Nhanganyaya
Mwaka weRendi inguva yekuzvipenengura nokudzamisa ukama hwako naMwari. Kune vazhinji mwaka uyu unouya pamberi pePasika une masvondo akawanda avano rega zvimwe zvinhu zvavanofarira somucherechedzo wokuripira zvikanganiso zvavo. Vamwe vachapedza nguva yakawanda mukunamatira uye kunyengeterera zvinangwa zvavo. Vamwewo vashoma vachatakura muchinjikwa muhomwe dzavo sechiyeuchidzo chechibayiro chavakaitirwa naJesu. Vanhu vachaita zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana.
Chinyorwa chino chine dzimwe nzira dzokurarama mwaka weRendi.
1. KUMBIRA RUREGERERO KUNE MUMWE MUNHU
Rendi iguva yekupfidza. Kazhinji tinofunga zvekukumbira Mwari kuti atiregerere zvivi zvedu, asi izvi hazvina kukwana. Zvivi zvizhinji zvinosanganisira kurwadzisa vamwe vakatikomberedza. Jesu akanga asingadi kuti vamwe varwadziswe. Aisidzidzisa kuti kana uri pakati pokunamata ‘ukayeuka kuti munin’ina/muoma wako kana hanzvadzi yako ane chinongo newe … Tanga wayanana naye wozodzoka kuzopa chipo chako’ (Mateo 5: 23-24). Rendi inguva yakanaka yekutsvaka kukanganwirwa neavo vatakarwadzisa.
2. ITA MABASA AKASIYANA-SIYANA OMUTSA
Ratidza rudo rwako kuna Jesu kuburikidza nekuda vamwe. Unogona kuita izvi nokubhadharira munhu ari shure kwako mumutsara wepatiri muchitoro (akavarairwa) kana kushamisa murombo anenge ari pedo newe murestorendi nokumutengera chokudya. Unokwanisawo kupa mari iri nani kune munhu anenge akushandira panzvimbo inodyirwa. Torawo mukana wokubvunza waunenge uchipfuudzana naye kuti ari sei womira nokuteerera mhinduro yake. Muchidimbu, govera rudo rwauinarwo kuna Jesu nenzira dzaunokwanisa munguva ino yeRendi.
3. VERENGA BHAIBHERI
Vandudza chitendero chako nekuziva Bhaibheri zvakanaka. Riverenge kakawanda uchitora ndima pfupi panguva yoga-yoga. Tsvaga zvinyorwa pamusoro paro pamwe nokufungisisa pamusoro paro uchibatsirwa nemahuku anoritsanangudza. Nyengetera kuburikidza naro. Gugura mharidzo pamusoro paro. Tsvaga nziyo dzinechekuita nebhaibhiri. Mumavhiki matanhatu eRendi une mukana wokunzwisisa bhuku iri roupenyu.
4. KUSHUMIRA VANOSHAIWA
Tsvaga sangano rinobatsira kana kuriritira vanoshaya raungada kushanda naro. Zvizvipire kushanda nesangano iri munguva yose yeRendi pasina mubhadharo. Rangarira kuti Jesu paakashambidza tsoka dzevadzidzi vake paChirairo chekupedzisira akavadzidzisa kuti takadanwa kusashumirwa, asi kushumira (Johani 13: 1-17). Naizvozvo ipa nguva yako kuitira vasina dzimba, vasina chokudya nevamwe vane matambudziko akasiyana-siyana.
5. SHANYIRA VANOSURUKIRWA
Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake kuti vabate vamwe semabatiro atinomuita iye. Izvi zvaisanganisira kushanyira vanorwara uye vari mumatirongo (Mateo 25: 31-36). Taura nevedzimba dzinochengeterwa vakwegura ukumbire kuita chimwe chinhu chakaita sokubatsira kuvageza kana kuti kurukura nevedzimba dzinochengeterwa nherera uwane mabatsiriro aungaite. Zvipire kushumira vari mumajeri kana vari nzvimbo ipi zvayo ine vanoda rubatsiro. Unogona kuunza nyemwerera nenzira dzakaita souk tamba navo, kuvataurira nhau nenyambo, kuvaratidza mifananidzo yohudiki hwako kana imwe, nekuteerera mimanzi pamwe navo. Jesu anoti, ‘kana wavaitira, ndini wakare wawaitira.’
6. UDZA VAMWE KUTI UNOVADA
Vamwe vedu vanonetseka kutaura mazwi matatu madiki asi akakosha. Sei? Pada tinofungidzira kuti vamwe vanotoziva kare zvatinonzwa. Pamwe tinofunga kuti tinoratidza rudo rwedu nezviito saka hapana chikonzero chokududza mazwi aya. Zvichida tinofunga kuti hatizodzorerwa rudo urwu rwatinenge tapa. Rwisa kutya kwako uku uti ‘Ndinokuda’, ‘Ndine urombo’, ‘Ndatenda’ kushamwari, mhuri pamwe nokuna vose vaunoda. Unogona kuita izvi kunyange kamwechete zvako munguva ino yeRendi.
7. KANDIRA MUNHU WESE KAMHEMBERERO
Jesu kazhinji aishandisa mufananidzo wemabiko kutsanangura Umambo hwaMwari. Akataura nezvemabiko emuchato nemamwewo uye aiwanzobatana nevamwe pamabiko makuru. Ita mabiko akowo ehumambo kuburikida nekubikira vavakidzani, hama kana vamwe vaunoenda navo kuchechi. Pemberera navamwe nechinangwa chokuvafadza kunyange uchizoita mazuva okutsanya.
8. SHANDIRA MUKUNAMATA
Kereke yako inokuda. Batana nevaimbi vepachechi. Batana nevanogamuchira vevaeni nevabatsiri vevanhu pachechi. Zvipire kuverenga muchechi. Shanda nevanoona nezvemakombiuta nemapurojekita. Kana paine mai vakatakura ruswava vabvunze kana paine chavanoda kubatsirwa. Muchidimbu tsvaga nzira dzokushandira sangano rako. Usamirira mumwe munhu kukukumbira kushandisa zvipo zvako zvawakapiwa naMwari. Zvipire pachako kushandira kirike rako mwaka uno.
9. ITI ‘NDATENDA.’
Ita katsika kokutenda vabereki, nhengo dzemhuri, vaumbiridzi, vadzidzisi, vanyori, vafudzi, vadzidzisi vechitendero, nevamwe vakakuumba. Vhiki yoga-yoga munguva yeRendi, tumira tsamba yekuonga kune mumwe wavo. Vaudze kukosha kwavaikuitira uye kuti vakakukurudzira sei. Funga nezvekuvapa kachipo kadiki. Kunyange usingavazive nezita ingonyora tsamba yemagetsi uchivatenda.
10. Tsanya
Jesu akataura achiti: ‘Kana iw usina kutendeuka uchaparara.’ Rega chimwe chinhu chaunoda kuratidza rudo rwako naMwari uye nekuponeswa kwemweya yavazhinji. Nokuti ‘Kwete’ kuzvido zvako unenge uchiti ‘hongu’ kuna Mwari kuti apinde mumwoyo mako. Kumbira Mweya Mutsvene kuti akuvhenekere uone chaunofanira kurega mumwaka uno weRendi.
11. Funga nezvekutsanya imwe mhando yeruzha
Vazhinji vedu hatigadzikane nerunyararo. Tinotiza zviri kuitika mupfungwa dzedu nekuzaddza upenyu hwedu nemidziyo yetekinoroji. Murendi ino edza kuzvipa nguva yaunofamba wakadzima rediyo yemumota, yaunombomira kuteerera mimhanzi yepafoni, yaunomborega kupinda padandemutande uye yaunomborega kuona chivhitivhiti. Tora nguva yorunyararo yaunonamata.
12. Tsanyira mumwe munhu pazuva
Unogona kutsanyira mudiwa wako, vana vako kana hama yakafa. Izvi zvinokupa mukana wokunamatira vadikanwi vako uye zvinoita kuti uunze shanduko yakanaka kune vakakukomberedza.
13. Tsanya pamweya
Zvinyime godo, nungo, hasha, rudado nezvimwe. Tsvaga munhu mumwechete mumhuri kana pavanhu vakakutenderedza akaoma mwoyo womuitira mwoyochena nomwoyo munyoro. Edza kuteerera vamwe munhaurwa dzako. Tsanya makuhwa woedza kurumbidza vamwe zvakanyanya. Zvipire kuita mabasa akanaka usingagunun’une.
14. Enda kumisa kakawanda
Kunze kwekungoenda kumisa musi weSvondo chete edza kuenda kunyange pakati pevhiki. Usarega kuenda kumisa pamazuva akakosha akaita seChitatu cheMadota, China Chitsvene neChishanu Chakanaka..
15. Enda kureururo
Reururo mukana wokupfidza matadzo, kutanga patsva pamwe nokuyanana naMwari navanhu. Usaramba uchifamba wakaremerwa. Tura mutoro uri kukuremera. Mumaparishi mazhinji vane nguva dzokuita rupinduka. Kana kwenyu vasina kumbira kusangana nomupriste kuti upiwe sakaramende roruwadzano naMwari.