Zvinopa hasha zvikuru kuziva kuti wanyeperwa, wabatwa kumeso. Tinoda chokwadi Kunyange chokwadi chacho chichirwadza. Unoda kuti chiremba akubudire pachena kuti une chirwere chegomarara. Unonzwa sei kana chiremba akaziva kuti unegomarara urega kukuudza? Zviri nani kuudzwa chokwadi pane kuvanzirwa uchiudzwa manyepo.
Zvinorwadza kuziva kuti mwana wako haasi kukona muchikoro. Asi unonzwa sei kana murairidzi wake akasakuudza chokwadi kuti mwana idofo achida kukufadza nenhema?
Shoko Rakanaka ranhasi rinotiudza nezvaJesu adzokera kwaakakurira. Anotanga nokugamuchirwa nomufaro mukuru. Zvanzi, ‘Vose vaivapo vakataura zvakanaka pamusoro pake. Vaka shamiswa nemashoko ake anofadza.’ Asi nenguva isipi ruyemuro rwavo runoshanduka ruchiva ruvengo. Nenguva isipi vanomutora voenda naye vachida kunomusairira pamusoro pegomo kuti afe. Vaida kusairira chokwadi kuti chitsakatike. Vakapandukira Jesu Nokuti akavaudza chokwadi chavakanga vasingade kunzwa.
Akanga avati kudii? Akavarangaridza nezva Eriya muporofita. Pane nguva yavakaona nhamo mugore renzara vanhu vachifa. Asi Eriya akaenda kushirikadzi yaive nechitendero kwete kumuJudha akanomununura. Ruponeso rwakaenda kumutorwa anechitendero kwete kumuJudha. Akavaudzawo rungano rwaErisha. CHirwere chamaperembudzi chakakondombera muIziraeri asi Eriya akabatsira munhu mumwe, mutorwa kwete mumwe wavo.
Chokwadi ichi chakavarwadza zvikuru. Akanga apfurikidza mwero. Aitaura nezverudo kumunhu wese kwete kuvaJudha chete. Aivaudza kuti Mwari haazi wavo voga. Mashoko aya aigodora.
TInogona kutarisana nedambudziko rimwechetero nhasi uno. Tinogona kuda kunzwa mashoko anotifadza chete nokuagamuchira asi tigoviruka nehasha kana tikaudzwa mashoko anopikisana nesu. Panogona kuita dambudziko tikaudzwa chokwadi chinotiti tishanduke, tishandure maonero edu, mafungiro edu zviito zvedu. Panogona kuita dambudziko tikanzi ida vorumwe rudzi, madzimai anofanir akuremekedzwa. Zivi ndozvakaitika kuna Jesu. Aivati vashandure hunhu hwavo, maonero avo avanozviita, avanoita Mwari, avanoita vamwe vanhu. Chakabva chabvondoka!
Asi Shoka Rakanaka rine dama riri pachena. Jesu ari kuti Mwari anoda munhu wose. Pauro ari kutaura murwiyo rwake achiti Mwari rudo. Mwari haana rusaruro. Mwari anoda munhu wose norudo rusina mhondwa. Rudo rune mowyo munyoro, rudo rune rupfave … Izvi ndozviri Mwari.
Maperero anoita Shoko Rakanaka anonakidza. Mushure mokuvaudza chokwadi, rusaruro rwavo runovadzimaidza, runovapofomadza. Vakaputirwa nehasha. Jesu akasvika kufamba napakati pavo asi Havana kumbomuona nokuda korusaruro rwakavadzimaidza. Jesu anouya kwatiri nenzira nhando nguva zhinji asi tinogona kutadza kumuona nokuda korusaruro. Anouya nomuvarombo, muvanhukadzi, munevanematambudziko akasiyana-siyana, muvatorwa. Tichamuona here? Pafunge.