Munamato waFranzisi Zevhiya Mutsvene
Mwari musina mugumo, musiki wazvose, yeukai kuti imi moga ndimi makasika mweya yavasingatenderi, muchivaita mumufananidzo wenyu kuti vatodzane nemi. Zvino Tenzi onai kusaremekedzwa kwamunoitwa nokuwira kwavazhinji vavo mugehena. Tenzi yeukai kuti Mwanakomana wenyu Jesu Kristu akateura ropa rake achivatambudzikira. Tenzi musabvumira kuti Mwanakomana wenyu arambe asingazivikanwi navasingatendi, asi norubatsiro rwaVatsvene venyu uye rweSangano renyu rinova ndiro mwenga woMwanakomana wenyu, rangarirai tsitsi dzenyu, muvakanganwire kunamata kwavo zvifananidzo nokusatenda mamuri. Tenzi vaitei kuti vazive iye wamakatuma, Mwanakomana wenyu Jesu Kristu muponesi wedu, upenyu nokumuka kwedu. Nomaari takaponeswa nokudzikinurwa, mbiri yose ndeyake zvino nokusingaperi. Amen.
