Rimwe zuva gonzo akaona munhu achiteya chikirimbani ndobva adaidza huku, mbudzi namombe achivaudza kuti, ‘Paita dambudziko hombe saka poitwa sei kuti chikirimbani chidhingurwe.’
Huku akati, ‘Idambudziko rako iwe gonzo nekuti ndiwe usirikudiwa nemunhu.
Ini anotondipa mvura nechikafu uye akatondiisira mwenje kuti ndidye neusiku saka ona yekutamba.’
Mbudzi akati, ‘Ini ndinodiwa nekuti ndinotofudzwa uye ndakavakirwa chikwere, saka iyi ndeyako wega gonzo.’
Mombe akati, ‘Ini ndinodiwa chose kupinda mose zvokuti ndakatounganidzirwa mashanga echibage. Ndinotoperekedzwa kumvura kana rwizi rwapwa ndinotodhayirwa chibhorani uye ndakatotengerwa munyu wekupota ndichinanzva. Chikirimbani chiri mumba ini handikwane pamusiwo saka iwe gonzo ona zvekuita.’
Gonzo akarwadziwa kwazvo akati nhasi nemhuri yangu hatifambifambi.
Manheru nyoka akabva apinda mumba umu achiteera makonzo nekuti akanga asina kubuda panze. Nyoka akabva arohwa nechikirimbani nechokumuswe.
Munhu paakanzwa chikirimhani kuti pwa-a, akabva amuka ndokutsvanzvadzira murima achiti gonzo abatwa. Akabva akoborwa nanyamubobo uyo aitovira nehasha ndiye mukabika idyai.
Vanhu vakaungana zvikanzi ‘Takamirira hama dzemufi ngatifanobata mbudzi kuti tiwane usavi.’
Pakazouya hama dzemufi dzakati ‘Bayai mombe nekuti pafa munhu mukuru mombe ndokuurawa.’
Vapedza kuviga munhu madzisahwira akati ‘Tinoda poto yedu tega’ huku ndokuurawa.
Izvi zvese zvaiva mumaziso agonzo.
Dzidziso: Dzidza kutora dambudziko remumwe serako nekuti tikasabatana rinozotipedza tese.