti ndinopotera kwamuri.
Ndinoti kuna TENZI,
‘Imi ndimi TENZI wangu.
Kunze kwenyu imi
handina chimwe chakanaka.’
Varurami vari munyika
ndivo vokumba huru.
Ndinofadzwa kwazvo navo.
Vanozvisarudzira mumwe mwari,
vanozviwanzira nhamo.
Handisi kuzopira kwavari miteuro yeropa.
Handifi ndadaidza mazita avo nomuromo wangu.
TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu.
Nhaka yangu iri mumaoko ake.
Muganhu wangu waenda napakanaka.
hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu.
Ndinorumbidza TENZI
anondipa mazano kunyange usiku,
mwoyo wangu unondinyevera.
Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose;
nokuti ari kurudyi rwangu handitsuduguki.
naizvozvo moyo wangu unofara,
mweya wangu unopemberera;
kana muviri wangu uchava norugare.
hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa;
kana kurega mururami wenyu achienda muguva.
Munondiratidza nzira youpenyu;
pamuri ndipo pane rufaro ruzere
kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi.
Vakudziwe baba …
Chiverengo
(Imwewo ndima inogona kushandiswa)
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vatenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose!=, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. (2 Vakorinde 1:3-4)
Rwiyo rwaMariya (Ruka 1: 46-55)
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nokutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Vakudziwe Baba …
Mikumbiro
(Munogona kusevenzesa mikumbiro iri pano kana mimwewo)
Umambo hwenyu hworugare noruenzaniso ngauzadziswe pasi sokudenga-
Tenz, inzwai minamato yedu.
(Daviro iyi inogona kudzokororwa mushure memutsara woga woga)
Zviratidzei kuna vose vanokutsvagai nomwoyo wose –
Tenzi Jesu Kristu, chiedza chenyika dzose, whenekerai vose vanofamba murima nomumumvuri worufu.
– ivai navose vanotambudzwa nepfungwa, muviri kana mweya.
– ratidzai tsitsi kuvafi; itai kuti vagopemberera pamwe naMariya Mhandara yakakomborerewa naVaTsvene venyu –
Baba vedu …
Munamato wokupedzisira
Tenzi, munamato wedu ngaukwire kwamuri sechipfungautsi, uye makomborere enyu ngaadururwe patiri kuitira kuti nyasha dzenyu dzitirape nokutinunura zvino narini. Tinokmbira izvi nomunaKristu Tenzi wedu. Amen. + Tenzi ngaatikobmorere, atichengetedze kubva kuuipi nokutisvitsva kuupenyu husingaperi.
Mimwewo minamato yokusviitira inogona kusanganisira:
Baba vedu. Kwaziwai Mariya. Vakudziwe Baba. Ndinotendera.
Mwari wangu, ndinokutendai nezvipo zvose zvandakagamuchira kazhinji kubva kwamuri, zvikuru sei zuva ranhasi. Ndipei chiedza chokuona matadzo andapara, uye ndipei nyasha dzokuapfidza nomoyo wose. (Mungazvibvunza hana kwekanguva kapfupi).
Mwari wangu, nokuti makanakisa, ndine urombo zvikuru kuti ndakakutadzirai uye norubatsiro rwenyasha dzenyu handichakutadzirei zvakare.
Pakuenda kunorara
Tenzi mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu: Tenzi Jesu Kristu gamuchirai mweya wangu. Muzita raTenzi Jesu akarovererwa pamuchinjikwa ndizorodzei. Ndikomborerei, Tenzi, mundidzivirire; ndichengetedzei kubva kurufu runokaruka rauya ndisina kugadzirira nokunjodzi dzose; uye ndisvitsei kuupenyu husingapesi pamwe nemi.