CHIPO CHORUGARE
Rugare ndicho chipo chikurusa chinodiwa nemunhu wose anoshuvira budiriro. Rugare runodiwa nenyika dzose dzinoshuvira budiriro. Ndaramo pachayo inosakiswa norugare ndosaka Jesu ari kupa vadzidzi vake chipo chorugare.
Chinorwadza ndechekuti tikatarisa mativi mana ose eppasi rose tinoona kuti hakuna rugare. Munyika zhinji mune hondo. Muzere mhirizhonga nekuurayana. Mhuri zhinji hadzina rugare. Mutauro uri kutaurwa mudzimba zhinji mazuva ano mutauro wemhirizhonga nekupesana.
Nhasi Jesu ari kuti ndinokupai chipo chikuru chorugare. Ndinokupai rugare kwete runowanikwa mumatare edzimhoswa asi runouya kuburikidza naMweya Mutsvene. Imi chenyu munofanira kupa Mweya mukana wokukusvitsai chipo ichi chorugare murupenyu rwenyu. Munodaro kuburikida nokuda Mwari nemirairo yake.
Rugare hazvirevi kuti hapana kupesana pakati pedu. Kupesana kunowanikwa muvanhu. Rugare zvinoreva kugadzirisana. Rugare zvinoreva kukunda kwerudo kana kuti kukurirwa kwemweya woruvengo nokutsivana. Rugare rwunounzwa nekutaurirana nekugamuchirana tichinzwanana.
Muchiverengo chokutanga taona paine kusanzwanana pakati pavadzidzi vaJesu zvekuti sangano raigona kuparara. Vamwe pakati pavo vaidzidzisa kuti vatendeuki vechirudzi vanofanira kutevera mitemo yechiJudha yakaita sekuchecheudzwa. Izvi zvakaita kuti pave nekukakavadzana kukuru. Asi nouchenjeri hwavo vakuru vesangano vakadaidzira dare vakataurirana murudo, vakawirirana donzo rokutora.
Rugare runounzwa nerudo, kutaurirana nekuteererana. Vatenderi vokutanga vakava norugare nokuti vaidanana. Kudanana kwavo kwakaita kuti vataurirane nokunzwana. Tikava vanhu vanotaurirana panova norugare pakati pedu.
Mhuri zhinji dzizere nokupesana nekuti hapana rudo pakati padzo. Hukama hwavo hauna kumira mushe nokuti havadi kutaurirana murudo. Pada munyika yedu chaimo mamwe matambudziko atiri kusangana nawo anokonzerwa nokuti hatidi kutaurirana muzvakanaka. Nhasi Kristo ari kutikoka kuti tive vasakisi vorugare. Rugare urwu runotangira pakuva noukama hwakadzama naMwari. Kana tava nogurare urwu tinobva tapinda muguta idzva rinoera reJerusarema rataurwa muchiverengo chechipiri.