Wopesana nemudzimai nemurume vachitukana munzira, wonzwa “Ndakakuita munhu ari nani,waivs wakangofanana nemunhu watapesana naye uyu.”
Archives
All posts for the month October, 2020
Mharidzo yanhasi:
Kana mumww wako akatadza kubika hazvina dambudziko. Uri muwanano hausi murestorendi, bikawo.
Kana mumwe wako akatadza kukupa mari hapana dambudziko, uri muwanano hausi mubhanga, shandawo.
Mufundisi abvunza: “Kana munhu akafa asina kubvisa roora anoenda kudenga here?”
Chidhakwa chakadaira: “Anoendepi iye akambotadza kuenda paatezvara padhuze paanoziva?”
Manwiro andaita mvura nhasi, kubva kuseni, ndinofunga kuti mudumbu mangu mune munhu ari kuwacha chete.
Woti wochitangawo kuchema parufu, woona musoni akapfeka hembe dzawati adzore!
Ukangondiramba chete ndinotofonera hama dzako ndoti afa kuti ticheme takawanda. Handingachemi ndega.
Nyaya dzekumusha veduwee! Pane mombe dzapaza mubindu medu dzikadya muriwo watanga tafirita kuseni. Mombe idzi dzabva dzafiramo. Zvino muridzi wadzo ari kuti dai wakanyora chipepa.
Hameno kuti mombe dzinoverengawo here?
Kunze kwekuyanikira mhiripiri pamusoro pemota yamuridzi wemba, chii chimwe chinoratidza kuti roja ragarisa pamba?