Nhanganyaya
Zvinoratidzika sokunge kufambidzana kwenyika iwe vanhu vari kuedza kufamba iye zvino yakasvibiswa nemaitiro asina kuremara, zvinyorwa zvisinganzwisisiki uye kushungurudzika pamiganhu ye,:
Zvinoratidza sokunge kufambidzana kuriko mazuva ano kwamuri kuedza kurarama kwasvibiswa nyaya yokuti vanhu vakungouya pamwechete vasina chido chokuzvipira. Izvi unozviona mukutaura kwavako mazuva ano:
‘Akanditumira tsamba yapafoni kaviri vhiki ino; izvi zvinoreva kuti anondida handiti?’
‘Andikumbira kubuda kunze naye, asi tarisai pane nguva dzatove 10 dzousiku. Chii chaari kuda?’
Ndinofunga kuti vazhinji vedu tinobvumirana kuti hukama hwevanhu vaduku haunganzi hutsvuku kana huchena. Hapachisina hukama hwokuti ndine munhu uyu kana kuti hatisi tose, kazhinji vanhu vanenge vari pakati uye hazvinzwisisiki.
kurwadziswa mufambidzano
Kutanga, ndinoda kukuvimbisa kuti ucharwadziswa ukapinda munyaya dzokufambidzana. Hanzisati ndaona munhu akapinda murudo kurwadziwa.
Asi panguva imwe chete ndinoda kuti uzive kuti iwe une simba, unokwanisa, uye uye kuti iwe unogona kukunda nyange ukamborwadziswa.
Iva nesimba, uzviremekedze, uzvigamuchire, uve nechivimbo, uve nemoyo murefu, uye uve nehuchenjeri. Zvinhu izvi zvose zvichakubatsira kuti urege kurwadziwa uye kuti upore nokukurumbidza.
Chinoputsa mwoyo wangu kunzwa vanasikana vaduku nevarume vaduku vachifunga kuti hupenyu hwavo hwapera nokuti mumwe munhu apesana navo kana kuti haachavada. Usafa wakaita pfungwa yokuti ‘Handigone kurarama pasina iwe.’
Chokwadi ndechokuti iwe unogona kurarama pasina mumwe munhu. Usatsauswa navanhu kuti ufunge kuti kune munhu mumwechete akakukodzera kunze uko, munhu mumwe anogona kukupa rudo. Ichokwadi ndechokuti, kubva pamamiriyoni evanhu pane vaawanda vanogona kukunakidza uye kukugutsa mumweya, mumuviri nomupfungwa.
zvokungwarira
Zvisinei, ndine mazano kune iwe ayo anogona kukubatsira munyaya dzorudo pahuduku hwako:
Kunyanyoperera
Ziva kuti munhu waunotanga kupinda naye murudo, nyange wechipiri waunopinda naye murudo, nyange wechitatu waunopinda naye murudo nevamwewo vanozotevera anogona kusava iye waunozodanana naye kwoupenyu hwose. Kazhinji pazera iri unotanga kurota uchifara kwoupenyu hwose nomudiwa wako wokutanga. Izvi zvinonzwisisika, asi hazvisi zvechokwadi. Dzime nguva hazviite saizvozvo. Paunenge uri kufambidzana yeuka kuti uri murudo asi harusi irwo rwoga rudo. Muupenyu mune rudo rwakawandisa ruri kumwe, rudo harumbofa rwakashomeka panyika kunze kwerwaunenge uchipihwa.
Bode haruri rudo
Kana uri kutsvaga rudo, usakanganise nokufunga kuti bonde chinhu chimwechete norudo. Handizvoba. Bonde rinogona kuita kuti unzwe kuda mumwe wako asi rigotadza kuita kuti unzwe kudiwa. Kuita bonde kwakafanana nokudya godo rechando rine kirimu (ice cream) uine nzara. Inonakidza panguva iyoyo, asi hatingati kudya kune utano. Chinhu change chichishuvirwa nomuviri wako asi chisingakubatsire pautano.
Chiito chose chine mugumo wacho
Yeuka kuti chiito chimwe nechimwe chinemugumo wacho. Kana iwe usina kunyatsokwana zvokuti uone mugumo wezviito zvako (kubata nhumbu, zvirwere zvinotapurirwa [STDs], kurwadziswa) – kana kuti muwme wako asiri munhu akazvibata – hauna kunyatsokwana zvokuti wakakodzera kuita zvebonde.
Tsunga mwoyo
Mwoyo wokutsunga, kuitira kuti ugone kudzokera shure mushure mekunge warwadziswa zvakakosha panyaya yokufambidzana kana kuti ukama nemumwe munhu.
Mazano panyaya yefambidzano
Kufambidzana somunhu wechidiki zvakasiyana zvakanyanya nekufambidzana kunoitwa vanhu vachiri kukoreji. Pakoreji unenge wapinda muchikamu chitsva choupenyu nokuti vamwe vako vanenge vakutoroora vachiita vana. Vamwewo vanenge vakutsaaga mabasa pamwe nekufunga nezvekufambidzana nokuroorana. Hezvino zvinokubatsira panyaya dzokufambidzana:
Siyana nezvakapfuura
Usaramba wakabatirira pane zvakapfuura. Chinhu chekutanga chinofanira kudzidzwa navanhu panyaya dzekufambidzana ndechekuti ukama huripo panguva iyoyo chiitiko chitsva saka usaenzanisa munhu wauri kufambidzana newawakambofambidzana naye. Uyewo usafananidza ukama hwako newauinawo nemaitiro awakamboita muhukama hwekare. Dzidza kubva pane zvakaitika kare ufambire mberi maererano nezviripo.
Famba pore pore
Usamanikidzwa kumhanya. Kana muchiri kutanga kufambidzana zvakanaka kubuda mose nevamwe kuitira kuti usamanikidzwe kuita zvausingade kuita usati wagadzirira. Haufaniri kumanyira pane zvinobwinya nezviitiko zvikuru iwe usati wava nechokwadi nemunhu wakoUnogona kutanga nekuenda naye kumitambo yamunofarira mose kana kuzvipira (volunteer) mose kuita mabasa okubatsira. Izvi zvakanaka nokuti ukaona kuti hausi kugutsikana nekufambidzana kwenyu unogona kudududza pasina kurwadziwa kana kurwadzisa. Chazvakanakira ndechekuti nyange zvikasashanda unoti ndakava nenguva yakanaka.
Iva zvauri
Usarega ukama hwako nemumwe wako hukutsanangura nokukumedza. Kuda munhu hakudi kuperera sezvinoita vanotsigira bhora rekuIngirandi zvokuti unokanganwa zvido zvako. Rudo chairwo runoreva kuti unopinda murudo sezvauri uye rudo rwemandorokwati ndeurwo rwokuti unoramba takatendeseka nokuvimbika pachimiro chako. Haufaniri shanduka nje kuti ufadze wauri kufambidzana naye. Rudo rwechokwadi nderwekuti wauri kufambidzana naye anomira panzvimbo yokukusarudzira nokukumanikidza kuva zvausiri, kukuisa mubhokisi rake. Kana munhu wauri kufambidzana naye achichengera buda muukama ihwohow nekukurumbidza zvichakanaka.
Usarwadziwe nokurambwa
Haufaniri kupinda muukama hworudo nokuti ndozviri mupfungwa dzako. Ngatitii une wauri kurwarira wawanga uchinzwira havi kwenguva yakareba. Unovabvunza wamukumbira kuti mubude mose iye oramba, kukurovera pasi. Zano rangu nderiri. Kana munhu waunoda achiramba, unofanirwa kuzvigamuchira nokuenderera mberi. Usanyengerera kana kuvatsamwira. Mwoyo unenge uchirwadziwa asi haugone kuvenga munhu nokuti haasi kukuda.
Misa hurukuro newawakambofambidzana naye
Zvakanaka kuti urege kuramba uchitaudzana nevawakambofambidzana navo. Kana wakarambana zvakaipa newawaifambidzana naye ukasangana naye kumwe kuni kana usingadi kutaura naye usaita saizvozvo. Zvakare usavashusha pa midziyo yokufambisv kwamashoko (social media). Kana mose muri paBhuku reMeso nepane dzimwe nzvimbo mubvise seshamwari yako nekukurumbidza. Dzima nhamba dzake zvekare. Haugone kupora kubva mukurwadziswa kwawakaitwa kana uchiramba uchifunga nezvemunhu akakurwadzisa.
Usamhayira kuzviita iwe woga
Usanyanyokoshesa ‘mukuru’ (official) ikozvino. Ipai hukama hwenyu nguva yekukura musati mashambadza kuti zvatoita hapachisina kudzokera kumashure. Zvipe nguva yokunyatsoziva wauri kufambidzana naye. Tora zvinhu nyore nyore mombotanga seshamwari. Umwe hukama hutora nguva kukura.
Usakarira kururamisa
Usanyanyoda kudi zvinhu zvose zvirurame. Vasikana vazhinji vane tsika yokuongorora twose twose tunoitika pakufambidzana. Ndinokukumbirai kuti musazvidyamoyo. Panewo tsika yekuti vanhu tarisire zvisingagoneki kune wavari kufambidzana naye. Usakurumbidza kusvora munhu nokuti anonoka nemaminitsi mashoma musi wamatanga kuonana kana nokuda kwokuti hamusikupindirana pana zovse. Nangana nezvinokosha. Chakoakosha ndechekuti munhu atouya hake uye pane zvimwe zvamunopindirana.
Zvichengete
Kuzvichengeta kwakakosha. Hazvirevi kuti kana wada munhu munofanira kutobatana-batana kana zvichikuremera. Pane nzira dzakawanda dzokuratidza rudo kune mumwe wako. Kuzvichengeta panyaya dzokubatana-batana kwakakosha pakufambidzana zvikuru kana muchiri kutanga. Tora zvinhu nyore pane kubva waperera nokukurumbidza nokuti izvi zvine mugumo wazvo.
Ngwarira kusiana kwezvitendero
Kana uri kufambidzana nomunhu asingatendi zvaunotenda, famba wakangwarira. Haufaniri kufambidzana nomunhu uine chinangwa chimwechete chokuedza kumushandura. Haugoni kumanikidza mumwe munhu kuti achinje kunze kwekuti iye pachake achida kuchinja. Munhu wauri kufambidzana naye munhuwo, kwete basa rinoda kuitwa. Vavarira kuti upenyu hwako hukurudzire wauri kufambidzana naye kuti ashanduke. Ratidza upenyu hwako hwechitendero kwete kutaura nezvahwo. Zviri nani kumbomira mharidzo dzako panguva yokudya nokuti mumwe anoguma ava kusvotwa.
Namata nguva dzose
Nyengetera munazose. Paunotanga kusangana nomumwe munhu, nyengetera. Pamunenge muchangotanga seshamwari, nyengetera. Nyange mukasazoguma nokufambidzana nyengetera. Mwari ndiye akasika mwoyo wako saka achafamba newe muna zvose zvinoitika. Ipa mwoyo wako kwaari kuitira kuti kana ukarwadziwa akunyaradze. Nyengeterera munhu wauri kufambidzana naye kuitira kuti atungamirirwe kune zvose zvinodiwa naMwari kwaari.