Rwedza.
Usagadzikana.
Usaparadza nguva.
Usatsauswa.
Une zvinangwa zvokuzadzisa.
Nhetembo
MUPRISTI,
Hapana anoziva:
Zvinonzwikwa nomupristi
Zvaanoona,
Zvakavanzika zvaanofanira kuchengeta,
Miedzo yaanosangana nayo,
Misodzi yaanochururudza,
kushungurudzika kwaanotsungirira,
kusurukirwa kwaanoita,
Hasha dzaanoita,
Nhema dzaanoitirwa nevamwe vevanhu vaanoshumira!
Kugamuchira avo vanonyepedzera kuti vanomuda asi shure kwake vachimuparadza.
Kuedza kwaanoita kurarama kupfuura vanhu
Kushaiwa kwaanoita,
Rusarura rwaasingafanire kuitira hanya,
Kupomerwa kwaanofanira kunyararira,
Zvitarisiro zvaanoedza kurarama nazvo,
Kunyange vamwe vake havazive zvaanosangana nazvo.
Iye mupenyu nokuda kwaMwari asi anoraramira vanhu!
Mupritsi uye upristi hapana anogona kunyatsozvinzwisisa!
Hupristi,
Hwakavanzika.
Mupritsi munhu akavanzika zvakare!
Chakavanzika zvinoreva chisingazwisisiki!
Saka zvaunogona kungomuitira kumunamatira.
Zuva harifaniri kupfuura usina kumumiririra.
Itai kuti afare zvikuru, nokuti muprista asingafari injodzi KuChechi yaMwari!
Dai Mhandara Yedu Yakaropafadzwa uye Amai Mariya vanyengeterera vaprista vedu vose nokuropafadza ushumiri hwavo.
naGeorge Bennard
Pachikomo chiri kure-kure
Paive pamire muchinjikwa wakasakara wakabenda
Chiratidzo chokutambura uye nyadzi
Uye ini ndinoda muchinjikwa uyu wakasakara wakabenda
Wokuti mudikanwi mukuru wapamwoyo
Munyika yavatadzi vakarasika akaurairwapo
Saka ndichadzivirira nokuchenegetedza
Muchinjikwa wakasakara wakabenda
Kusvika pokupedzisira nasiya matambudziko angu
Ndichanamatira pamuchinjikwa wakasakara wakabenda
Ndichizochinjinjanisa nendaza rimwe zuva