Izvi zvinoshamisa. Kana tikaona utera hwedu, Mwari vanotisimbisa. Kana tikaona kushama kwedu, mwari vanotizadza. Kana tikaona urombo hwedu, Mwari vanotipfumisa. Tinobva tazovapo kuti timushandire nokuva midziyo yokuendesa upfumi hwake kuna vamwe.
Mitsara
Kupa unaku hwemwoyo kwete hwemaoko.
Magamba anotsvaga zvakakosha kubva pamikana yavainayo, panekumirira kupihwa mikana yakakosha.
Upenyu huzere nenyatwa, zhinji dzacho hadzifi dzakaitika. Vimba naMwari – Mwari vachakusunungura
Ziva kuti unokosha uye wakasiyana. Kuzvigamuchira kunobva muruzivo urwu.
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
- Iva nehanya
- Govana
- Ipa
- Kanganwira/Regerera
- Kumbira ruregerero
- Ida
- Nyemwerera
- Vonga/tenda
- Remekedza
- Shanda nesimba
- Batana navadikanwi
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
- Mhosva inogona kuva yako.
- Iva netsitsi. Ungangorangarirwa.
- Ratidza chido. Ungangodzidzisika.
- Shanda nesimba. Ungangoita rombo rakanaka.
- Iva norupo. Ungangoitirwawo saizvozvo.
- Ungangoona zviri mberi.
- Ungangozvirerutsira.
- Iva zvauri. Unozofara zvikuru.
Njodzi nomwe pahunaku/hunhu hwavanhu:
- Pfuma isina kushandira
- Mafaro pasina kurova kwehana
- Zivo isina unhu
- Bhizimisi risina tsika
- Sayenzi isina vanhu
- Chitendero chisina kuzvipira
- Zvematongerwo enyika zvisina mutemo (principles)
- Mahatma Gandhi