CHIKAMU CHOKUTANGA: ZVOKUITA KANA MUMWE ATADZA KUTENDEKA
Nhanganyaya
Ngatiitii uchangobva mukuona kuti mudiwa wako akanga asina kutendeseka. Nhau dzekusatendeseka kwake dzaita semurwi wevidhina wawodzvorerwa pauri. Imba yako yave munjodzi yokuparara. Asi norumwe rutivi, mose munogona kukwanisa kushanda pamwe chete kuti muyanane zvinhu zvinake. Unogona kuva netariro kuti imba yako inogona, asi pfungwa yezvakaitika ichiri yakakuputira.
Zvinonzwisisika kuti somunhu wose iwe unoda kuziva kuti sei mumwe wako aibiridzira, asi hapana mhinduro yakajeka yokuti nei mumwe wako asina kutendeka. Zvinogona kuva chiratidzo chemamwe matambudziko ari mumuchato wako, zvinogona kuva nechekuita nenhoroondo yewakaroorana naye, zvinogonawo kusava nechekuita newe kana kumuchato wako. Pamwe haumbofa wakanyotsoziva chokwadi chezvakaitika.
Pane zvinhu zvakati kuti zvaunogona kuita kuti usanyanyorwadziwa, uregerere mumwe wako uye ununure muchato wako:
Ongorora mviro-mviro yekusatendeseka uku
Usachimbidza kuita sarudzo yokudimbura muchato wako nekuda kwekuti haana kutendeka. Ino ndiyo nguva yekufungisisa pamusoro pemuchato wako kuti uone kuti ndezvipi zvimwe zvinhu zvimwe kunze kwekusatendeseka kwake zvinofanira kuongororwa uye kugadziriswa.
Gamuchira manzwiro ako
Kunzwisisa kuti manzwiro ako haanganzi akanaka kana kuti akaipa. Gamuchira kuti manzwiro ako ekutsamwa, kusava nechokwadi, kushungurudzika, kutya, kurwadziwa, kuora mwoyo uye kuvhiringidzika pamusoro pokuva nemudiwa asina kutendeka anowanikwa. Ziv zvakare kuti uchange uine manzwiro akasiyana-siyana akawandisa kwemwedzi inotevera pamwe gore rimwe kana maviri chaiwo.
Zvichengete
Edza sokugona kwako kuzvichengeta. Kusatendeka kwomumwe wako kunogona kuti uite zvimwe zvinhu zvakaita sokushushikana, kusava nechokwadi neramangwana, kunetsekwa kurara (kurara zvishoma kana zvakanyanya), kunetseka kuisa pfungwa pamwechete uye kusada kudya kana kudyisa.
Ita zvakaenzerana
Kurarama upenyu hwakaenzerana ndicho chinhu chinoita kuti ukunde kusatendeseka kwakaita mumwe wako. Shingirira kudya kudya kuneutano, kuteedzera urongwa hwako, kurara nguva yakafanira, kuita zvinosimbisa muviri zuva nezuva, kunwa mvura yakawanda, uye kufara.
Nakidzwa
Hapana chakaipa kutamba nokuseka. Tarisa mafirimu anonakidza kana zvimwe zviratidzo zveChivhitivhiti. Tora nguva nevanhu vanokuita kuti unyemwerere. Ziva kuti upenyu hunoenderera mberi zvisinei nekuora mwoyo uye kusatendeka kwemumwe wako.
Kuchema kwakakunakira
Misodzi ine utano zvakare. Kana misodzi yako iri kunetsa kubuda ridza mimanzu inokuchemedza kana kuona mufananidzo inosuruvarisa. Dzimwe nguva hapana chaunonzwa asi vavarira kuteerera manzwiro ako.
Nyora pasi
Tanga chibhuku. Nyora pasi pfungwa dzako nemanzwiro ako pamusoro pokusatendeka kweumwe wako.
Bvunza mibvunzo yose
Bvunza mibvunzo yose yaunoda. Taura nemumwe wako nezvekusatendeka kwake. Zvisinei, iwe unofanirwa kubvuma kuti mumwe wako anogona kuva asingazivi kuti nei akatadza kutendeseka kana kuti anenge asina kusununguka kukubudira pachena.
Tsvaga mazano
Tsvaka mazano. Usafugura hapwa kune vose vaunosangana navo kuti mumwe wako haana kutendeseka. Nyatsosarudza noungwaru kuti ndiani wauchagovera naye nyaya yako. Kuziva chikonzero chakaita kuti mumwee wako asatendeseke kunoita kuti zvive nyore kuti uwane nemhinduro yemibvunzo yaunenge uinayo. Zvakangoitika usiku humwechete zvikapera here? Zvakaitika mushure medambudziko guru muupenyu hwake here? Zvekusatendeseka mugariro wake here? Chakanga chiri chiito chokutsiva here? Akazviita nechinangwa chokudimbura muchato here? Pasinei nechikonzero chaakazviitira, tsvaga rubatsiro rwenyanzvi.
Rarama zuva rimwe nerimwe
Tora zuva rimwe nerimwe sokuuya kwaro. Iwe nomumwe wako munofanira kuongororwa AIDS/HIV nezvimwe zvirwere zvinotapurirwa nebonde musati madzokore kuita zvepabonde musina kudzivirira.
Gadzira miganhu
Funga nezvemiganhu yaunoda mumuchato wako kuitira kuti urambe urimo. Unogona kuda kuti nyaya yenyu inyorwe pasi namagweta.
Budira vana pachena
Vana vako vanoda kuziva kuti zvichanaka. Haugone kuvanza chokwadi chokuti uri kutarisana nekudengenyeka kwakanyanya kana kushungurudzika. Kubudira vana pachena chinogona kuva chinhu chakanaka zvichienderana nezera ravo, asi usavadururire zvose. Uyewo, usavapa dzausingagoni kuchengeta.
Usaita tsika yokupa mhosva
Edza kusaita tsika yokupa mhosva pamusoro pokuti ndiani kana kuti chii chakakonzera kusavimbika. Unenge uchitambisa simba rako. Usapa zvekare mhosva kune vamwe vanhu. Hazvizogadziri chinhu. Uyewo, funga kaviri usati wataurira mhuri yako kana mhuri yemumwe wako nezvekusatendeka kwake. Nhengo dzomumhuri dzinowanzoita mataka anotora nguva yakareba kupera.
Ita zvinobatsira
Ita zvinobatsira. Ongorora mari yaunayo, nhau yepekugara, mafambiro nezvimwe. Zvinogona kuita kuti muchato wenyu unoguma wagurwa usingade uchida. Nyange zvazvo sangano richiti kurambana hakubvumirwe uye hakukurudzirwe unenge uchida kuva nechokwadi chokuti kuti uchagara kupi, kana kuti une mari here inozokukwanira pane zvaunoda.
Hausi mugumo
Kusatendeseka chimwe chezvinetso zvakaoma zvinosangana nevadikanwi. Hazvirevi kuti uyu ndiwo mugumo. Chakanyanya kukosha kuwirirana nemumwe wako kuti ndezvipi zvinhu zvatinofanira kushandura kuitira kuti muchato wedu ubudirire.
CHIKAMU CHECHIPIRI: DZORA CHIVIMBO
Nhanganyaya
Kubiridzirwa muukama hakufadzi zvachose. Mabatiro aunoita kunyengedzwa kwawakaitwa kunogona kukubatsira kupora nokukurumbidza. Haano mazano angakubatsire kukunda:
Sarudza kana uchida kudzora ruvimbo pakati pako nomumwe wako.
Kana mumwe wako asina kutendeka, kukanganisa kukuru kwekuvimbana. Ichi chinogona kuva chiratidzo kuti munhu uyu haana kukodzera kupinda muwanano kuye haakwanise kupinda muhukama hwakanaka. Kune rumwe rutivi, vanhu vakanaka vanoita zvisarudzo dzakaipa uye kana vanzwisa vachiratidza chido chokugadzirisa hunhu hwavo kuvaregerera kunogona kutoita kti pave ukama huri nani. Nerimwewo rutivi, kana usingakwanisi kuvimba nomunhu iyeyezve, hukama hwenyu hwakaparara. Zvimwe zvinhu zvinokosha zvinogona kukubatsirai ndezvizvi:
- Mumwe wako anzwisa tsitsi nokuratidz kuti anoda kuchinja here?
- Akaita zvokukuudza here kana kuti wakatozoita zvokuzvibata woga?
- Zvinhu zvakadai zvakamboitika here, kana kuti mumwe wako akambovimbisa kusazvipamha asi zvakatowedzera?
- Aya mamwe maitiro ehunhu hwake hwakaipa kwauri hwaanosiita here?
- Mumwe wako akagadzirira here kuita zvinhu zvokuumbiridza ukama hwenyu zvakaita sekupihwa rubatsiro nenyanzvi, kurega basa raainaro, kana kuti muchinje pekugara etc?
- Unonzwa uchida kuvimba nomunhu uyu zvakare here? Hapana mhinduro yakarurama kana isina kururama panyaya iyi. Zviri kwauri iwe wakanyengedzwa. Hazvina mhosva kana munhu akabiridzira asiri kuratidza kusuruvara, kuda kukagadzirisana nezvimwe zvakadaro – izvi kazhinji zvinobatsira kupedza nyaya.
Nzwisisa chikonzero chakaita kuti mumwe wako abiridzire.
Vanhu vanobiridzira nezvikonzero zvakawanda zvakasiyana uye hazvisi zvepabonde nguva dzose. Dzimwe nguva vanhu vanobiridzira nokuti vari kutsvaka kugadzikana kwepfungwa, kuedza pora mushure mekurasikirwa kana medambudziko, kana kutsvaga kupukunyuka munyatwa yeupenyu. Ichi hachisi chikonzero chokuti zvaitwa zvakanaka kana kuti zvinofanira kuitwa.
Usafungidzira kuti kunyengedza komumwe wako kwaiva pamusoro pekutsvaga bonde. Tsvaga kuti nei vakanyengedza usati waenda mberi. Edza kuudza mumwe wako kuti, ‘Ndinofanira kuziva kuti sei wakanyengedza uye wakazviita nani. Ndapota ndibudire pachena.’
Ngwarira kuti anogona kusaziva kuti nei akatadza kutendeka. Vanogona kunge vakanganwa, asi nyange vachiyeuka vanogona kusaziva chikonzero. Panogona kuva nezvikonzero zvaasiri kuziva iye pachake Nyange zvaakaita zvakaipa ziva kuti akati ‘Handizivi’ anogona kuva achitaura chokwadi. Zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti munhu abiridzire ndezvizvi:
- Kufarira munhu akasiyana.
- Kuda kucherechedzwa, kufara, kana kuedza zvitsva.
- Matambudziko mumba: kutadza kukurukurirana, kushungurudzika mumuchato, kupesana mune zvakawanda.
- Kana vabereki vomumwe wako vasinawo kutendeka.
- Kana mumwe wako achibva kuvanhu vanogamuchira tsika yokusatendeka.
- Kurwara mupfungwa. Vanhu vanobiridzira hazvirevi kuti vanorwara asi zvirwere zvakaita se bipolar disorder nekushushikana vanogona kutada kuita sarudzo dzakanaka.
Ngaadimbure ukama nezvose zvaita kuti asatendeke
Kumbira kuti mumwe wako arege kukurukurirana nemunhu waakabiridzira naye. Munhu iyeye anofanira kushaika zvachose kuitira kuti hukama hwenyu hurambe huripo. Miganhu yakavhiringidzwa, uye inoda kusimbiswa pakare nenzira inochengetedza ukama hwenyu. Izvozvo zvinoreva kuti unofanira kuudza mumwe wako kuti aparadze hukama hwose nemunhu waakabiridzira naye. Izvi zvakaoma kana munhu uyu achishanda nemumwe wako kana kuti ari munhu waanoona mazuva ose.
- Kana ukama hwacho hwaiva pakati pomumwe wako nehama yepadyo nyaya yacho inenge yakaoma. Rudo rwako nemumwe wako runenge rwavhiringidzwa asiwo ukama hwako nehwehama yako hunenge hwavhiringidzwa zvekare.
- Kana mumwe wako isingadi kupedza kushamwaridzana nemunhu waakabiridzira naye chinogona kuva chiratidzo chokuti haasi kuda kurega kubiridzira. Kana zvadai ukama hwenyu hunonetsa kugadzirisa.
- Kana munhu akabiridzira nemumwe wako achiramba achiuya muupenyu hwemumwe wako zvokumanikidzira mushure mokunge arambwa mungada kutsvaka rubatsiro rwemagweta.
Kurukuriranai
Kurukura nemumwe wako kana wakagadzirira. Kuziva kuti mumwe wako atadza kutendeka kunokonzera kuti unetseke mupfungwa zvakanyanya. Unogona kunge uchida nguva usati wataura nemumwe wako pamusoro pezvakaitika. Zvakakosha kukurukura nyaya yacho kuitira kuti ogone kufambira mberi muukama hwako, asi usazvimanikidza kukurukura nenyaya yako nemudiwa wako pakarepo. Tora nguva yako utaure nezvazvo apo unenge wonzwa kuti wagadzirira.
Kana mumwe wako akakumanikidza kuti utaure, taura mashoko akaita seaya, ‘Ndinonzwisisa kuti iwe unoda kutaura, asi ndiri kurwadziwa ikozvino hanzikwanisi kuti nditaure pamusoro pezvakaitika. Ndapota ndiratidze rudo rwako nekundipa mukana nenguva.’
Hapana chakaipa kuratidza kunyatsotsamwa kwako. Une kodzero ykurwadziwa, kutsamwa, uye kushatirwa. Kuburitsa izvi pachena kune utano, sezvo zvisina kunaka kuti unyengedzwe uye mumwe wako anofanira kunzwisisa kuti zviito zvake zvakakubata sei. Ukatadza kutendeseka uye kubuda pachena maererano nezvaunonzwa zvinoreva kuti mumwe wako haawane mukana wokutarisana nechokwadi chezvaakaita, uyekuti zvakakurwadza sei. Kana akaedza kukudzivisa kana kukupa mhosva, ichi chiratidzo chokuti haasi kubvuma musva yake nemwoyo wose. Unogona kumuudza mashoko akaita seaya, ‘Ndapota, ngatinanganei nezvawakaita.’
Isa miganhu
Isa miganhu pamusoro peukama hunoitwa kunze kwemhuri yako. Kusatendeseka kunowanzoitika kana pasina miganhu yakajeka inoremekedzwa muhukama hwevaviri. Une kodzero yokubuda pachena kuti miganhu yenyu ndeippi nyange mumwe wako aine zvikonzero zvaanoti ndizvo zvakaita kuti abiridzire.
Semuenzaniso, mumwe wako haafaniri kutaura nemushandipamwe pamusoro pako kana nezvemhuri yako. Iwe nemumwe wako munogona kushanda pamwe chete kunyora pasi zvausingade kuti zvitaurwe nevanhu vaanoshanda naye.
Ushamwari hwake navamwe vanhu haufanire kusanganisira bonde. Hapafanire kuva ne kutsvodana, kuita chiramu, kana kuita zvinhu zvinokonzeresa.
Haafanire kubuda ega nevanhu vanomuedza kuti asatendeke. Somuenzaniso, haafaniri kunwa nevanhu vasina kuroorwa kana kuroora. Izvi zvingaita sekuomeserana, asi zvinogona kubatsira kusimbisa kuvimbana kenyu zvakare.
Ziva kwaari
Kumbira mumwe wako kuti akuzivise kwaanenge ari zuva rose.Mumwe wako anofanira kunzwisisa kuti hapasisina kuvimbana saka unoda kuti muvimbane zvakare. Nokuda kwechikonzero ichi unoda kuziva kuti mumwe wako aripi nguva dzose. Izvi zvingaratidzika sekuomesera mumwe wako asi zvakafanira kuti kuti vazvipire kudzosa kuvimba kwako.
Chenjerera muedzo wokushusha paunenge uchiita izvi. Hapana chakaipa kubvunza kuti mumwe wako aripi uye achaswerepi, asi hazvina kunaka kumudirira mameseji, nhare kana kumutyisidzira asingapinduri pakarepo. Zvinonzwisisika kuva nekufungira, asi mufambiro wako unodawo kuva wakakodzera.
Usaudzwa zvausingadi kunzwa
Taura nezvekubiridzira kwawakaitirwa, asi isa miganhu. Somunhu akanyengedzwa, sarudza zvaunoda kunzwa nepaunoda kuzvinzwa.
Usakumbira mudiwa wako kuti akuudze zvinhu zvinozonyanyokurwadza. Unekodzero yokuziva asi sarudza zvaunoda kuziva.
Sarudza kukanganwira
Kanganwira iwe pachako. Mumwe wako anogona kukumbira ruregerero achida kuti uregerere panguva iyoyo. Asi kukanganwirwa kwechokwadi nekupora kunogona kutora nguva. Asi hapana nguva inonzi iyi nziyo inofanira kutorwa kuti uregerere. Munhu akabiridzira anofanira kunzwisisa kuti haana kodzero yokutaura kuti iwe unofanira kupora riinhi. Hapana chakaipa kana uchida nguva refu kuti upore uye uregerere. Batsira mumwe wako kuti anzwisire nokumuudza kuti uchiri kurwadziwa saka unoda nguva kuti upore.
Muudze mashoko akaita seaya, ‘Ndinokoshesa kukumbira kwako ruregerero uye ndinoda iwe kuti urambe uchiratidza kuti unoda kuregererrwa, asi ini handisati ndakagadzirira kukuregerera.’
Zvakanaka kusaregerera. Asiwo kunyengedza kunosiya ronda rakadzika. Naizvozvo kutora nguva kuti uregerere hakurevi kuti hausi munhu akanaka.
Tsvaga rubatsiro
Tsvaka rubatsiro kubva kumurangi. Kutarisana nemunhu anonyengedza uri woga pachako kwakaoma. Kana zvakanyanya kukuomera iwe kuti iwe nemumwe wako mukurukure nyaya yenyu tsvaka rubatsiro rwenyanzvi. Nyanzvi innogona kukubatsira mumanzwiro ako.
CHIKAMU CHECHITATU: KUVAKA IMBA YAKO
Kurudzirai mumwe wako kubuda pachena maererano noupenyu hwake.
Kugovera zvakawanda zvamunonzwa nemumwe wako uye kumukurudzira kuchabatsira kusimbisa chisungo chorudo rwenyu. Ita kuti uve tsika yokukurukurirana zuva nezuva. Zvimwe zvekukurukurirana ndezvinotevera:
‘Uchiri kuyeuka here tichimbofamba-famba mupaki? Ngatizvidzokorereika …. Wakasununguka riinhi?’
‘handina kufarira zvakaitika pakati pedu zuro. Ndinoda kuedza kuchinja. Ndinoda kukuudza zvandinofunga kuti zvinoshanda asi ndingafare ukandiudzawo pfungwa dzako.’
Funga mumwe wako
Funga mumwe wako iyewo achikufunga pane zvose zvamunoita. Mese munofanira kudzidza kunzwisisana. Nzira yakanakisisa yokuziva zvinoda mumwe wako iwe uchizivawo zvaanoda kutaurirana. Kana usina chokwadi kuti kuti mumwe wako anodei mubvunze mibvunzo uye teerera. Kana usina kunzwisisa bvunza mimwe mibvunzo yakawanda. Somuenzaniso, ‘Urikuda ….. Ndizvo here?’
Koshesanai
Kukoshesanai. Kuratidza kukosha komumwe wako kuburikidza nekumurumbidza kwechokwadi kunoita kuti ukama hwenyu husimbe. Iwe nemumwe wako zivai kukosha kwekuudzana mashoko ekurumbidza. Ita izvi umire pachokwadi.
Nyevero
Usaudza zvose zviri kuitika pakati pako nomumwe wako kuvana. Iyi inyaya yenyu muri vaviri, haufaniri kuit akuti vana vatore divi.