Usashungurudzike
Munhu wese anotosvika pakutambura nekushungurudzika, uye vaKristu havasiiwe nezvinetso nematambudziko ehupenyu.
Kushungurudzika kunowanzokonzerwa nekuneta, kurwara, kuva panzvimbo yausina kujaira nezvimwe. Paunotora mabasa akawanda, panguva dzekutambura nenjodzi, uye apo zvinhu zvapidiguka unonzwa kushungurudzika. Kana zvaunoda zvisingawaniki, unonzwa kushushikana.
VaKristu vazhinji tinotendera kuti Mwari ndiye changamire uye anotonga upenyu hwedu. Tinotenda kuti anotipa zvose zvatinoda kuti tirarame. Saka, kana tichishungurudzika zvikuru tinopedzisira tisisavimbe naMwari.
Kushungurudzika uye kuzvidya mwoyo kwemuKristu kunogona kuitika nenzira dzakasiyana-siyana. Zvinogona kuratidzika nekuswedera kure naMwari kana kuvhiringika kukuru.
Zvisinei kuti zvaitika sei, kushungurudzika kunotikundikanisa panyama, mumweya nemupfungwa. Tinofanira kushonga zvombo zvinotibatsira. Haano mazano angatibatsira
1. Ziva Dambudziko.
Kana waziva kuti pane zvisina kumira zvakanaka nzira yekukurumidza yekugadzirisa zvinhu ndeyekubvuma kuti une dambudziko.
Dzimwe nguva hazvisi nyore kubvuma kuti wangobatirira nepadiki uye kuti zvinhu hazvina kukumirira zvakanaka.
Kuziva chinetso kunoda kutendeseka pakuzviongorora uye kunoda kuzvininipisa. Nziyo 32:2 inoti,
“Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naTenzi; asina kunyengera pamweya wake.”
Kana tikakwanisa kutarisana nokutendeseka nedambudziko redu, tinotanga kutsvaga rubatsiro.
2. Zvipei zororo wotsvaga rubatsirwa.
Rega kuzvisvora. Ziva kuti: uri munhu. Unorarama munyika ine matambudziko asingadzivisiki. Chinonyanya kukosha ndechekuti tinofanira kutendeukira kuna Mwari uye kune vamwe kuti tibatsirwe.
Zvaunenge waona dambudziko rako unochigona kutora matanho ekuzvibatsira nekutsvaga rubatsiro rwakakodzera. Kana iri nyaya yokuti hausi kuwana zororo, tora nguva yekudzoreredza muviri nenyama yako. Idya kudya kwakakodzera, simbisa muviri nguva dzose, tanga kudzidza kushanda zvine mwero. Unogona kutsvaga rubatsiro kubva kushamwari dzinomira newe uye dzinokunzwisisa zvauri kusangana nazvo.
Kana uri kurwara, kana kuti uchangobva mukurasikirwa kana kuva nerimwe dambudziko, unogona kumbodzora mashandiro ako. Zvipe nguva nemukana wekupora.
Kushungurudzika kwako kunogona kuva kuchikonzerwa nemakemikari kana zvimweyo zviri munyama yako. Pakadaro unogona kunoona chiremba kuti akubatsire kuona pane dambudziko nezvingaitwe.
Idzi inzira dzinobatsira dzekuedza kupedza kushungurudzika muupenyu hwako. Asi usakanganwa rutivi rwemweya.
3. Tendeukira kunaMwari mumunyengetero
Paunokundwa nekuzvidya mwoyo, kushushikana, nekurasikirwa unofanira kutendeukira kuna Mwari.
Anogara akamirira kukubatsira munguva dzekutambudzika. Bhaibheri rinokurudzira kuturira zvose kwaari mumunamato.
Ndima yemunaVaFiripi inopa vimbiso inonyaradza yokuti patinonyengetera, pfungwa dzedu dzichawana runyararo rusingaverengeki:
Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu (VaFiripi 4: 6-7).
Mwari anovimbisa kutipa rugare rwatisinganzwisise. Anopikirawo kuunza runako kubva kumadota ehupenyu hwedu apo tinoona kuti tariro inouya kubva mukurasikirwa uye kuti mufaro unobva pakutambura (Isaya 61: 1-4).
4. Ita ndangariro neShoko raMwari
Bhaibheri rakazara nevimbiso dzinoshamisa kubva kuna Mwari.
Kufungisisa pamusoro pemashoko aya evimbiso kunogona kubvisa kushungurudzika kwedu, kusava nechokwadi, kutya, uye kushushikana. Heino mimwe mienzaniso mishomanana yezvinyorwa zveBhaibheri zvinoderedza kufungisisa ndima:
2 Pita 1: 3
nokuti nesimba rovuMwari hwake takapihwa zvose zvinodikanwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka.
Mateo 11: 28-30
Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.
Johani 14:27
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
Nziyo 4: 8
Ndicharara pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
5. Shandisa Nguva yako kutenda nekurumbidza
Mumwe akati, “Hazvigoneki kushungurudzika nekurumbidza Mwari panguva imwechete.” Kurumbidza nekutenda kuchabvisa pfungwa dzedu kubva pamatambudziko edu, kuchitinangisa pana Mwari. Patinotanga kurumbidza nekunamata Mwari, matambudziko edu anoita semadiki atarisana nehukuru hwaMwari.