Mazano
- Vadzizi vakasangana nemurume asiri weboka ravo airapa muzita raJesu. Vakaedza kumumisa. Jesu akati musamumise. Anoita basa rimwe nesu haasi mhandu yedu. Ichi chidzidzo chekugamuchira (tolerance and openness).
- Hanzi naJesu ani naani anopa mumwe wavaduku mukombe mvura achapihwa mubairo. Mukombe uri kurehwa moyo chena. Tiri kukurudzirwa kuitira vamwe moyochena kunyange nenzira diki.
- Jesu ari kutaura nezve scandal. Ari kuyambira kuti kana paine chinokupinza murutadzo chibvise.
- Jesu ari kuti vanopara rutadzo vanoenda kuGehena. Gehena yaive nzvimbo yaipisirwa vana sezvibairo. Izvi pazvakabaniwa yakava nzvimbo yekurasira marara. Saka vanhu vaive netsumo yekuti ukapara rutadzo unoenda kugehena.
Mhingidzo
Shoko raMwari riri kuti musava mhingidzo murupenyu rwavamwe – stumpling bloks. Tinova mhingdzo nenzira dzinotevera:
- Kana uchiitira vamwe utsinye, uchiadzikisira.
- Usinganzwisise utera hwavamwe, mhosho dzavo, matadzo avo. Uchivaita kuti vaite kunge vaipi.
- Kana uchinyadzisa vamwe nekuti havaiti zvaunotarisira.
- Kana uchidzvanyirira nekudzikisira vamwe.
- Kana uchifuratira, ku ignower vamwe uchivaita sepasina zvavanoziva.
- Kana uchisvora vamwe, uchiuraya zviroto zvavo.
- Kana usingabhadhare vamwe mari yakakwana.
Asi unogona kuva stepping stone, dombo rekutsikira:
- Kana uchitsigira vamwe panguva yavo yehutera.
- Kana uchiita kuti vamwe vavimbe nezvavari.
- Kana uchibatsira vamwe kuona matarenda avo.
- Kana uchigamuchira vamwe pavanenge vavarasirwa kure.
- Kana uchiramba kubatana neruzhinji pakusvora munhu.
- Kana uchiregerera nokusunungura munhu pamhosho dzake dzekare.
- Kana uchipa munhu basa womubhadhara mari yakakwana.